VaEfeso 5:17-24
VaEfeso 5:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi. Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya. Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu, muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu. Muzviise pasi pomumwe nomumwe wenyu muchitya Kristu. Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She. Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo. Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.
VaEfeso 5:17-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaIshe. Regai kudhakwa newaini, nokuti ndipo panokusazvidzora, asi muzadzwe noMweya; mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumwoyo yenyu; muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raIshe wedu, Jesu Kristu; muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Kristu. Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kuna Ishe. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wesangano; iye amene ndiye muponesi womuviri. Asi sangano sezvariri pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo.
VaEfeso 5:17-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo musave mazirema asi nzwisisai zvinoda Tenzi uye musararadze newaini nokuti unzenza hwakapfuuridza ihwohwo, asi ini zadzwai naMweya. Tauriranai muchiimbirana nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchiimba muchiita mumhanzi kuna Tenzi nemwoyo yenyu yose muchitenda Mwari Baba muzita raTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose uye muna zvose. Zviisei pasi pomumwe nomumwe wenyu pamusana pokuremekedza Kristu. Imi vadzimai zviisei pasi pavarume venyu sokuna Tenzi nokuti murume ndiye musoro womudzimai sezvakangoita Kristu ari musoro wesangano iro riri muviri wake uye iye ari mununuri waro. Sangano sezvariri pasi paKristu, vadzimaiwo ngavave pasi pavarume vavo muna zvose.
VaEfeso 5:17-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka musaʋa mapenzi, asi muziʋe kuɗa kwaShe. Regai kuɓatwa newaini, nokuti ndipo panokusaɀidzora, asi muzadzwe noMŋeya; mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, neɀiimbo ɀoMŋeya, muimbire, muridzire Ishe mumŋoyo yenyu; muciʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa, ŋguʋa dzose pamsoro peɀinhu ɀose, muzita raShe weɗu, Jesu Kristu; muciɀiisa mumŋe pasi pomumŋe, mucitya Kristu. Imi ʋakadzi, muɀiise pasi paʋarume ʋenyu caiʋo, seɀamunoita kunaShe. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristu ʋo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuʋiri. Asi kereke seɀairi pasi paKristu, ʋakadzi ŋgaʋaɗaro paɀinhu ɀose kuʋarume ʋaʋo.
VaEfeso 5:17-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)