Ekisodho 1:8-12
Ekisodho 1:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo mambo mutsva, akanga asingazivi nezvaJosefa, akatanga kutonga muIjipiti. Akati kuvanhu vake, “Tarirai, vaIsraeri vanyanya kuwanda kwazvo. Uyai tivafungire zano nokuti vangazonyanya kuwanda uye kana hondo ikamuka, vangazobatana navavengi vedu, vakarwa nesu vakazobva munyika.” Saka vakagadza vatariri vebasa pamusoro pavo kuti vavadzvinyirire nebasa rechibharo, uye vakavaka Pitomu neRamesesi kuti ave maguta amatura aFaro. Asi pavakanyanya kudzvinyirirwa ndipo pavakanyanya kuwanda uye nokupararira; saka vaIjipita vakasvika pakutya vaIsraeri
Ekisodho 1:8-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino paIjipiti pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa. Iye akati kuvanhu vake, “Tarirai, vanhu ava, vana vaIsiraeri, vanotipfuura isu pakuwanda nesimba; uyai, ngativafungire zano, varege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, ivo vangabatsirana navavengi vedu, vakarwa nesu, vakabva panyika ino.” Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta ana matura, Pitomi naRamesesi. Asi vachiramba vachivanetsa, ivo vakaramba vachiwanda kwazvo, vachingopararira. Vakaora mwoyo nokuda kwavana vaIsiraeri.
Ekisodho 1:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakazomuka mambo mutsva aitonga muIjipiti akanga asingazivi nezvaJosefi. Akayambira vanhu vake achiti, “Tarisai muone vaIsiraeri vanyanyisa kuwanda uye vava nesimba rawandisa kudarika isu. Zvino ngatitsvakei zano rokuti varege kuramba vachiwanda kudai. Ndinodaro nokuti musi unomuka hondo yokutirwisa, vachazoita rimwe navavengi vedu voita chirwirangwe chokutirwisa vakazotiza munyika ino.” Naizvozvo vaIjipiti vakazoisa vanhu vokushandisa vaIsiraeri basa rinorema rechibharo rokuvarwadzisa. VaIsiraeri vakabatwa zvakaipa vachimanikidzwa kuita mabasa airema zvikuru. Vakavakira Farao maguta ematura. Maguta acho ainzi Pitomu neRamesesi. VaIsiraeri pavaioneswa ndondo kudaro, ndipo pavakatonyanya kuwanda nokutekeshera nenyika yose iyoyo. Pamusana paizvozvi vaIjipiti vakatya vaIsiraeri zvikuru
Ekisodho 1:8-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino paEgipita pakamuka mumŋe mambo mutȿa, wakaŋga asina‐kuziʋa Josefa. Iye akati kuʋanhu ʋake: Tarirai, ʋanhu aʋa, ʋana ʋaIsraeri, ʋanotipfuʋura isu pakuwanda nesimba; ʋuyai, ŋgatiʋafuŋgire zano, ʋarege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, iʋo ʋaŋgaɓatsirana naʋaʋeŋgi ʋeɗu, ʋakarwa nesu, ʋakabva panyika ino. Naiɀoɀo ʋakagadza pamsoro paʋo ʋatariri ʋeɓasa, kuti ʋaʋanetse nemirimo yaʋo. Ʋakaʋakira Farao maguta anamatura, Pitomi neRamesesi. Asi ʋaciramba ʋaciʋanetsa, iʋo ʋakaramba ʋaciwanda kwaɀo, ʋaciŋgopararira. Ʋakaʋora mŋoyo nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri
Ekisodho 1:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)