Esteri 4:6-11
Esteri 4:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Hataki akabuda akaenda kuna Modhekai pachivara cheguta pamberi pesuo ramambo. Modhekai akamuudza zvose zvakanga zvaitika kwaari, pamwe chete nemari chaiyoiyo yakanga yavimbiswa naHamani kuti achaisa mudura ramambo kuti vaJudha vaparadzwe. Akamupawo gwaro rechirevo chezvokuparadzwa zvachose kwavo, rakanga raparadzirwa muShushani, kuti andoratidza Esteri uye amutsanangurire nezvaro, uye akamuudza kuti amukurudzire kuti aende andomira pamberi pamambo akumbire kuti vanzwirwe ngoni uye agoreverera vanhu vake kwaari. Hataki akadzokerazve akandozivisa Esteri zvakanga zvarehwa naModhekai. Ipapo akamurayira kuti andoti kuna Modhekai, “Vabati vose vamambo navanhu vomunyika dzamambo vanoziva kuti mambo vanongova nomurayiro mumwe wokuti, murume upi zvake kana mukadzi anosvika pana mambo muruvazhe rwomukati asina kudaidzwa anofanira kuurayiwa. Anongoraramiswa chete kana mambo atambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kwaari. Asi mazuva makumi matatu atopfuura mushure mokunge ndadaidzwa kuti ndiende kuna mambo.”
Esteri 4:6-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Hataki akaenda kuna Modhekai padare reguta, rakanga riri pamberi pesuo ramambo. Modhekai akamuudza zvose zvaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti achaiisa muzvivigiro zvamambo kuti vaJudha vaparadzwe. Akamupawo mashoko orunyoro rwechirevo chakanga chatemwa paShusha chokuti vaparadzwe, kuti achiratidze Esiteri nokumuzivisa izvozvo; akamurairawo kuti apinde kuna mambo amunyengetere nokukumbirira vanhu vake kwaari. Hataki akandoudza Esiteri mashoko aModhekai. Ipapo Esiteri akataura naHataki, akamupa shoko rokundoudza Modhekai, akati, “Varanda vose vamambo navanhu vamativi enyika dzamambo vanoziva kuti ani naani, kunyange murume kana mukadzi, akapinda kuna mambo muruvanze rwomukati asina kudanwa, kunongova nomurau mumwe woga kwaari, kuti aurawe; asi kana mambo akamutambanudzira tsvimbo yendarama, achararama hake; asi ini handina kudanwa kuti ndipinde kuna mambo mazuva ano ana makumi matatu.”
Esteri 4:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hataki akabuda akaenda kuna Modhekai panhandare yeguta iri pamberi pesuo guru rokwamambo. Modhekai akamurondedzera zvose zvakanga zvamuwana nouwandi chaihwo hwemari yakavimbiswa naHamani kuti aizobvisa igoendeswa maichengeterwa upfumi hwokwamambo yebasa rokuparadzisa vaJudha. Modhekai akamupawo imwe tsamba yakanga yakaita sechirevo ichocho chakatemwa muguta reSusa chokuti vaparadzwe kuitira kuti andochiratidzawo Esita nokumutsanangurira nokumuti aende kuna mambo andomuteterera achikumbirira vanhu vokwake. Hataki akaenda akandopira Esita zvakanga zvarehwa naModhekai. Esita akataurira Hataki shoko rokundotaurira Modhekai kuti, “Machinda ose navanhu vose venyika dzamambo vanoziva kuti kuwana munhu, angave murume kana mukadzi zvake, anopinda muna mambo muimba yomukati asina kutoitwa zvokudaidzwa, kune mutemo mumwechetechete wokuti, pfiro yavo imwecheteyo; vanourayiwa, kusatoti anenge aita zvokutosimudzirwa namambo tsvimbo yendarama youmambo kuitira kuti ararame. Zvino ini handina kumbodaidzwa kuti ndipinde muna mambo mumazuva makumi matatu iwaya.”
Esteri 4:6-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Hataki akaenda kunaMordekai paɗare reguta, rakaŋga riri pamberi pesuʋo ramambo. Mordekai akamuʋudza ɀose ɀaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti ucaiisa muɀiʋigiro ɀamambo kuti ʋaJuda ʋaparadzwe. Akamupa ʋo mashoko orunyoro rwecireʋo cakaŋga catemŋa paShushani cokuti ʋaparadzwe, kuti aciratidze Estere nokumuziʋisa iɀoɀo; akamuraira ʋo kuti apinde kunamambo amunyeŋgetere nokukumbirira ʋanhu ʋake kwaari. Hataki akandoʋudza Estere mashoko aMordekai. Ipapo Estere akataura naHataki, akamupa shoko rokundoʋudza Mordekai, akati: Ʋaranda ʋose ʋamambo naʋanhu ʋamatiʋi enyika dzamambo ʋanoziʋa kuti aninani, kunyaŋge murume kana mukadzi, kana akapinda kunamambo muruʋazhe rwomukati asina‐kuɗanwa, kunoŋgoʋa nomurau mumŋe woga kwaari, kuti aʋurawe; asi kana mambo akamutambunudzira tȿimbo yendarama, ucararama hake; asi ini handina‐kuɗanwa kuti ndipinde kunamambo mazuʋa ano anamakumi matatu.
Esteri 4:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)