Muparidzi 2:12-16
Muparidzi 2:12-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakatendeuka kuti ndicherekedze uchenjeri, noupengo, noupenzi, nokuti chinyi chingaitwa nomunhu unotevera mambo? Izvozvo zvakanguva zvaitwa. Ipapo ndakaona kuti, “Uchenjeri hwakanaka kupfuura upenzi, zvichiita sechiedza chakanaka kupfuura rima. Meso omunhu akachenjera ari mumusoro wake, asi benzi rinofamba murima;” kunyange zvakadaro ndakaona kuti vose vanowirwa nechinhu chimwe chete. Ipapo ndakati mumwoyo mangu, “Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; ko ini ndaiva wakachenjera nei! Ndikati mumwoyo mangu, izvi zvose hazvina maturowo.” Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa nokusingaperi; nokuti zvinozokanganikwa zvose pamazuva anouya. Akachenjera haazinofa sebenzi here?
Muparidzi 2:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndakatendeuka kuti nditarise nyaya yezvoungwaru, noupenzi noutununu nokuti munhu anotsiva mambo chiiwo chaangaite kusiya zvanga zvichiitwa namambo? Ndakazoona kuti ungwaru hunopfuura upenzi sokupfuura kunoita chiedza rima. Mungwaru anogara akazarura maziso ake asi benzi rinofamba murima asiwo chandinoziva ndechokuti firo yavo vose imwechete. Ndakazviti nechomumwoyo, “Chinowira benzi chinondiwanawo zvino chandakafiririrawo zvangu kuva mungwaru chii ipapa.” Ndakazvifunga mumwoyo ndikati, “Kunyange izvozvi hazvinzwisisiki.” Nokuti zvakangoita mungwaru ndizvozvowo zvine benzi zvokurangarirwa nokusingaperi hapana. Samaziviro atinoita, mumazuva ari kuuya, vanenge vatokanganwika kare. Pfiro yomungwaru ndiyo ndiyo yebenzi!
Muparidzi 2:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo ndakapindura pfungwa dzangu kuti ndicherechedze uchenjeri, urema uye noupenzi. Chii chimwe chingaitwa nomunhu anotevera mumwe paumambo kunze kwezvakatoitwa kare? Ndakaona kuti uchenjeri huri nani pano upenzi, sezvo chiedza chiri nani pane rima. Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make, nokuno rumwe rutivi benzi richifamba murima; asi ndakasvika pakuziva kuti vose vanowirwa nedambudziko rimwe chete. Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Magumo ebenzi achandiwanawo neni. Chii zvino chandinowana pakuva munhu akachenjera?” Ndakati mumwoyo mangu, “Izviwo hazvina maturo.” Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa; mumazuva anouya vose vachazokanganwikwa. Kufanana nebenzi, akachenjera anofanira kufawo!
Muparidzi 2:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakatendeuka kuti nditarise nyaya yezvoungwaru, noupenzi noutununu nokuti munhu anotsiva mambo chiiwo chaangaite kusiya zvanga zvichiitwa namambo? Ndakazoona kuti ungwaru hunopfuura upenzi sokupfuura kunoita chiedza rima. Mungwaru anogara akazarura maziso ake asi benzi rinofamba murima asiwo chandinoziva ndechokuti firo yavo vose imwechete. Ndakazviti nechomumwoyo, “Chinowira benzi chinondiwanawo zvino chandakafiririrawo zvangu kuva mungwaru chii ipapa.” Ndakazvifunga mumwoyo ndikati, “Kunyange izvozvi hazvinzwisisiki.” Nokuti zvakangoita mungwaru ndizvozvowo zvine benzi zvokurangarirwa nokusingaperi hapana. Samaziviro atinoita, mumazuva ari kuuya, vanenge vatokanganwika kare. Pfiro yomungwaru ndiyo ndiyo yebenzi!
Muparidzi 2:12-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakatendeʋuka kuti ndicerekedze ʋucenjeri, noʋupeŋgo, noʋupenzi, nokuti cinyi ciŋgaitwa nomunhu unoteʋera mambo? Iɀoɀo ɀakaŋguʋa ɀaitwa. Ipapo ndakaʋona kuti ʋucenjeri bgakanaka kupfuʋura ʋupenzi, ɀiciita seciedza cakanaka kupfuʋura rima. Meso omunhu wakacenjera ari mumusoro wake, asi ɓenzi rinofamba murima; kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaʋona kuti ʋose ʋanowirwa necinhu cimŋe cete. Ipapo ndakati mumŋoyo maŋgu: Seɀinoitirwa ɓenzi, ndiɀo ɀandicaitirwa neni ʋo; ko ini ndaiʋa wakacenjera nei! Ndikati mumŋoyo maŋgu, iɀi ɀose haɀinamaturo ʋo. Nokuti munhu wakacenjera wakafanana neɓenzi pakusaraŋgarirwa nokusiŋgaperi; nokuti ɀinozokaŋganikwa ɀose pamazuʋa anoʋuya. Wakacenjera haazinofa seɓenzi here?