Esteri 1:20-22
Esteri 1:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo kana chirevo chamambo chaziviswa muumambo hwake hwose, vakadzi vose vachakudza varume vavo, kubva kumudiki kusvikira kumukuru.” Mambo namakurukota ake vakafadzwa nezano iri, saka mambo akaita sezvakanga zvarehwa naMemukani. Akatumira matsamba kumativi ose oumambo hwake, kunyika imwe neimwe norunyoro rwayo nokumunhu mumwe nomumwe nomutauro wake achizivisa norurimi rwavanhu kuti murume mumwe nomumwe ave nesimba pamusoro peimba yake.
Esteri 1:20-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana chirevo chamambo chavatema, chikaparidzwa paushe hwake hwose, (nokuti ukuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vavo, vose vakuru navaduku.” Shoko iro rikafadza mambo namachinda; mambo ndokuita sezvakarehwa naMemukani; nokuti akatuma n’wadhi kumativi ose enyika dzose dzamambo, divi rimwe nerimwe renyika nomunyorero wayo, norudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo, kuti murume mumwe nomumwe ave murairi mumba make, ataure norurimi rwake.
Esteri 1:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo kana chirevo ichochi chaitwa namambo chaparidzwa munyika yamambo yose namakuriro ayakaita, madzimai ose acharemekedza varume vavo. Vangave varume vane chinzvimbo chiri pamusoro kana chiri pasi zvacho.” Zano iri rakafadza mambo namachinda, mambo vakaita sokutaura kwakanga kwaita Memukani. Akatumira matsamba kunyika dzose dzoumambo hwake nyika nenyika achiinyorera namanyorero ayo, rudzi nerudzi nomutaurowo warwo kuti, murume woga woga ave ndiye tenzi womusha wake achitaura norurimi rwavanhu vokwake.
Esteri 1:20-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana cireʋo camambo caʋacatema, cikaparidzwa paʋushe bgake bgose, (nokuti ʋukuru kwaɀo,) ʋakadzi ʋose ʋacakudza ʋarume ʋaʋo, ʋose ʋakuru naʋaɗuku. Shoko iro rikafadza mambo namacinda; mambo ndokuita seɀakarebga naMemukani; nokuti wakatuma ŋwadi kumatiʋi ose enyika dzose dzamambo, ɗiʋi rimŋe nerimŋe renyika nomunyorere wayo, norudzi rumŋe norumŋe norurimi rwarwo, kuti murume mumŋe nomumŋe aʋe murairi mumba make, ataure norurimi rwake.
Esteri 1:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)