Esteri 9:20-28
Esteri 9:20-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Modhekai akanyora zvakaitika izvi, ndokutuma matsamba kuvaJudha vose vaiva munyika yose yaMambo Zekisesi, vaiva pedyo nevaiva kure, achivaudza kuti vapemberere gore negore zuva regumi namana neregumi namashanu romwedzi waAdhari, senguva yakawanikwa rusununguko navaJudha kubva kuvavengi vavo, uye somwedzi uyo kusuruvara kwavo kwakashandurwa kukava mufaro, uye kuchema kwavo kukashandurwa kukava zuva rokupembera. Akavanyorera kuti vacherechedze mazuva aya samazuva amabiko nomufaro vachipana zvipo zvezvokudya, mumwe nomumwe, uyewo nokuvarombo. Naizvozvo vaJudha vakabvumirana kuita zvavakanga vatanga, nokuita zvavakanga vanyorerwa naModhekai. Nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha vose, akanga aronga kuparadza vaJudha uye akanga akanda puri, ndiwo mujenya, kuti vaparadzwe uye vaparadzwe zvachose. Asi shoko iri rakati rasvika munzeve dzamambo, akanyora achirayira kuti zano rakaipa iri rakanga rarongwa naHamani rokurwisa vaJudha ridzokere pamusoro pake iye uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda. (Naizvozvo mazuva aya akadaidzwa kuti Purimu, kubva pavara rokuti puri.) Nokuda kwezvakanyorwa zvose mutsamba uye nokuda kwezvavakanga vaona, nezvakaitika kwavari, vaJudha vakasarudza kusimbisa tsika yokuti ivo navana vavo navose vaizobatana navo vaifanira kucherechedza mazuva maviri aya gore negore vasingatongoregi, sezvazvakanga zvakanyorwa uye nenguva dzakatarwa. Mazuva aya anofanira kurangarirwa agocherechedzwa, murudzi rumwe norumwe, mumhuri imwe neimwe, munyika imwe neimwe uye nomuguta rimwe nerimwe. Uye mazuva aya ePurimu haafaniri kutongoregwa kupembererwa navaJudha, uye kurangarirwa kwawo hakufaniri kuparara pakati pavana vavo.
Esteri 9:20-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Modhekai akanyora zvinhu izvo, akatuma n’wadhi kuvaJudha vose vakanga vari pamativi ose enyika yamambo Ahashivheroshi, pedyo nokure, akavaraira kuti varangarire zuva iro regumi namana romwedzi weAdhari, nezuva regumi namashanu rawo, gore rimwe nerimwe, nokuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nookutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo. VaJudha vakatenda kuita nomutowo wavakatanga nawo, sezvavakanyorerwa naModhekai; nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha vose akanga afunga zano rokuparadza vaJudha, akakanda Puri, ndiyo mijenya, kuvapedza nokuvaparadza; asi shoko iri rakati richisvika kuna mambo, iye ndokuraira nen’wadhi kuti zano iri rake rakaipa raakafunga pamusoro pavaJudha, ridzoserwe pamusoro wake, uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda. Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose e’nwadhi iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa, vaJudha vakatema chirevo vakazvisunga, kuti ivo navana vavo, navose vaizozviisa kwavari, havangatongoregi kurangarira mazuva iwayo maviri, sezvakanga zvanyorwa pamusoro pawo, uye panguva yakanga yatarwa gore rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo arangarirwe nokutambwa pakati porudzi rumwe norumwe, nemhuri imwe neimwe, norutivi rumwe norumwe rwenyika neguta rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo ePurimi arege kutongoregwa pakati pavaJudha, arangarirwe nokusingaperi pakati pavana vavo.
