VaEfeso 5:6-14
VaEfeso 5:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peavo vasingateereri. Naizvozvo musashamwaridzana navo. Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) uye muzive zvinofadza Ishe. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri. Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa, nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi: “Muka, iwe muvati, muka kubva kuvakafa, Kristu achavhenekera pauri.”
VaEfeso 5:6-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavanakomana vokusateerera. Naizvozvo regai kushamwaridzana navo; nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza muna Ishe; fambai savana vechiedza. Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nechokwadi, muchiedza muzive zvinofadza Ishe. Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muarayire; nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirehwa. Asi zvinhu zvose, kana zvarayirwa, zvinoratidzwa, chava chiedza. Saka iye anoti, “Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu achakuvhenekera.”
VaEfeso 5:6-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musanyengedzwe nomunhu ana mazwi asina maturo nokuti pamusana paizvozvi Mwari anoitira hasha vanhu vasingateereri. Nezvo musafambidzane navo nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza. ( Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.) Edzai kudzidza zvinofadza Tenzi. Musave nechii chokuita namabasa asina muchero erima asi imi afumurei nokuti zvinotonyadzisa kutaura zvinhu zvavanoita muchivande. Asi kana chinhu chose chaburitswa pachena nechiedza chinobva chaonekwa. Zvino, chinhu chinenge chavakuoneka chinobva chava chiedza. Ndokusaka zvichinzi; “Muka iwe uvete, muka muvakafa, Kristu achakuvhenekera.”
VaEfeso 5:6-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yeɀinhu iɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋanakomana ʋokusaterera. Naiɀoɀo regai kushamŋaridzana naʋo; nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza. (Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi), muciidza muziʋe ɀinofadza Ishe. Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire; nokuti iɀo, ɀinoitwa naʋo pakaʋanda, ɀinonyadza kana ɀicirebga. Asi ɀinhu ɀose, kana ɀarairwa, ɀinoratidzwa neciedza; nokuti ɀose, ɀinoratidzwa, caʋa ciedza. Saka iye unoti: Muka iwe uʋete, muka kuʋakafa, Kristu ucakuvenekera.
VaEfeso 5:6-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)