VaEfeso 5:7-11
VaEfeso 5:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo musashamwaridzana navo. Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) uye muzive zvinofadza Ishe. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.
VaEfeso 5:7-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo regai kushamwaridzana navo; nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza muna Ishe; fambai savana vechiedza. Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nechokwadi, muchiedza muzive zvinofadza Ishe. Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muarayire
VaEfeso 5:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nezvo musafambidzane navo nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza. ( Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.) Edzai kudzidza zvinofadza Tenzi. Musave nechii chokuita namabasa asina muchero erima asi imi afumurei
VaEfeso 5:7-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo regai kushamŋaridzana naʋo; nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza. (Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi), muciidza muziʋe ɀinofadza Ishe. Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire
VaEfeso 5:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)