VaEfeso 5:3-14
VaEfeso 5:3-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari. Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga. Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari. Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peavo vasingateereri. Naizvozvo musashamwaridzana navo. Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) uye muzive zvinofadza Ishe. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri. Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa, nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi: “Muka, iwe muvati, muka kubva kuvakafa, Kristu achavhenekera pauri.”

VaEfeso 5:3-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga. Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakuna mhombwe, kana munhu une tsvina, kana anochiva, ndiye anonamata zvifananidzo, angadya nhaka muushe hwaKristu naMwari. Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavanakomana vokusateerera. Naizvozvo regai kushamwaridzana navo; nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza muna Ishe; fambai savana vechiedza. Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nechokwadi, muchiedza muzive zvinofadza Ishe. Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muarayire; nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirehwa. Asi zvinhu zvose, kana zvarayirwa, zvinoratidzwa, chava chiedza. Saka iye anoti, “Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu achakuvhenekera.”
VaEfeso 5:3-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sechinhu chinokodzerana navatsvene, pakati penyu hapafaniri kana kudomwa zvako upombwe nezvinhu zvose zvakaora kana makaro. Ngaparege kuva nezvinhu zvisingakodzeri nezvetsvina zvose kana tunyaya tusina maturo kana kushaya hunhu asi chinofanira kuvapo kutenda. Chamunofanira kuva nechokwadi nacho ndechichi chokuti hakuna anowana nhaka youmambo hwaKristu nohwaMwari kana ari mhombwe kana anoita zvakaora kana munhu ana makaro, iyeyo ndiye munhu anonamata mwari asiri iye. Musanyengedzwe nomunhu ana mazwi asina maturo nokuti pamusana paizvozvi Mwari anoitira hasha vanhu vasingateereri. Nezvo musafambidzane navo nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza. ( Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.) Edzai kudzidza zvinofadza Tenzi. Musave nechii chokuita namabasa asina muchero erima asi imi afumurei nokuti zvinotonyadzisa kutaura zvinhu zvavanoita muchivande. Asi kana chinhu chose chaburitswa pachena nechiedza chinobva chaonekwa. Zvino, chinhu chinenge chavakuoneka chinobva chava chiedza. Ndokusaka zvichinzi; “Muka iwe uvete, muka muvakafa, Kristu achakuvhenekera.”
VaEfeso 5:3-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋupombge, netȿina yose, kana kuciʋa, ŋgaɀirege kurebga pakati penyu, seɀinofanira ʋatȿene; neɀakaipa, nokutaura ɀoʋupenzi, nokunemera, iɀo ɀisina‐kufanira; asi ɀirinani kuʋoŋga. Nokuti munoziʋa kwaɀo, kuti hakunemhombge, kana munhu unetȿina, kana unociʋa, ndiye unonamata ɀifananidzo, uŋgadya nhaka muʋushe bgaKristu naMŋari. Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yeɀinhu iɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋanakomana ʋokusaterera. Naiɀoɀo regai kushamŋaridzana naʋo; nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza. (Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi), muciidza muziʋe ɀinofadza Ishe. Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire; nokuti iɀo, ɀinoitwa naʋo pakaʋanda, ɀinonyadza kana ɀicirebga. Asi ɀinhu ɀose, kana ɀarairwa, ɀinoratidzwa neciedza; nokuti ɀose, ɀinoratidzwa, caʋa ciedza. Saka iye unoti: Muka iwe uʋete, muka kuʋakafa, Kristu ucakuvenekera.
VaEfeso 5:3-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)