Muparidzi 2:18-23
Muparidzi 2:18-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakavenga zvinhu zvose zvandakashingairira pasi pezuva, nokuti ndinofanira kuzvisiyira anonditevera. Uye ndiani angaziva kana achizova akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pebasa rose randakatamburira nesimba nounyanzvi hwangu pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo. Saka mwoyo wangu wakatanga kushungurudzika pamusoro pokutambudzika nokushanda kwangu pasi pezuva. Nokuti munhu angaite basa rake nouchenjeri, noruzivo uye nounyanzvi, zvino ipapo ozofanira kusiya zvose zvaanazvo kuno mumwe asina kuzvishandira. Naizvozviwo hazvina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo. Munhu anowanei pakushanda kwose nokushingaira kwomwoyo nokuda kwokushanda kwake pasi pezuva? Mazuva ake ose basa rake kurwadziwa nokusuwa; kunyange nousiku pfungwa dzake hadzizorori. Naizvozviwo hazvina maturo.
Muparidzi 2:18-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakavenga kubata kwangu kwose kwandatambura kubata pasi pezuva, zvandinofanira kuzvisiyira munhu anonditevera. Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo. Saka ndakatendeuka, kuti ndiodze hangu mwoyo wangu pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata pasi pezuva. Nokuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro anofanira kuzvisiyira mumwe, uve mugove wake, asinakutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo. Nokuti munhu anowanei pamusoro pokubata kwake kwose, nokushingaira kwomwoyo wake, kwaanobata nako pasi pezuva? Nokuti mazuva ake ose inhamo bedzi, nokutambudzika kwake kuchema; zvirokwazvo kunyange usiku mwoyo wake hauzorori. Naizvozvowo hazvina maturo.
Muparidzi 2:18-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakavenga basa rangu rose randaishingairira kuita pasi pedenga sezvandinoona kuti ndinofanira kurisiira michero yaro anonditevedzera. Ndiani angazive kuti anenge ari mungwaru here kana kuti benzi? Asi iye achave muridzi wezvinhu zvose zvandakashanda ndichishandisa ungwaru hwangu pasi pedenga. Izvozviwo hazvinzwisisiki. Naizvozvo ndakapinduka ndorasa mwoyo pabasa rangu randakaita pasi pedenga nokuti dzimwe nguva munhu anenge ashanda noungwaru noruzivo uye noumhizha anofanira kusiya zvose zvokuzofadza zvazvo munhu asina kuzvishandira. Izvozvi hazvinzwisisiki uye zvakaipa kwazvo. Iye munhu anowanei nokushingaira nokutambura kwaanoita pasi pedenga? Chandinodariro ndechokuti mazuva ose omunhu anongova matambudziko chete nenhamo. Kunyange usiku pfungwa dzake hadzizorori. Izvozviwo hazvinzwisisiki.
Muparidzi 2:18-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakaʋeŋga kuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata pasi pezuʋa, ɀandinofanira kuɀisiyira munhu unonditeʋera. Ɀino ndiani uŋgaziʋa kana iye acaʋa wakacenjera kana ɓenzi? Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaʋa nesimba pamsoro pokuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata, neɀandakaita noʋucenjeri pasi peɗeŋga. Naiɀoɀo ʋo hazinamaturo. Saka ndakatendeʋuka, kuti ndiʋodze haŋgu mŋoyo waŋgu pamsoro pokuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata pasi pezuʋa. Nokuti munhu uri’ko wakaɓata noʋucenjeri neziʋo noʋumhizha; kunyaŋge ɀakaɗaro unofanira kuɀisiyira mumŋe, uʋe mugoʋe wake, usinakutoŋgoɀitamburira. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, cinhu cakaipa kwaɀo. Nokuti munhu unowanei pamsoro pokuɓata kwake kwose, nokushiŋgaira kwomŋoyo wake, kwaanoɓata nako pasi pezuʋa? Nokuti mazuʋa ake ose inhamo ɓedzi, nokutambudzika kwake kucema; ɀirokwaɀo kunyaŋge ʋusiku mŋoyo wake hauzorori. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo.
Muparidzi 2:18-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)