Esteri 4:14-16
Esteri 4:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti kana iwe ukanyarara panguva ino, kusunungurwa nokurwirwa kwavaJudha zvichabva kune imwe nzvimbo, asi iwe nemhuri yababa vako muchaparara. Zvino ndiani angaziva zvakaita kuti uve muimba youmambo nenguva yakaita seino?” Ipapo Esteri akatumira mhinduro kuna Modhekai achiti, “Enda unounganidza vaJudha vose vari muShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu. Musadya kana kunwa kwamazuva matatu, usiku namasikati. Ini navarandakadzi vangu tichazvinyima zvokudya sezvamuchaita imi. Kana izvi zvaitwa, ndichaenda kuna mambo, kunyange zvisingatenderwi nomurayiro. Uye kana ndichiparara, ndichaparara hangu.”
Esteri 4:14-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutoo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?” Ipapo Esiteri akaraira kuti vapindure Modhekai, vati, “Endai mukokere vaJudha vose vari paShusha, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu; regai kudya kana kunwa mazuva matatu, usiku namasikati; neniwo navasikana vangu tichazvinyima zvokudya saizvozvo; ipapo ndichapinda kuna mambo, kunyange zvisina kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara hangu.”
Esteri 4:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinodaro nokuti kana ukatonyarara zvako panguva yakaita seiyo iyi, vaJudha vachawana ruyamuro nokununurwa kuchangonyuka kuchibva kumwewo zvako. Asi iwe nemba yababa vako muchaparara. Zvinoka, zvimwe kupinda kwawakaita paumambo uku zvakatoitirwa nguva yakaita seiyo ino iyi, zvinaani angazvizive izvozvo?” Esita akavaudza mhinduro yokundopawo Modhekai yokuti, “Endai mundokokorodza vaJudha vose vamunowana muSusa muti ngakutsanywe muchitsanyireni murege kudya kana kunwa kwamazuva matatu siku nesikati. Iniwo navasikana vangu ndichatsanyawo sezvamuchaita. Ndichazoenda kuna mambo kunyange zvazvo zvisiri pamutemo. Kana ndikaparara ndapararawo zvangu.”
Esteri 4:14-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kana iwe ukanyarara cose neŋguʋa ino, ʋaJuda ʋacaɓatsirwa nokurwirwa nomumŋe mutoʋo, asi iwe neimba yaɓaɓa ʋako mucaparadzwa; handiti, ɀimŋe wakaȿika paʋushe nokuɗa kweŋguʋa ineŋge seino here? Ipapo Estere akaraira kuti ʋapindure Mordekai, ʋati: Endai mukokere ʋaJuda ʋose ʋari paShushani, muɀinyime ɀokudya nokuɗa kwaŋgu; regai kudya kana kunwa mazuʋa matatu, ʋusiku namasikati; neni ʋo naʋasikana ʋaŋgu ticaɀinyima ɀokudya saiɀoɀo; ipapo ndicapinda kunamambo, kunyaŋge ɀisina‐kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara haŋgu.
Esteri 4:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)