Esteri 9:20-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Modhekai akanyora zvinhu izvozvi akatumirawo tsamba kuvaJudha vaiva munyika dzose dzamambo Ahasuerusi, dzose zvadzo dzokure nedzepedyo, achivati vanofanira kuchengetawo zuva regumi nechina remwedzi waAdhari uyewo nezuva regumi nechishanu remwedzi wakarewo gore negore. Akavati vaachengete samazuva akawana vaJudha zororo kuvavengi vavo, uye semwedzi wavakasandurirwa zvinhu, kusuruvara kukaitwa kufara, kuungudza kuchiitwa zuva rokufaranuka vagoaita mazuva emabiko neokufara, mazuva okutumirana zvipo zvezvokudya zvakanakisisa ivo pachavo nokuvarombowo. Nokudaro vaJudha vakatanga kuita basa iri ravakanga vavamba uye sokunyorerwa kwavakanga vaitwa naModhekai pamusana pokuti Hamani muAgagi mwanakomana waHamedhata muvengi wavaJudha waakanga aitira vaJudha bangano rokuvaparadza vatoshandisawo Puri, chin'ange ichocho kuitira kuti vavazhanye vavaparadze. Asi pakazosvika Esita pana mambo, iye mambo akatema zvirevo zvakaita zvokunyorwa kuti bangano rake rakaipa raakanga arongera vaJudha ripfukire Hamani wakare uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamutandarikwa wamapango. Naizvozvo vakatumidza mazuva iwaya zita rokuti Purimu zvichibva kune izwi rokuti Puri. Saka naizvozvo, pamusana pezvose zvakanga zvakanyorwa mutsamba iyoyo nedzavakanga vasangana nadzo panyaya iyoyi nezvakanga zvavawira; vaJudha vakazviisira murao, ivo pachavo navana vavo nevose vakanga vabatana navo wokuti: vaifanira kuzochengeta mazuva maviri iwaya gore negore pasina zvokumborega kuachengeta, vachiachengeta somunyorerwo wazvakaitwa uyewo panguva yacho yakatemwa; uye kuti mazuva iwaya, mazuva anofanira kurangarirwa nokuchengetwa muchizvarwa choga choga mhuri nemhuri, nyika nenyika, guta neguta; uyewo kuti mazuva iwaya ePurimu haafanire kudarikwa pakati pevaJudha kunyange kuti zvokurangarira mazuva iwaya zvipere pakati pavana vavo.
Esteri 9:20-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mordekai wakanyora ɀinhu iɀo, akatuma ŋwadi kuʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋari pamatiʋi ose enyika yamambo Ahashveroshi, pedyo nokure, akaʋaraira kuti ʋaraŋgarire zuʋa iro regumi namanna romŋedzi weAdari, nezuʋa regumi namashanu rawo, gore rimŋe nerimŋe, nokuti ndiwo mazuʋa ʋaJuda aʋakazorodzwa nawo paʋaʋeŋgi ʋaʋo, nomŋedzi waʋakashandurirwa nawo kucema kwaʋo ukaʋa mufaro, ʋuye zuʋa rokucema rikaʋa zuʋa rakanaka; ʋuye kuti ʋaaite mazuʋa omutambo noomufaro, nookutumirana ɀinonaka ʋuye ɀipo kuʋarombo. ƲaJuda ʋakatenda kuita nomutoʋo waʋakataŋga nawo, seɀaʋakanyorerwa naMordekai; nokuti Hamani mŋanakomana waHamedata muAgagi, muʋeŋgi waʋaJuda ʋose, wakaŋga afuŋga zano rokuparadza ʋaJuda, akakanda Puri, ndiyo mijenya, kuʋapedza nokuʋaparadza; asi shoko iri rakati riciȿika kunamambo, iye ndokuraira neŋwadi kuti zano iri rake rakaipa raakafuŋga pamsoro paʋaJuda, ridzoserwe pamusoro wake, ʋuye kuti iye naʋanakomana ʋake ʋasuŋgirirwe pamatanda. Naiɀoɀo ʋakatumidza zita ramazuʋa iwayo Purimi nezita rePuri. Ɀino nokuɗa kwamashoko ose eŋwadi iyo, neɀaʋakaʋona pamsoro pecinhu ico, neɀaʋakaitirwa, ʋaJuda ʋakatema cireʋo ʋakaɀisuŋga, kuti iʋo naʋana ʋaʋo, naʋose ʋaizoɀiisa kwaʋari, haʋaŋgatoŋgoregi kuraŋgarira mazuʋa iwayo maʋiri, seɀakaŋga ɀanyorwa pamsoro pawo, ʋuye paŋguʋa yakaŋga yatarwa gore rimŋe nerimŋe; ʋuye kuti mazuʋa iwayo araŋgarirwe nokutambga pakati porudzi rumŋe norumŋe, nemhuri imŋe neimŋe, norutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika, neguta rimŋe nerimŋe; ʋuye kuti mazuʋa iwayo ePurimi arege kutoŋgoregwa pakati paʋaJuda, araŋgarirwe nokusiŋgaperi pakati paʋana ʋaʋo.
Esteri 9:20-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)