Muparidzi 2:4-11
Muparidzi 2:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakaita mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba ndikazvirimira minda yemizambiringa. Ndakazvigadzirira mapindu, neminda yemiti uye ndikasimamo miti yemichero yendudzi dzose. Ndakavaka madhamu kuti ndidiridzire sango remiti yaikura. Ndakatenga varandarume navarandakadzi, uye ndaiva navamwe varanda vakaberekerwa mumba mangu. Ndaivawo nepfuma zhinji yemombe namakwai, kupfuura ani zvake akanditangira kuvapo paJerusarema. Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe, uye nepfuma yamadzimambo uye neyamatunhu. Ndakatsvaka vaimbi, varume navakadzi, uye nezviridzwa, nezvinofadza vanakomana vavanhu, navarongowo vazhinji. Saka ndakava mukuru kwazvo kupfuura ani zvake akanditangira paJerusarema. Mune izvi zvose uchenjeri hwangu hwakaramba huneni. Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu, handina kurambidza mwoyo wangu mufaro. Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose, uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose. Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu uye zvandakatambudzikira kuti ndiwane, zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo; hapana chaibatsira pasi pezuva.
Muparidzi 2:4-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakazviitira mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba; ndakazvirimira minda yemidzambiringa; ndakazviitira minda neminda yemiti, ndikasimamo miti inobereka michero yamarudzi ose; ndakazviitira madziva emvura, kuti ndidiridze matondo pakanga pasimwa miti; ndakatenga varanda navarandakadzi, ndikava navaranda vakaberekerwa mumba mangu; ndakanga ndine pfuma zhinji yemombe nemakwai, kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama, nepfuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakazvitsvakira vaimbi varume navakadzi, nezvinofadza zvavanakomana vavanhu, navarongo vazhinji. Saizvozvo ndakanga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndichikura kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; uye huchenjeri hwangu hwakagara neni. Zvose zvakadikanwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora mwoyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti mwoyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kwose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kwose. Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva.
Muparidzi 2:4-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakaita mabasa makuru. Ndakazvivakira dzimba, ndikazvirimira minda yemigirepisi. Ndakazviitira bindu nenhandare dzokutandarira ndikadyaramo miti inobereka michero yose zvayo. Ndakachera matsime okuti ndiwane mvura yokudiridza nayo munda wemiti yainge ichikura. Ndakatenga varanda vechirume nevechikadzi uye ndaive navaranda vakaberekerwa mumusha mangu. Ndaivawo nematanga emombe nezvipfuwo zvakawanda kupinda ani zvake akagara muJerusaremu ndisati ndavapo. Ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama noupfumi hwamadzimambo namatunhu. Ndakawana vaimbi vechirume nevechikadzi navarongo vakawanda, zvinhu zvinofarirwa navarume. Saizvozvo ndakava mukurumukuru zvokutokunda vaiva muJerusaremu ndisati ndavapo uye ndakangoramba ndiino ungwaru hwangu. Chainge chadiwa nemeso angu handina kuzvirambidza. Chaidawo mwoyo wangu chokuzvifadza handaizvirambidza. Ndainzwa mwoyo kufara nebasa rangu rose. Ndiwo waivawo mubayiro wangu webasa rangu rose. Ndazoti rangarirei basa rose ramaoko angu nokushingaira kwandakaita pariri, ndakaona zvose zvisinganzwisisiki uye kuri kudzingirirana nemhepo uye kuti hapana chaunowana munhu pasi pedenga.
Muparidzi 2:4-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakaɀiitira maɓasa makuru; ndakaɀiʋakira dzimba; ndakaɀirimira minda yemizambiriŋga; ndakaɀiitira minda neminda yemiti, ndikasima’mo miti inoɓereka ɀiɓereko ɀamarudzi ose; ndakaɀiitira madziʋa emvura, kuti ndiɗiridze matondo pakaŋga pasimŋa miti; ndakateŋga ʋaranda naʋarandakadzi, ndikaʋa naʋaranda ʋakaɓerekerwa mumba maŋgu; ndakaŋga ndinefuma zhinji yeŋombe namakwai, kupfuʋura ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ndakaɀiʋuŋganidzira ʋo sirveri nendarama, nefuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakaɀitȿakira ʋaimbi ʋarume naʋakadzi, neɀinofadza ɀaʋanakomana ʋaʋanhu, naʋaroŋgo ʋazhinji. Saiɀoɀo ndakaŋga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndicikura kupfuʋura ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ʋuye ʋucenjeri bgaŋgu bgakagara neni. Ɀose ɀakaɗikanwa nameso aŋgu handinakuanyima iɀoɀo; handina‐kutoŋgodzora mŋoyo waŋgu pamufaro upi noupi; nokuti mŋoyo waŋgu wakaŋga ucifara nokuɓata kwaŋgu kwose; ndiwo wakaŋga uri mugoʋe waŋgu wakabva pakuɓata kwaŋgu kwose. Ɀino ndakacerekedza maɓasa ose akaŋga aitwa namaʋoko aŋgu, nokuɓata kwose kwandakatamburakuɓata‐tarira ɀose ɀakaŋga ɀisinamaturo, kwaiʋa kudziŋgana nemhepo ɓedzi, kwakaŋga kusinecinhu cinoɓatsira pasi pezuʋa.
Muparidzi 2:4-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)