VaEfeso 5:11-13
VaEfeso 5:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri. Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa
VaEfeso 5:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muarayire; nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirehwa. Asi zvinhu zvose, kana zvarayirwa, zvinoratidzwa, chava chiedza.
VaEfeso 5:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musave nechii chokuita namabasa asina muchero erima asi imi afumurei nokuti zvinotonyadzisa kutaura zvinhu zvavanoita muchivande. Asi kana chinhu chose chaburitswa pachena nechiedza chinobva chaonekwa. Zvino, chinhu chinenge chavakuoneka chinobva chava chiedza.
VaEfeso 5:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire; nokuti iɀo, ɀinoitwa naʋo pakaʋanda, ɀinonyadza kana ɀicirebga. Asi ɀinhu ɀose, kana ɀarairwa, ɀinoratidzwa neciedza; nokuti ɀose, ɀinoratidzwa, caʋa ciedza.
VaEfeso 5:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)