Esteri 3:12-15
Esteri 3:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino pazuva regumi namatatu romwedzi wokutanga vanyori vamambo vakadaidzwa. Vakanyora namanyorero enyika imwe neimwe uye nomutauro worudzi rumwe norumwe zvose zvakarayirwa naHamani kumakurukota ehurumende, navabati venyika dzakasiyana-siyana namakurukota amarudzi akasiyana-siyana. Tsamba idzi dzakanyorwa muzita raMambo Zekisesi pachake uye dzikasimbiswa nemhete yake. Matsamba aya akatumirwa navatakuri vamatsamba kunyika dzose dzamambo Zekisesi dziine murayiro wokuparadza, kuuraya, nokupedza vaJudha vose, vadiki navakuru, vakadzi navana vadiki, nokupamba zvinhu zvavo, nezuva rimwe chete, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi waAdha. Rimwe gwaro rechirevo ichi raizodzikwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe, vanhu vendudzi dzose vachizoziviswa kuti vagare vakagadzirira zuva iroro. Vatakuri vamatsamba vakabuda nokukasika sokurayira kwamambo, vakandozivisa chirevo panhare yeShushani. Mambo naHamani vakagara pasi kuti vanwe, asi guta reShushani rakanyonganiswa.
Esteri 3:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo vanyori vamambo vakadanwa nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namatatu, zvose zvikanyorwa Hamani sezvaakaraira machinda amambo, navabati vaibata rutivi rumwe norumwe rwenyika rwakanyorerwa nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo; zvikanyorwa nezita ramambo Ahashivheroshi ndokusimbiswa nechindori chamambo. N’wadhi dzikatumwa nenhume dzinomhanya kumativi ose enyika dzamambo, kuti vaJudha vose, vaduku navakuru, navana vaduku, navakadzi vaparadzwe nokuurawa nokupedzwa pazuva rimwe, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari, uye nenhumbi dzavo dzose dzipambwe; mashoko orunyoro urwu akatumwa kuvanhu vose, kuti chirevo chiparidzwe pamativi ose enyika, kuti vazvigadzirire zuva iro. Nhume dzinomhanya dzikachimbidzikiswa nomurayiro wamambo, chirevo chikaziviswa paShusha panhare yamambo; ipapo mambo naHamani vakagara pasi vakanwa; asi guta reShusha rakadziyaniswa.
Esteri 3:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vanyori vokwamambo vakadaidzwa musi wegumi nechitatu wemwedzi wechiposhi kukanyorerwa chirevo chiya madzishe namasadunhu enyika dzose namachinda endudzi dzose dzavanhu. Vakachinyora namanyorero enyika yoga yoga nomutauro wenyika imwe neimwe, maererano nezvose zvainge zvatemwa naHamani. Chirevo ichocho chakanyorwa muzita ramambo Ahasuerusi chikadhindwa nechidhidho chamambo. Kwakatumwa vokumhanya namatsamba kunyika dzose dzamambo aiti kuparadzwe, kuurayiwe, kutsakatiswe maJudha ose zvawo; vakuru navadiki, vakadzi navana nomusi mumwechete musi wegumi nechitatu womwedzi wegumi nechipiri, mwedzi waAdhari uye kupambwe zvinhu zvavo. Tsamba yakaita saiyoyi yaifanira kupiwa somutemo munyika dzose ichifanira kuparidzwa kundudzi dzose dzavanhu kuti musi iwoyo vange vakagadzirira. Vokumhanya neshoko vaye vakakasika kuenda chiri chinhu chainge chatemwa namambo. Chirevo ichi chakatemwa muguta reSusa, mumuzinda wamambo. Mambo naHamani ndokugara pasi vava kunwa zvavo asi guta reSusa rakakangaidzwa nazvo.
Esteri 3:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Esteri 3:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ʋanyori ʋamambo ʋakaɗanwa nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namatatu, ɀose ɀikanyorwa Hamani seɀaakaraira macinda amambo, naʋaɓati ʋaiɓata rutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika naʋakuru ʋorudzi rumŋe norumŋe; rutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika rwakanyorerwa nomunyorere warwo, ʋuye rudzi rumŋe norumŋe norurimi rwarwo; ɀikanyorwa nezita ramambo Ahashveroshi ndokusimbiswa necindori camambo. Ŋwadi dzikatumŋa nenhume dzinomhanya kumatiʋi ose enyika dzamambo, kuti ʋaJuda ʋose, ʋaɗuku naʋakuru, naʋana ʋaɗuku, naʋakadzi ʋaparadzwe nokuʋurawa nokupedzwa pazuʋa rimŋe, pazuʋa regumi namatatu romŋedzi wegumi nemiʋiri, uri mŋedzi weAdari, ʋuye nenhumbi dzaʋo dzose dzipambge; mashoko orunyoro urwu akatumŋa kuʋanhu ʋose, kuti cireʋo ciparidzwe pamatiʋi ose enyika, kuti ʋaɀigadzirire zuʋa iro. Nhume dzinomhanya dzikacimbidzikiswa nomurairo wamambo, cireʋo cikaziʋiswa paShushani panhare yamambo; ipapo mambo naHamani ʋakagara pasi ʋakanwa; asi guta reShushani rakadzianiswa.