Esteri 8:11
Esteri 8:11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chirevo chamambo chakapa vaJudha vaiva muguta rimwe nerimwe mvumo yokuungana nokuzvidzivirira; kuuraya nokuparadza zvachose varwi vapi zvavo vakapakata zvombo, vorudzi rupi norupi, kana nyika ipi yaigona kuzovarwisa ivo navakadzi vavo navana vavo; uye kupamba midziyo yavavengi vavo.
Esteri 8:11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mambo akatendera pan’wadhi idzo vaJudha paguta rimwe nerimwe kuungana, nokurwira upenyu hwavo, vaparadze, vauraye, vapedze simba rose ravanhu neramativi enyika kana vaida kuvavamba ivo navana vavo navakadzi vavo, uye vatore nhumbi dzavo vadzipambare
Esteri 8:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Netsamba idzi, mambo akabvumidza vaJudha vomuguta rimwe nerimwe kuunganidzana kuti vazozvidzivirira upenyu; uye kuti vaparadze nokutouraya chaiko nokutsakatisa hondo ipi neipi zvayo yavanhu inenge iine zvombo zvehondo, kana nyika inenge yafunga zvokurwisa ivo navana vavo navakadzi vavo, kana kuzopamba zvinhu zvavo
Esteri 8:11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mambo akatendera paŋwadi idzo ʋaJuda paguta rimŋe nerimŋe kuʋuŋgana, nokurwira ʋupenyu bgaʋo, ʋaparadze, ʋaʋuraye, ʋapedze simba rose raʋanhu neramatiʋi enyika kana ʋaiɗa kuʋaʋamba iʋo naʋanana ʋaʋo naʋakadzi ʋaʋo, ʋuye ʋatore nhumbi dzaʋo ʋadzipambare
Esteri 8:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)