Esteri 3:1-2
Esteri 3:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo, Mambo Zekisesi akaremekedza Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, akamukwidziridza nokumupa chigaro chinokudzwa chakanga chiri pamusoro-soro kupfuura zvamamwe makurukota ose. Vabati vose vomuumambo vaimira pamusuo vakamupfugamira vakapa rukudzo kuna Hamani, nokuti mambo akanga arayira kuti aitirwe izvi. Asi Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumukudza.
Esteri 3:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo mambo Ahashivheroshi akakudza Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, akamuita mukuru nokumupfuudza ave mukuru kumachinda ake ose. Zvino varanda vose vamambo vakanga vari pasuo ramambo vakakotama nokupfugamira Hamani; nokuti mambo akanga araira saizvozvo pamusoro pake. Asi Modhekai haana kukotama kana kumupfugamira.
Esteri 3:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi izvi, mambo Ahasuerusi akasumudzira pamusoro Hamani wokwaAgagi mwanakomana waHamedhata akamukwidziridza achimupa chigaro chepamusoro kudarika machinda mamwe ose aakanga anawo. Zvino makurukota ose amambo akanga ari epasuo guru rokwamambo vaikotama vachiremekedza Hamani nokuti ndozvakanga zvatemwa namambo nezvake. Asi Modhekai haaipfugama achimugwadamira.
Esteri 3:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo mambo Ahashveroshi wakakudza Hamani mŋanakomana waHamedata muAgagi, akamuita mukuru nokumupfuʋudza aʋe mukuru kumacinda ake ose. Ɀino ʋaranda ʋose ʋamambo ʋakaŋga ʋari pasuʋo ramambo ʋakakotama nokufugamira Hamani; nokuti mambo wakaŋga araira saiɀoɀo pamsoro pake. Asi Mordekai haana‐kukotama kana kumufugamira.
Esteri 3:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)