Esteri 4:12-15
Esteri 4:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mashoko aEsteri akati aziviswa kuna Modhekai, iye akapindura achiti, “Usafunga kuti zvauri mumba mamambo iwe woga pakati pavaJudha uchapunyuka. Nokuti kana iwe ukanyarara panguva ino, kusunungurwa nokurwirwa kwavaJudha zvichabva kune imwe nzvimbo, asi iwe nemhuri yababa vako muchaparara. Zvino ndiani angaziva zvakaita kuti uve muimba youmambo nenguva yakaita seino?” Ipapo Esteri akatumira mhinduro kuna Modhekai achiti
Esteri 4:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakaudza Modhekai mashoko aEsiteri. Ipapo Modhekai akavaraira kuti vapindure Esiteri, vati, “Usati iwe uchapukunyuka mumba mamambo kupfuura vamwe vaJudha vose. Nokuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutoo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?” Ipapo Esiteri akaraira kuti vapindure Modhekai, vati
Esteri 4:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakandotaurirawo Modhekai zvakanga zvarehwa naEsita. Modhekai akavataurira mhinduro yokundopa Esita yokuti, “Chirega zvako kuzviti zvandiri mumuzinda wamambo ndini ndoga munhu achapunyuka pana vamwe vaJudha vose. Ndinodaro nokuti kana ukatonyarara zvako panguva yakaita seiyo iyi, vaJudha vachawana ruyamuro nokununurwa kuchangonyuka kuchibva kumwewo zvako. Asi iwe nemba yababa vako muchaparara. Zvinoka, zvimwe kupinda kwawakaita paumambo uku zvakatoitirwa nguva yakaita seiyo ino iyi, zvinaani angazvizive izvozvo?” Esita akavaudza mhinduro yokundopawo Modhekai yokuti
Esteri 4:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaʋudza Mordekai mashoko aEstere. Ipapo Mordekai akaʋaraira kuti ʋapindure Estere, ʋati: Usati iwe ucapukunyuka mumba mamambo kupfuʋura ʋamŋe ʋaJuda ʋose. Nokuti kana iwe ukanyarara cose neŋguʋa ino, ʋaJuda ʋacaɓatsirwa nokurwirwa nomumŋe mutoʋo, asi iwe neimba yaɓaɓa ʋako mucaparadzwa; handiti, ɀimŋe wakaȿika paʋushe nokuɗa kweŋguʋa ineŋge seino here? Ipapo Estere akaraira kuti ʋapindure Mordekai, ʋati
Esteri 4:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)