Muparidzi 1:13-18
Muparidzi 1:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro. Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi. Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi; chinoshayikwa hachingaverengwi. Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.” Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo. Nokuti muuchenjeri huzhinji mune kusuwa kuzhinji; kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.
Muparidzi 1:13-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndikarwadza mwoyo wangu kutsvaka nokunzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti vazvitambudze naro. Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi. Chakakombama hachibviri kururamiswa; chinoshaikwa hachibviri kuverengwa. Ndakataurirana nomwoyo wangu, ndichiti, “Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu; zvirokwazvo mwoyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo.” Asi ndakati ndichirwadza mwoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupengo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo bedzi. Nokuti muuchenjeri huzhinji munokuchema kuzhinji; uye anowedzera zivo, anowedzera shungu.
Muparidzi 1:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakazvipira kunyatsotsvaga nokuongorora noungwaru zvose zvinoitika pasi pedenga. Aiwaiwa! Mutoro wacho wakapiwa vanhu naMwari kuti vatakure haufadzi. Ndakatarisa mabasa ose anoitwa pasi pezuva ndikaona zvangu kuti zvose hazvinzwisisiki uye kuti kunongova kudzingirirana nemhepo zvako. Chakakombama hachitasanudziki chisipo hachigone kuverengwa. Ndakambozvifunga zvangu mumwoyo ndichiti, “Ini ndakawana ungwaru hunokunda vamwe vose vakanditangira kuva vatongi veJerusaremu. Zvakanyatsondipindawo mumwoyo kuti chinonzi ungwaru chii uye kuti chinonzi ruzivo chii.” Ndakazvipira kwazvo kuti ndizive kuti chinonzi ungwaru chii uyewo kuti chinonzi upenzi chii. Ndakaonawo ikoku kuri kungodzingirirana zvako nemhepo. Chandinodariro ndechokuti ungwaru hukawanda nhamowo dzinobva dzaita murwi kuwanda. Anozviwanzira ruzivo anozviwanzirawo matambudziko.
Muparidzi 1:13-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikarwadza mŋoyo waŋgu kutȿaka nokunɀera noʋucenjeri ɀose ɀinoitwa pasi peɗeŋga; iɓasa rinotambudza rakapiwa ʋanakomana ʋaʋanhu naMŋari, kuti ʋaɀitambudze naro. Ndakaʋona maɓasa ose anoitwa pasi pezuʋa; tarirai, ɀose haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi. Cakakombama hacibviri kururamiswa; cinoshaikwa hacibviri kuʋereŋgwa. Ndakataurirana nomŋoyo waŋgu, ndiciti: Tarira ndaɀiwanira ʋucenjeri ʋukuru, kukunda ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ɀirokwaɀo mŋoyo waŋgu wakaʋona ʋucenjeri ʋuzhinji neziʋo. Asi ndakati ndicirwadza mŋoyo waŋgu kuti ndiziʋe ʋucenjeri neziʋo, noʋupeŋgo noʋupenzi, ndikaʋona kuti naiɀoɀo ʋo ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi. Nokuti muʋucenjeri ʋuzhinji munokucema kuzhinji; ʋuye, unowedzera ziʋo, unowedzera shuŋgu.
Muparidzi 1:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)