VaEfeso 5:5-18
VaEfeso 5:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari. Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peavo vasingateereri. Naizvozvo musashamwaridzana navo. Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) uye muzive zvinofadza Ishe. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri. Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa, nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi: “Muka, iwe muvati, muka kubva kuvakafa, Kristu achavhenekera pauri.” Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera, muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa. Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi. Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya.
VaEfeso 5:5-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakuna mhombwe, kana munhu une tsvina, kana anochiva, ndiye anonamata zvifananidzo, angadya nhaka muushe hwaKristu naMwari. Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavanakomana vokusateerera. Naizvozvo regai kushamwaridzana navo; nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza muna Ishe; fambai savana vechiedza. Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nechokwadi, muchiedza muzive zvinofadza Ishe. Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muarayire; nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirehwa. Asi zvinhu zvose, kana zvarayirwa, zvinoratidzwa, chava chiedza. Saka iye anoti, “Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu achakuvhenekera.” Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa. Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaIshe. Regai kudhakwa newaini, nokuti ndipo panokusazvidzora, asi muzadzwe noMweya
VaEfeso 5:5-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chamunofanira kuva nechokwadi nacho ndechichi chokuti hakuna anowana nhaka youmambo hwaKristu nohwaMwari kana ari mhombwe kana anoita zvakaora kana munhu ana makaro, iyeyo ndiye munhu anonamata mwari asiri iye. Musanyengedzwe nomunhu ana mazwi asina maturo nokuti pamusana paizvozvi Mwari anoitira hasha vanhu vasingateereri. Nezvo musafambidzane navo nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza. ( Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.) Edzai kudzidza zvinofadza Tenzi. Musave nechii chokuita namabasa asina muchero erima asi imi afumurei nokuti zvinotonyadzisa kutaura zvinhu zvavanoita muchivande. Asi kana chinhu chose chaburitswa pachena nechiedza chinobva chaonekwa. Zvino, chinhu chinenge chavakuoneka chinobva chava chiedza. Ndokusaka zvichinzi; “Muka iwe uvete, muka muvakafa, Kristu achakuvhenekera.” Naizvozvo fambai makachenjera kwete savanhu vasina kungwara asi savanhu vakangwara. Nyatsoshandisai nguva yenyu nokuti kwaipa mazuva ano. Naizvozvo musave mazirema asi nzwisisai zvinoda Tenzi uye musararadze newaini nokuti unzenza hwakapfuuridza ihwohwo, asi ini zadzwai naMweya.
VaEfeso 5:5-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti munoziʋa kwaɀo, kuti hakunemhombge, kana munhu unetȿina, kana unociʋa, ndiye unonamata ɀifananidzo, uŋgadya nhaka muʋushe bgaKristu naMŋari. Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yeɀinhu iɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋanakomana ʋokusaterera. Naiɀoɀo regai kushamŋaridzana naʋo; nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza. (Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi), muciidza muziʋe ɀinofadza Ishe. Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire; nokuti iɀo, ɀinoitwa naʋo pakaʋanda, ɀinonyadza kana ɀicirebga. Asi ɀinhu ɀose, kana ɀarairwa, ɀinoratidzwa neciedza; nokuti ɀose, ɀinoratidzwa, caʋa ciedza. Saka iye unoti: Muka iwe uʋete, muka kuʋakafa, Kristu ucakuvenekera. Naiɀoɀo cenjerai kwaɀo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba saʋasinakucenjera asi saʋakacenjera; muŋgwarire ŋguʋa yenyu, nokuti mazuʋa akaipa. Saka musaʋa mapenzi, asi muziʋe kuɗa kwaShe. Regai kuɓatwa newaini, nokuti ndipo panokusaɀidzora, asi muzadzwe noMŋeya
VaEfeso 5:5-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)