Dhuteronomi 32:30
Dhuteronomi 32:30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu, kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei, kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa, kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo?
Dhuteronomi 32:30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu mumwe ungadzinga seiko vanhu vane chiuru chezana, Navanhu vaviri vangatizisa seiko vanhu vane zviuru zvine gumi, Kana dombo ravo risina kuvatengesa, NaJehovha asina kuvaisa mumaoko avo?
Dhuteronomi 32:30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko munhu mumwe angadzinge sei chiuru chavanhu? Ko vanhu vaviri vangakwanise kudzinga gumi rezviuru zvevanhu here? Zvingaitike chete kana iye Dombo ravo avaisa mumaoko evavengi vavo; uyewo kana Tenzi avaramwira mumaoko avavengi vavo.
Dhuteronomi 32:30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu mumŋe uŋgadziŋga seiko ʋanhu ʋanecuru cezana, Naʋanhu ʋaʋiri ʋaŋgatizisa seiko ʋanhu ʋaneɀuru ɀinegumi, Kana ɗombo raʋo risina‐kuʋateŋgesa, NaJehova asina‐kuʋaisa mumaʋoko aʋo?
Dhuteronomi 32:30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)