Dhuteronomi 32:1-43
Dhuteronomi 32:1-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Inzwa iwe denga, ndichataura; Nenyika ngainzwe mashoko omuromo wangu; Kudzidzisa kwangu kuchadonha semvura, Kutaura kwangu kuchayerera sedova, Seguti pabumhudza nyoro, Sokupfunha kwemvura pauswa; Nokuti ndichaparidza zita raJehovha; Rumbidzai ukuru hwaMwari wedu. Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; Nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, Wakarurama, ndowazvokwadi. Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo; Ivo rudzi rwakatsauka, rwakakombama. Munoripira Jehovha saizvozvo here, Nhai, imi mapenzi asina kungwara? Ko haazi baba vako vakakubereka here? Ndiye wakakuita, nokukusimbisa. Rangarira mazuva ekare, Funga makore amarudzi mazhinji; Bvunza baba vako, ndivo vachakuratidza; Navatana vako, ndivo vachakuudza. Wokudenga-denga nguva yaakapa ndudzi nhaka yadzo, Nguva yaakaparadzanisa vana vavanhu, Wakatema miganhu yendudzi Achirangarira kuwanda kwavana vaIsiraeri. Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake; Jakobho ndiyo nhaka yake yakayerwa. Wakamuwana munyika yesango, Murenje risina chinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuchengeta semboni yeziso rake; Segondo rinomutsa vana varo, Richiengerera pamusoro pavana varo, Richitambanudza mapapiro aro, richivagamuchira, Richivabereka pamapapiro aro; Saizvozvo Jehovha, iye oga, wakamutungamirira, Kwakanga kusina mwari wokumwe kwaari. Wakamutasvisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Wakadya michero yeminda; Wakamusvutidza uchi hunobva padombo, Namafuta anobva padombo romusarasara, Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamwechete namafuta amakwayana, Namakondohwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi, Namafuta etsvo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiringa. Asi Jeshuruni wakazokora, ndokupfura, Iwe wakakora, wakava mukobvu, ukava namafuta, Zvino iye akarasha Mwari wakamuita, Akazvidza dombo rakamuchengeta. Vakamugodoresa navamwari vokumwe, Vakamutsamwisa nezvinonyangadza; Vakabayira mweya yakaipa, yakanga isi Mwari, Vatsva vakanga vachangomuka, Zvakanga zvisingatyiwi namadzibaba enyu. Dombo, rakakubereka, haurirangariri, Wakakanganwa Mwari wakakupona. Jehovha wakazviona, akavarasha, Nokuti wakatsamwiswa navanakomana vake navanasikana vake. Akati, “Ndichavavanzira chiso changu, Ndinoda kuona kuguma kwavo, kuti kwakadiniko; Nokuti ivo rudzi rwakatsauka kwazvo. Vana vasina kutendeka chose. Vakamutsa godo rangu nechinhu chisati chiri Mwari; Vakanditsamwisa nezvinhu zvavo zvisina maturo; Neniwo ndichavagodoresa navasati vari vanhu; Ndichavatsamwisa norudzi runopenga. Nokuti moto wakabatidzwa pakutsamwa kwangu, Unopisa kusvikira pasi kugomba ravakafa, Unoparadza nyika nezvibereko zvayo, Unotungidza nheyo dzamakomo. Ndichatutira njodzi pamusoro pavo, Ndichapedza miseve yangu ndichivapfura. Vachaonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaisvoipa; Ndichatuma meno ezvikara kwavari, Pamwechete nomuti unouraya wezvinokambaira muguruva. Munondo uchavatorera kunze, Nokutyisa mudzimba dzomukati; Zvichaparadza jaya nemhandara, Mwana unomwa pamwechete navarume, vachena vhudzi.” Ndakati, ndichavafuridzira kure, Ndichagumisa kurangarirwa kwavo pakati pavanhu; Dai ndisina kutya kutsamwa kwavavengi, Kuti vavengi vavo vasanzwisisa, Vakati, “Ruoko rwedu ndirwo rwakakunda, Haazi Jehovha wakaita izvozvo zvose.” Nokuti ivo rudzi rusina mano, Hakuna kunzwisisa pakati pavo. Dai vakanga vakachenjera, vangadai vakazvinzwisisa, Vangadai vakaona kuguma kwavo! Munhu mumwe ungadzinga seiko vanhu vane chiuru chezana, Navanhu vaviri vangatizisa seiko vanhu vane zviuru zvine gumi, Kana dombo ravo risina kuvatengesa, NaJehovha asina kuvaisa mumaoko avo? Nokuti dombo ravo harina kufanana nedombo redu, Kunyange vavengi vedu vamene vachitonga. Nokuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa weSodhoma, Napaminda yeGomora; Mazambiringa avo mazambiringa enduru, Masumbu awo anovava; Waini yavo uturu hwenyoka, Nouturu hunouraya kwazvo hwemhungu. Ko izvi hazvina kuunganidza kwandiri here? Hazvina kufunhurwa pakati pepfuma yangu here? Kutsiva ndokwangu, nokutsividza, Panguva yokutedzemuka kwetsoka dzavo; Nokuti zuva renjodzi yavo riri pedyo, Nezvinhu zvichavawira zvichakurumidza kuuya. Nokuti Jehovha ucharuramisira vanhu vake, Nokunzwira varanda vake tsitsi, Kana achiona kuti simba ravo raenda, Uye kuti vapera vose, Zvino iye uchati, “Vamwari vavo varipiko, Nedombo ravakanga vachivimba naro?” Ivo vaidya mafuta ezvibayiro zvavo, Vainwa waini yezvipiriso zvavo zvinodururwa. Ngavasimuke, vakubatsirei, Ngavave utiziro hwenyu. Tarirai zvino, muone kuti ndini iye, Hakuno mumwe mwari pamwechete neni; Ini ndinouraya, ini ndinoraramisa; Ini ndakakuvadza, ini ndinoporesa; Hakuna ungarwirwa paruoko rwangu. Nokuti ndinosimudzira ruoko rwangu kudenga, Ndichiti, “Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi, Kana ndarodza munondo wangu unobwinya, Noruoko rwangu rukabata kutonga, Ndichatsiva vavengi vangu, Nokutsividza vanondivenga. Ndichanyudza miseve yangu muropa, Munondo wangu uchadya nyama; Neropa ravakaurawa neravakatapwa, Neremisoro yavatungamiri vavavengi. Farai, imi ndudzi, pamwechete navanhu vake, Nokuti uchatsiva ropa ravaranda vake, Nokutsividza vavengi vake, Nokudzikinura nyika yake navanhu vake.”
Dhuteronomi 32:1-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Akati, “Matenga we-e teyai nzeve munzwe ndimbotaura newewo nyika teerera unzwe mazwi omuromo wangu. Chidzidziso changu chichaita zvokunaya semvura, nhauro yangu ichinyava pasi sedova, zviite semvura iri kunaya paruswiswi, serupfunhavachembere pazvimerwa zvose, nokuti ndava kuparidza zita raTenzi, nokupembedza ukuru hwaMwari wedu. Iye iDombo chairo kusimba! Pabasa rake hapana chinganatsiridzwe nokuti maitiro ake ane ruenzaniso. Mwari ndiMwari anotendeseka asina chakaipa maari; ndiMwari akarurama, Mwari ari pachokwadi. Asi imi hamuna kutendeseka kwaari, hamukodzeri kuva vanhu vake. Ko ndomatsiviro amungaite Tenzi iwaya here? Imi mazipenzi avanhu, vanhu vasina pfungwa. Ko haasi iye here baba vako, vakakusika? Haasi iye here akaita kuti muve rudzi? Rangarira mazuva aye ekare, uyeuke makore aye ezvizvarwa nezvizvarwa; bvunza baba vako, vachakurondedzera, ubvunzewo vechikuru-chikuru, vachakutsanangurira. Wokumusorosoro paaigovera ndudzi nhaka dzadzo, achipa rudzi norudzi nyika nomuganho wayo; aipa maererano nouwandi hwavatumwa vaMwari. Asi iye Tenzi mugove waakazvisarudzira vanhu vake, Jakobho sorudzi, ndiye nhaka yake. Akamuwana munyika yegwenga, ari murenje riya rinongova maungira oga; Akavaunganidza, akavariritira, achivachengeta sezai regondo. Segondo rinogaririra manyana aro, richibhururuka zvaro nechepamusoro pedendere, richitambanudza mapapiro aro, nokutakura manyana aro, Tenzi pachake akamutungamirira, pasina vamwe vamwari. Akamupa nyika iri pakakwirira, akadya zvirimwa zvomuminda; akamuita kuti asvete zvake uchi hwomudombo, achiwana mafuta parukangarahwe. Kumombe, mukaka wakakora, kune zvimwe zvipfuwo, mukaka chete, vaine hwayana nehondohwe dzakakora, nemombe nembudzi dzokuBhashani, nekoroni ine hura dzakasvika chaizvo, wakanwa mhanga yewaini. Asi Jeshuruni, iwe Isiraeri, wakati wakora, wakatanga kupfacha. Wakati wakora, wafuta zvokupenya muviri, wakafuratira Mwari akakusika ukatsvinyira Dombo, ruponeso rwako. Zvokuva navamwe vamwari zvakamutsa shanje yaMwari, zvakaipa zvavakaita zvakanyandura hasha dzaMwari. Vakapira zvibayiro kumweya yakaipa, kumweya yakaipa isiri mwari kune vamwari vavasingamboziva; vamwari vanonzi vachangosvikawo mazuva ano vasina kana kumboremekedzwa namadzibaba avo. Wakarega kuita hanya naiyeyu Dombo akakubereka, ukakanganwa zvako Mwari akakuumba. Tenzi akazviona akabva achekana ukama navo, nokuti akashatiriswa navana vake vakomana navasikana, akati regai ndivafuratire, ndione kuti pavo pachaperera papi; nokuti chizvarwa chakapanduka, vana vasingatendeseki. Vakandipa kuitira shanje zvinhu zvisiri mwari, vakavirutsa hasha dzangu navamwari vavo vokuveza. Saka ndichaitawo kuti vave neshanje navanhu vasiri rudzi. Ndichavashatirisa norudzi rwamadzenga. Hasha dzangu dzichaita somoto, uchapisa kusvikira pasi pasi munzvimbo yavakafa. Ucharoromesa nyika nezvinhu zvayo. Uchatungidza moto paugaro hwamakomo. Ndichaita kuti nhamo dzivamomotere, miseve yangu ichaperera pavari. Vachasara vaondoroka nenzara, vachaparadzwa nedenda rokupisa muviri. Vachapera nezvirwere zvinouraya, ndichavatumira zvikara zvinoruma; nenyoka dzinozvongonyoka napasi dzine uturu. Pachena zvapo chaipo bakatwa, richaita kuti vapinde nhamo mudzimba umu kuchingova kutya koga koga. Nhamo iyoyo haina waichasiya ari mupenyu, jaya kana mhandara, mucheche nowachena musoro. Ndakazviti regai ndivamwararitsire kure kure, pasave naanovayeukazve mukati mavanhu. Asi ndakazeza zvangu kuzvikudza kwaizoita vavengi vavo, vofunga kuti, ‘Takavakurira nesimba redu pachedu.’ Vachiti, ‘Tenzi haasiri iye akaita zvose izvi, asi kuti isu nesimba redu ndisu takakurira.’ “Nokuti vanhu ivava rudzi rwakatenderera musoro, vanhu vasinganzwisisi. Dai vakachenjera vangadai vakanzwisisa izvi, vangadai vakaziva kuti izvozvi zvichavasvitsa kupi. Ko munhu mumwe angadzinge sei chiuru chavanhu? Ko vanhu vaviri vangakwanise kudzinga gumi rezviuru zvevanhu here? Zvingaitike chete kana iye Dombo ravo avaisa mumaoko evavengi vavo; uyewo kana Tenzi avaramwira mumaoko avavengi vavo. Nokuti iye dombo ravo akasiyana naMwari Dombo redu kana vavengi vedu vanotonyatsozviona. Vanhu ivava vakaromba mbeu dzomugirepisi younzenza kuSodhomu, neyokuminda yeGomora. Magirepisi avo muchetura chaiwo, zvisumbu zvemagirepisi avo indye chaiyo kuvava. Waini yavo ichepfu yenyoka chaiyo, uturu chaihwo hwemhakure. Heya munoti izvozvi handina kuzvichengeta mudura remwoyo wangu here, ndikanyatsozvipfundira? Kutsiva ndokwangu, kudzosera ndokwangu. Nguva ichasvika yokuti rutsoka rwavo rwutsvedzemuke, nokuti zuva renjodzi yavo rava kusvika, kuparara kwavo kuchaitika nokukurumidza. Asi Tenzi achanunura vanhu vake, achanzwira tsitsi varanda vake, vakatapwa kana vasina paanenge aona kuti varukutika havachisina simba, havachaziva chokuita. Ndopaachati, ‘Ko vamwari vavo varipiko, dombo ravoka ravaipotera naro;’ vamwari vaidya mafuta ezvibayiro zvavo, vachinwa waini yemipiro yezvokunwa? Ngavachisimukaka vakubatsire, ngavachikudziviriraka! Zvino chizivai kuti Ini Iyeni pano ndini iye. Hakuna mumwe mwari kunze kwangu. Ndini ndinouraya, uye ndini ndinopa upenyu. Ndinokuvadza uye ndinoporesa, hakuna anganunure chinhu chiri mumaoko angu. Ndinosumudza ruoko rwangu kudenga ndichiti, ‘Chokwadi ndinopika neni pachangu, ini Mwari mupenyu.’ Pandicharodza bakatwa rangu rinohwituka kupenya, ndinenge ndongoda kuona kuti ruenzaniso rwaitwa here! Ndichatsividza vavengi vangu, ndigoranga vanondivenga. Ndichaita kuti miseve yangu iyerere ropa, renhapwa nerevanenge vaurayiwa, vakuru vakuru vanondivenga, bakatwa rangu richivaita kanyama kanyama. Imi ndudzi dzose pemberai mufare navanhu vaMwari, nokuti achatsividza ropa ravaranda vake. Achatsiva vavengi vake, nokuchenura nyika yavanhu vake.”
Dhuteronomi 32:1-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura; inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu. Regai dzidziso yangu inaye semvura uye mashoko angu ayerere sedova, sokupfunha pauswa hunyoro, semvura zhinji papfumvudza nyoro. Ndichaparidza zita raJehovha. Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu! Ndiye ibwe, mabasa ake akakwana, uye nzira dzake dzakarurama. Mwari akatendeka asina chaanotadza, akarurama uye ndowezvokwadi. Vakaita zvakaipa kwaari; vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake, asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama, Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here, imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera? Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here, akakuitai nokukuumbai? Rangarira mazuva akare; ufunge marudzi akare kare. Ubvunze baba vako, uye vachakuudza, vakuru vako vachakutsanangurira. Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka, nguva yaakakamura marudzi ose, akaisira vanhu miganhu, zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri. Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake, Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa. Akamuwana munyika yomurenje, musina chinhu, munotyisa. Akamudzivirira uye akamuchengeta; akamuchengetedza semboni yeziso rake, segondo rinogadziridza dendere raro nokuengerera pamusoro pavana varo, rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe, rovabereka pamapapiro aro. Jehovha oga ndiye akamutungamirira; kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye. Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye. Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo, uye namafuta akabva padombo romusarasara, noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa, namakondobwe akaisvonaka eBhashani, netsanga dzakanakisisa dzegorosi. Akanwa furo reropa ramazambiringa. Jeshuruni akazokora uye akapfura; aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta. Akasiya Mwari akamuita uye akaramba Ibwe, Muponesi wake. Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza. Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vatsva vakanga vachangomuka, vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu. Wakasiya Ibwe rakakubereka; wakakanganwa Mwari akakubereka. Jehovha akaona izvi akavaramba nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake. “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro, “tigoona kuti magumo avo achazodii; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka. Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari, vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo. Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu; ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi. Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu, idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu. Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo uye dzichapisa nheyo dzamakomo. “Ndichatutira njodzi pamusoro pavo uye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura. Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo, nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa; ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari, uturu hwenyoka dzomuguruva. Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose; mudzimba dzavo vachagara vachivhundutswa. Majaya nemhandara vachaparadzwa, vacheche navatana vachaparadzwawo. Ndakati ndichavaparadzira ndigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi, asi ndakazotya kutuka kwomuvengi, kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti, ‘Ruoko rwedu rwatikundisa; haazi Jehovha akaita izvi zvose.’ ” Nokuti ivo rudzi rusina mano, havagoni kunzvera pakati pavo. Dai chete vakanga vakachenjera uye dai vaizonzwisisa izvi nokunzvera kuti magumo avo achazova akaita sei! Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu, kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei, kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa, kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo? Nokuti dombo ravo harina kufanana neDombo redu, sezvinofungwa navavengi vedu. Nokuti mazambiringa avo anobva pamizambiringa yeSodhomu nokuminda yeGomora. Mazambiringa avo azere nomuchetura, uye masumbu avo azere nokuvava. Waini yavo uturu hwenyoka, uturu hwakaipisisa hwemhakure. “Ko, handina kuchengeta izvi here, uye ndikazvipfigira mumatura angu? Kutsiva ndokwangu; ndichatsiva. Nenguva yakafanira tsoka dzavo dzichatedzemuka; zuva renjodzi yavo rava pedyo uye kuparadzwa kwavo kunokurumidza kuuya pamusoro pavo.” Jehovha achatonga vanhu vake uye achanzwira tsitsi varanda vake, paanoona simba ravo rapera uye pasina asara, akatapwa kana asina. Achati, “Ko, zvino vamwari vavo varipiko, dombo ravakahwanda mariri, vamwari vakadya mafuta ezvibayiro zvavo nokunwa waini yezvipiriso zvavo zvinonwiwa? Ngavasimuke kuti vakubatsirei! Ngavakupei pokuvanda! “Chionai zvino kuti ini pachangu ndini Iye! Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, ndinouraya uye ndinopa upenyu, ndakakuvadza uye ndichaporesa, uye hapana anogona kudzikinura muruoko rwangu. Ndinosimudza ruoko rwangu kudenga ndichiti: Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi, kana ndichirodza munondo wangu unopenya uye ruoko rwangu rwaubata mukutonga, ndichatsiva kuvavengi vangu uye ndigotsiva vaya vanondivenga. Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa ravo, uye munondo wangu uchadya nyama: ropa revakaurayiwa nevatapwa, nemisoro yavatungamiri vavavengi vangu.” Farai, imi ndudzi, navanhu vake, nokuti achatsiva ropa ravaranda vake; achatsiva kuvavengi vake agoyananisira nyika yake navanhu vake.
Dhuteronomi 32:1-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akati, “Matenga we-e teyai nzeve munzwe ndimbotaura newewo nyika teerera unzwe mazwi omuromo wangu. Chidzidziso changu chichaita zvokunaya semvura, nhauro yangu ichinyava pasi sedova, zviite semvura iri kunaya paruswiswi, serupfunhavachembere pazvimerwa zvose, nokuti ndava kuparidza zita raTenzi, nokupembedza ukuru hwaMwari wedu. Iye iDombo chairo kusimba! Pabasa rake hapana chinganatsiridzwe nokuti maitiro ake ane ruenzaniso. Mwari ndiMwari anotendeseka asina chakaipa maari; ndiMwari akarurama, Mwari ari pachokwadi. Asi imi hamuna kutendeseka kwaari, hamukodzeri kuva vanhu vake. Ko ndomatsiviro amungaite Tenzi iwaya here? Imi mazipenzi avanhu, vanhu vasina pfungwa. Ko haasi iye here baba vako, vakakusika? Haasi iye here akaita kuti muve rudzi? Rangarira mazuva aye ekare, uyeuke makore aye ezvizvarwa nezvizvarwa; bvunza baba vako, vachakurondedzera, ubvunzewo vechikuru-chikuru, vachakutsanangurira. Wokumusorosoro paaigovera ndudzi nhaka dzadzo, achipa rudzi norudzi nyika nomuganho wayo; aipa maererano nouwandi hwavatumwa vaMwari. Asi iye Tenzi mugove waakazvisarudzira vanhu vake, Jakobho sorudzi, ndiye nhaka yake. Akamuwana munyika yegwenga, ari murenje riya rinongova maungira oga; Akavaunganidza, akavariritira, achivachengeta sezai regondo. Segondo rinogaririra manyana aro, richibhururuka zvaro nechepamusoro pedendere, richitambanudza mapapiro aro, nokutakura manyana aro, Tenzi pachake akamutungamirira, pasina vamwe vamwari. Akamupa nyika iri pakakwirira, akadya zvirimwa zvomuminda; akamuita kuti asvete zvake uchi hwomudombo, achiwana mafuta parukangarahwe. Kumombe, mukaka wakakora, kune zvimwe zvipfuwo, mukaka chete, vaine hwayana nehondohwe dzakakora, nemombe nembudzi dzokuBhashani, nekoroni ine hura dzakasvika chaizvo, wakanwa mhanga yewaini. Asi Jeshuruni, iwe Isiraeri, wakati wakora, wakatanga kupfacha. Wakati wakora, wafuta zvokupenya muviri, wakafuratira Mwari akakusika ukatsvinyira Dombo, ruponeso rwako. Zvokuva navamwe vamwari zvakamutsa shanje yaMwari, zvakaipa zvavakaita zvakanyandura hasha dzaMwari. Vakapira zvibayiro kumweya yakaipa, kumweya yakaipa isiri mwari kune vamwari vavasingamboziva; vamwari vanonzi vachangosvikawo mazuva ano vasina kana kumboremekedzwa namadzibaba avo. Wakarega kuita hanya naiyeyu Dombo akakubereka, ukakanganwa zvako Mwari akakuumba. Tenzi akazviona akabva achekana ukama navo, nokuti akashatiriswa navana vake vakomana navasikana, akati regai ndivafuratire, ndione kuti pavo pachaperera papi; nokuti chizvarwa chakapanduka, vana vasingatendeseki. Vakandipa kuitira shanje zvinhu zvisiri mwari, vakavirutsa hasha dzangu navamwari vavo vokuveza. Saka ndichaitawo kuti vave neshanje navanhu vasiri rudzi. Ndichavashatirisa norudzi rwamadzenga. Hasha dzangu dzichaita somoto, uchapisa kusvikira pasi pasi munzvimbo yavakafa. Ucharoromesa nyika nezvinhu zvayo. Uchatungidza moto paugaro hwamakomo. Ndichaita kuti nhamo dzivamomotere, miseve yangu ichaperera pavari. Vachasara vaondoroka nenzara, vachaparadzwa nedenda rokupisa muviri. Vachapera nezvirwere zvinouraya, ndichavatumira zvikara zvinoruma; nenyoka dzinozvongonyoka napasi dzine uturu. Pachena zvapo chaipo bakatwa, richaita kuti vapinde nhamo mudzimba umu kuchingova kutya koga koga. Nhamo iyoyo haina waichasiya ari mupenyu, jaya kana mhandara, mucheche nowachena musoro. Ndakazviti regai ndivamwararitsire kure kure, pasave naanovayeukazve mukati mavanhu. Asi ndakazeza zvangu kuzvikudza kwaizoita vavengi vavo, vofunga kuti, ‘Takavakurira nesimba redu pachedu.’ Vachiti, ‘Tenzi haasiri iye akaita zvose izvi, asi kuti isu nesimba redu ndisu takakurira.’ “Nokuti vanhu ivava rudzi rwakatenderera musoro, vanhu vasinganzwisisi. Dai vakachenjera vangadai vakanzwisisa izvi, vangadai vakaziva kuti izvozvi zvichavasvitsa kupi. Ko munhu mumwe angadzinge sei chiuru chavanhu? Ko vanhu vaviri vangakwanise kudzinga gumi rezviuru zvevanhu here? Zvingaitike chete kana iye Dombo ravo avaisa mumaoko evavengi vavo; uyewo kana Tenzi avaramwira mumaoko avavengi vavo. Nokuti iye dombo ravo akasiyana naMwari Dombo redu kana vavengi vedu vanotonyatsozviona. Vanhu ivava vakaromba mbeu dzomugirepisi younzenza kuSodhomu, neyokuminda yeGomora. Magirepisi avo muchetura chaiwo, zvisumbu zvemagirepisi avo indye chaiyo kuvava. Waini yavo ichepfu yenyoka chaiyo, uturu chaihwo hwemhakure. Heya munoti izvozvi handina kuzvichengeta mudura remwoyo wangu here, ndikanyatsozvipfundira? Kutsiva ndokwangu, kudzosera ndokwangu. Nguva ichasvika yokuti rutsoka rwavo rwutsvedzemuke, nokuti zuva renjodzi yavo rava kusvika, kuparara kwavo kuchaitika nokukurumidza. Asi Tenzi achanunura vanhu vake, achanzwira tsitsi varanda vake, vakatapwa kana vasina paanenge aona kuti varukutika havachisina simba, havachaziva chokuita. Ndopaachati, ‘Ko vamwari vavo varipiko, dombo ravoka ravaipotera naro;’ vamwari vaidya mafuta ezvibayiro zvavo, vachinwa waini yemipiro yezvokunwa? Ngavachisimukaka vakubatsire, ngavachikudziviriraka! Zvino chizivai kuti Ini Iyeni pano ndini iye. Hakuna mumwe mwari kunze kwangu. Ndini ndinouraya, uye ndini ndinopa upenyu. Ndinokuvadza uye ndinoporesa, hakuna anganunure chinhu chiri mumaoko angu. Ndinosumudza ruoko rwangu kudenga ndichiti, ‘Chokwadi ndinopika neni pachangu, ini Mwari mupenyu.’ Pandicharodza bakatwa rangu rinohwituka kupenya, ndinenge ndongoda kuona kuti ruenzaniso rwaitwa here! Ndichatsividza vavengi vangu, ndigoranga vanondivenga. Ndichaita kuti miseve yangu iyerere ropa, renhapwa nerevanenge vaurayiwa, vakuru vakuru vanondivenga, bakatwa rangu richivaita kanyama kanyama. Imi ndudzi dzose pemberai mufare navanhu vaMwari, nokuti achatsividza ropa ravaranda vake. Achatsiva vavengi vake, nokuchenura nyika yavanhu vake.”
Dhuteronomi 32:1-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Inzwa iwe ɗeŋga, ndicataura; Nenyika ŋgainzwe mashoko omuromo waŋgu; Kudzidzisa kwaŋgu kucaɗonha semvura, Kutaura kwaŋgu kucayerera seɗoʋa, Seguti paɓumhudza nyoro, Sokupfunha kwemvura paʋuswa; Nokuti ndicaparidza zita raJehova; Rumbidzai ʋukuru bgaMŋari weɗu. Iye ndiro ɗombo, ɓasa rake rakakwana; Nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mŋari wakatendeka, usiŋganyeŋgeri, Wakarurama, ndowaɀokwaɗi. Ʋakamuitira ɀakashata, haʋazi ʋana ʋake, ndiko kuremara kwaʋo; Iʋo rudzi rwakatsauka, rwakakombama. Munoripira Jehova saiɀoɀo here, Nhai, imi mapenzi asina‐kuŋgwara? Ko haazi ɓaɓa ʋako ʋakakuɓereka here? Ndiye wakakuita, nokukusimbisa. Raŋgarira mazuʋa ekare, Fuŋga makore amarudzi mazhinji; Bvunza ɓaɓa ʋako, ndiʋo ʋacakuratidza; Naʋatana ʋako, ndiʋo ʋacakuʋudza. Wokuɗeŋga‐ɗeŋga ŋguʋa yaakapa ndudzi nhaka yadzo, Ŋguʋa yaakaparadzanisa ʋana ʋaʋanhu, Wakatema miganho yendudzi Aciraŋgarira kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri. Nokuti mugoʋe waJehova ndiʋo ʋanhu ʋake; Jakobo ndiyo nhaka yake yakayerwa. Wakamuwana munyika yesaŋgo, Murenje risinecinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuceŋgeta semboni yeziso rake; Segondo rinomutsa ʋana ʋaro, Ricieŋgerera pamsoro paʋana ʋaro, Ricitambanudza mapapiro aro, riciʋagamucira, Riciʋaɓereka pamapapiro aro; Saiɀoɀo Jehova, iye oga, wakamutuŋgamirira, Kwakaŋga kusinamŋari wokumŋe kwaari. Wakamutaȿisa panɀimbo dzakakwirira dzenyika, Wakadya micero yeminda; Wakamuȿutidza ʋuci bgunobva paɗombo, Namafuta anobva paɗombo romusarasara, Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamŋe cete namafuta amakwaiana, Namakondobge orudzi rwapaBashani, nembudzi, Namafuta etȿo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiriŋga. Asi Jeshuruni wakazokora, ndokupfura, Iwe wakakora, wakaʋa mukobvu, ukaʋa namafuta, Ɀino iye akarasha Mŋari wakamuita, Akaɀidza ɗombo rakamuceŋgeta. Ʋakamugoɗoresa naʋamŋari ʋokumŋe, Ʋakamutsamŋisa neɀinonyaŋgadza; Ʋakaɓayira mŋeya yakaipa, yakaŋga isi Mŋari, Ʋari ʋamŋari ʋaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi, Ʋatȿa ʋakaŋga ʋacaŋgomuka, Ɀakaŋga ɀisiŋgatyiwi namadziɓaɓa enyu. Ƌombo, rakakuɓereka, hauriraŋgariri, Wakakaŋganwa Mŋari wakakupona. Jehova wakaɀiʋona, akaʋarasha, Nokuti wakatsamŋiswa naʋanakomana ʋake naʋanasikana ʋake. Akati: Ndicaʋaʋanzira ciso caŋgu, Ndinoɗa kuʋona kuguma kwaʋo, kuti kwakaɗiniko; Nokuti iʋo rudzi rwakatsauka kwaɀo, Ʋana ʋasina‐kutendeka cose. Ʋakamutsa goɗo raŋgu necinhu cisati ciri Mŋari; