Esteri 3:1-14
Esteri 3:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo, Mambo Zekisesi akaremekedza Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, akamukwidziridza nokumupa chigaro chinokudzwa chakanga chiri pamusoro-soro kupfuura zvamamwe makurukota ose. Vabati vose vomuumambo vaimira pamusuo vakamupfugamira vakapa rukudzo kuna Hamani, nokuti mambo akanga arayira kuti aitirwe izvi. Asi Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumukudza. Ipapo vabati vaimira pasuo ramambo vakabvunza Modhekai vakati, “Sei usingateereri murayiro wamambo?” Zuva nezuva vaitaura naye asi iye akaramba kuvanzwa. Naizvozvo vakaudza Hamani izvozvo kuti vaone kuti maitiro aModhekai angangoregererwa here, nokuti iye akanga avaudza kuti aiva muJudha. Hamani akati aona kuti Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumuremekedza, akatsamwa kwazvo. Asi paakanzwa kuti vanhu vaModhekai vaiva vapi akafunga zvokusauraya Modhekai chete. Panzvimbo yokuita izvi, Hamani akatsvaka nzira yokuuraya vanhu vose vaModhekai, vaJudha vose vaiva muumambo hwaZekisesi. Mugore regumi namaviri raMambo Zekisesi mumwedzi wokutanga, mwedzi waNisani, vakakanda puri (ndiwo mujenya) pamberi paHamani kuti vasarudze zuva nomwedzi. Mujenya wakawira pamwedzi wegumi nemiviri, mwedzi waAdha. Ipapo Hamani akati kuna Mambo Zekisesi, “Kuna vamwe vanhu vakapararira nokutekeshera vari pakati pamarudzi mumatunhu oushe hwenyu vane tsika yakasiyana navamwe vanhu vose uye havateereri mirayiro yamambo; hazvinganakiri mambo kuti muvaregerere. Kana mambo achifara nazvo, ngapaiswe chirevo chokuti vaparadzwe, uye ini ndicharipa matarenda zviuru gumi esirivha mudura repfuma yamambo kuti igoshandiswa kuripira avo vachabata basa iri ramambo.” Naizvozvo mambo akatora mhete yechindori kubva pamunwe wake akaipa kuna Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha. Mambo akati kuna Hamani, “Chengeta mari uye uite zvaunoda navanhu.” Zvino pazuva regumi namatatu romwedzi wokutanga vanyori vamambo vakadaidzwa. Vakanyora namanyorero enyika imwe neimwe uye nomutauro worudzi rumwe norumwe zvose zvakarayirwa naHamani kumakurukota ehurumende, navabati venyika dzakasiyana-siyana namakurukota amarudzi akasiyana-siyana. Tsamba idzi dzakanyorwa muzita raMambo Zekisesi pachake uye dzikasimbiswa nemhete yake. Matsamba aya akatumirwa navatakuri vamatsamba kunyika dzose dzamambo Zekisesi dziine murayiro wokuparadza, kuuraya, nokupedza vaJudha vose, vadiki navakuru, vakadzi navana vadiki, nokupamba zvinhu zvavo, nezuva rimwe chete, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi waAdha. Rimwe gwaro rechirevo ichi raizodzikwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe, vanhu vendudzi dzose vachizoziviswa kuti vagare vakagadzirira zuva iroro.
Esteri 3:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo mambo Ahashivheroshi akakudza Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, akamuita mukuru nokumupfuudza ave mukuru kumachinda ake ose. Zvino varanda vose vamambo vakanga vari pasuo ramambo vakakotama nokupfugamira Hamani; nokuti mambo akanga araira saizvozvo pamusoro pake. Asi Modhekai haana kukotama kana kumupfugamira. Ipapo varanda vamambo vakanga vari pasuo ramambo vakati kuna Modhekai, “Iwe unodarikireiko murayiro wamambo?” Zvino vakati vataura naye mazuva ose, iye achiramba kuvateerera, vakaudza Hamani kuti vawone kana mashoko aModhekai angava nesimba; nokuti akavaudza kuti iye muJudha. Zvino Hamani akati achiona kuti Modhekai haakotami kana kumupfugamira, Hamani akava neshungu kwazvo. Asi akashora kuuraya Modhekai oga, nokuti vakanga vamuzivisa rudzi rwaModhekai; naizvozvo Hamani akatsvaka kuparadza vaJudha vose vakanga vari paushe hwose hwaAhashivheroshi, irwo rudzi rwaModhekai. Zvino pamwedzi wokutanga, uri mwedzi weNisani, pagore regumi namaviri ramambo Ahashivheroshi, vakakanda Puri, ndiyo mijenya, pamberi paHamani zuva rimwe nerimwe, pamwedzi mumwe nomumwe, kusvikira pamwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi weAdhari. Hamani akati kuna mambo Ahashivheroshi, “Rumwe rudzi rwavanhu ruriko, rwakapararira nokutekeshera pakati pavanhu pamativi ose enyika dzoushe hwenyu; mirau yavo yakasiyana neyavamwe vanhu, havachengeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuvarega varipo. “Kana mambo achifara nazvo n’wadhi ngainyorwe kuti vaparadzwe; ini ndichabudisa matarenta ane zviuru zvine gumi esirivha pamaoko avatariri vebasa ramambo, vaaise pazvivigiro zvepfuma yamambo.” Ipapo mambo akabvisa chindori chake paruoko rwake, akachipa Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha. Mambo akati kuna Hamani, “Iwe navanhu vako mungatora sirivha iyo, muite nayo sezvaunoda iwe.” Ipapo vanyori vamambo vakadanwa nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namatatu, zvose zvikanyorwa Hamani sezvaakaraira machinda amambo, navabati vaibata rutivi rumwe norumwe rwenyika rwakanyorerwa nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo; zvikanyorwa nezita ramambo Ahashivheroshi ndokusimbiswa nechindori chamambo. N’wadhi dzikatumwa nenhume dzinomhanya kumativi ose enyika dzamambo, kuti vaJudha vose, vaduku navakuru, navana vaduku, navakadzi vaparadzwe nokuurawa nokupedzwa pazuva rimwe, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari, uye nenhumbi dzavo dzose dzipambwe; mashoko orunyoro urwu akatumwa kuvanhu vose, kuti chirevo chiparidzwe pamativi ose enyika, kuti vazvigadzirire zuva iro.
Esteri 3:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi izvi, mambo Ahasuerusi akasumudzira pamusoro Hamani wokwaAgagi mwanakomana waHamedhata akamukwidziridza achimupa chigaro chepamusoro kudarika machinda mamwe ose aakanga anawo. Zvino makurukota ose amambo akanga ari epasuo guru rokwamambo vaikotama vachiremekedza Hamani nokuti ndozvakanga zvatemwa namambo nezvake. Asi Modhekai haaipfugama achimugwadamira. Makurukota amambo aive pasuo guru rokwamambo akazobvunza kuti, “Unotyorerei murao wamambo?” Pavakataura naye zuva nezuva iye asingateereri vakazozvisvitsa kuna Hamani vachida kuona kuti zvaitaurwa naModhekai zvaizomusvitsa kupi, nokuti akanga avaudza kuti aiva muJudha. Hamani, paakaona kuti Modhekai akanga asingapfugami kana kumugwadamira akaviruka chaizvo nehasha. Akaona chiri chinhu chisina maturo kungoranga Modhekai chete, naizvozvo sezvo akanga audzwa kuti rudzi rwaModhekai nderwechiJudha, akafunga zvokuparadza maJudha ose, vanhu vokwaModhekai wacho munyika dzose dzoumambo hwaAhasuerusi. Mumwedzi wechiposhi, mwedzi waNisani, mugore regumi rechipiri rokutonga kwaAhasuerusi vakashandisa Puri, ndochin'ange ichocho pana Hamani zuva nezuva. Vaichiita mwedzi nomwedzi kudzamara pamwedzi wegumi nechipiri ndiwo mwedzi waAdhari iwoyo. Hamani akati kuna mambo Ahasuerusi, “Kune rumwe rudzi rwavanhu rwakatekeshera rwakaita mharadzirwa mukati mendudzi dzavanhu munyika dzose dzoumambo hwenyu. Mitemo yavo yakasiyana neyedzimwe ndudzi dzose dzavanhu uye havachengete mitemo yamambo zvokuti kuvarega zvavo vakangodaro, hapana chiyamuro kwamuri mambo. Kana muchida zvenyu mambo, panofanira kutemwa chirevo chokuti vaparadzwe. Ini ndini ndichabvisa mari yesirivha inosvika mazana matatu amatani ane matani makumi mana ane mashanu, ndoiisa mumaoko avanhu vanoona nezvebasa rokwamambo kuti vagoiisa munochengeterwa upfumi hwokwamambo.” Nokudaro mambo akabvisa muruoko ringi yake yechidhindo akapa kuna Hamani muvengi wevaJudha muAgagi mwanakomana wokwaHamedhata. Mambo akati kuna Hamani, “Mari yacho unopiwa iwe uye vanhu vacho vanoiswa mumaoko mako kuti uite zvaunoda navo.” Vanyori vokwamambo vakadaidzwa musi wegumi nechitatu wemwedzi wechiposhi kukanyorerwa chirevo chiya madzishe namasadunhu enyika dzose namachinda endudzi dzose dzavanhu. Vakachinyora namanyorero enyika yoga yoga nomutauro wenyika imwe neimwe, maererano nezvose zvainge zvatemwa naHamani. Chirevo ichocho chakanyorwa muzita ramambo Ahasuerusi chikadhindwa nechidhidho chamambo. Kwakatumwa vokumhanya namatsamba kunyika dzose dzamambo aiti kuparadzwe, kuurayiwe, kutsakatiswe maJudha ose zvawo; vakuru navadiki, vakadzi navana nomusi mumwechete musi wegumi nechitatu womwedzi wegumi nechipiri, mwedzi waAdhari uye kupambwe zvinhu zvavo. Tsamba yakaita saiyoyi yaifanira kupiwa somutemo munyika dzose ichifanira kuparidzwa kundudzi dzose dzavanhu kuti musi iwoyo vange vakagadzirira.
Esteri 3:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo mambo Ahashveroshi wakakudza Hamani mŋanakomana waHamedata muAgagi, akamuita mukuru nokumupfuʋudza aʋe mukuru kumacinda ake ose. Ɀino ʋaranda ʋose ʋamambo ʋakaŋga ʋari pasuʋo ramambo ʋakakotama nokufugamira Hamani; nokuti mambo wakaŋga araira saiɀoɀo pamsoro pake. Asi Mordekai haana‐kukotama kana kumufugamira. Ipapo ʋaranda ʋamambo ʋakaŋga ʋari pasuʋo ramambo ʋakati kunaMordekai: Iwe unoɗarikireiko murairo wamambo? Ɀino ʋakati ʋataura naye mazuʋa ose, iye aciramba kuʋaterera, ʋakaʋudza Hamani kuti ʋaʋone kana mashoko aMordekai aŋgaʋa nesimba; nokuti wakaʋaʋudza kuti iye muJuda. Ɀino Hamani wakati aciʋona kuti Mordekai haakotami kana kumufugamira, Hamani akaʋa neshuŋgu kwaɀo. Asi wakashoʋora kuʋuraya Mordekai oga, nokuti ʋakaŋga ʋamuziʋisa rudzi rwaMordekai; naiɀoɀo Hamani akatȿaka kuparadza ʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋari paʋushe bgose bgaAhashveroshi, irwo rudzi rwaMordekai. Ɀino pamŋedzi wokutaŋga, uri mŋedzi weNisani, pagore regumi namaʋiri ramambo Ahashveroshi, ʋakakanda Puri, ndiyo mijenya, pamberi paHamani zuʋa rimŋe nerimŋe, pamŋedzi mumŋe nomumŋe, kuȿikira pamŋedzi wegumi nemiʋiri, ndiwo mŋedzi weAdari. Hamani akati kunamambo Ahashveroshi: Rumŋe rudzi rwaʋanhu ruri’ko, rwakapararira nokutekeshera pakati paʋanhu pamatiʋi ose enyika dzoʋushe bgenyu; mirau yaʋo yakasiyana neyaʋamŋe ʋanhu, haʋaceŋgeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuʋarega ʋari’po. Kana mambo acifara naɀo, ŋwadi ŋgainyorwe kuti ʋaparadzwe; ini ndicaɓuɗisa matarenta aneɀuru ɀinegumi esirveri pamaʋoko aʋatariri ʋeɓasa ramambo, ʋaaise paɀiʋigiro ɀefuma yamambo. Ipapo mambo akabvisa cindori cake paruʋoko rwake, akacipa Hamani mŋanakomana waHamedata muAgagi, muʋeŋgi waʋaJuda. Mambo akati kunaHamani: Iwe naʋanhu ʋako muŋgatora sirveri iyo, muite nayo seɀaunoɗa iwe. Ipapo ʋanyori ʋamambo ʋakaɗanwa nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namatatu, ɀose ɀikanyorwa Hamani seɀaakaraira macinda amambo, naʋaɓati ʋaiɓata rutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika naʋakuru ʋorudzi rumŋe norumŋe; rutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika rwakanyorerwa nomunyorere warwo, ʋuye rudzi rumŋe norumŋe norurimi rwarwo; ɀikanyorwa nezita ramambo Ahashveroshi ndokusimbiswa necindori camambo. Ŋwadi dzikatumŋa nenhume dzinomhanya kumatiʋi ose enyika dzamambo, kuti ʋaJuda ʋose, ʋaɗuku naʋakuru, naʋana ʋaɗuku, naʋakadzi ʋaparadzwe nokuʋurawa nokupedzwa pazuʋa rimŋe, pazuʋa regumi namatatu romŋedzi wegumi nemiʋiri, uri mŋedzi weAdari, ʋuye nenhumbi dzaʋo dzose dzipambge; mashoko orunyoro urwu akatumŋa kuʋanhu ʋose, kuti cireʋo ciparidzwe pamatiʋi ose enyika, kuti ʋaɀigadzirire zuʋa iro.
Esteri 3:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)