VaEfeso 5:1-11
VaEfeso 5:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuhwira uye sechibayiro kuna Mwari. Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari. Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga. Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari. Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peavo vasingateereri. Naizvozvo musashamwaridzana navo. Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) uye muzive zvinofadza Ishe. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.
VaEfeso 5:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa; fambai murudo, Kristu sezvaakakudaiwo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kuna Mwari, zviite hwema hunonhuwira. Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga. Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakuna mhombwe, kana munhu une tsvina, kana anochiva, ndiye anonamata zvifananidzo, angadya nhaka muushe hwaKristu naMwari. Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavanakomana vokusateerera. Naizvozvo regai kushamwaridzana navo; nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza muna Ishe; fambai savana vechiedza. Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nechokwadi, muchiedza muzive zvinofadza Ishe. Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muarayire
VaEfeso 5:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo savana vaMwari vapamwoyo, tevedzai zvinoita Mwari. Garai upenyu hworudo sokutida kwakaita Kristu akazvipirira isu ari mupiro unonhuwirira nechibayiro kuna Mwari. Sechinhu chinokodzerana navatsvene, pakati penyu hapafaniri kana kudomwa zvako upombwe nezvinhu zvose zvakaora kana makaro. Ngaparege kuva nezvinhu zvisingakodzeri nezvetsvina zvose kana tunyaya tusina maturo kana kushaya hunhu asi chinofanira kuvapo kutenda. Chamunofanira kuva nechokwadi nacho ndechichi chokuti hakuna anowana nhaka youmambo hwaKristu nohwaMwari kana ari mhombwe kana anoita zvakaora kana munhu ana makaro, iyeyo ndiye munhu anonamata mwari asiri iye. Musanyengedzwe nomunhu ana mazwi asina maturo nokuti pamusana paizvozvi Mwari anoitira hasha vanhu vasingateereri. Nezvo musafambidzane navo nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza. ( Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.) Edzai kudzidza zvinofadza Tenzi. Musave nechii chokuita namabasa asina muchero erima asi imi afumurei
VaEfeso 5:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo iʋai ʋateʋeri ʋaMŋari saʋana ʋanoɗikanwa; fambai muruɗo, Kristu seɀaakakuɗai ʋo, akaɀipa nokuɗa kweɗu, kuti aʋe cipo neciɓayiro kunaMŋari, ɀiite bgema bgunonhuwira. Asi ʋupombge, netȿina yose, kana kuciʋa, ŋgaɀirege kurebga pakati penyu, seɀinofanira ʋatȿene; neɀakaipa, nokutaura ɀoʋupenzi, nokunemera, iɀo ɀisina‐kufanira; asi ɀirinani kuʋoŋga. Nokuti munoziʋa kwaɀo, kuti hakunemhombge, kana munhu unetȿina, kana unociʋa, ndiye unonamata ɀifananidzo, uŋgadya nhaka muʋushe bgaKristu naMŋari. Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yeɀinhu iɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋanakomana ʋokusaterera. Naiɀoɀo regai kushamŋaridzana naʋo; nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza. (Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi), muciidza muziʋe ɀinofadza Ishe. Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire
VaEfeso 5:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)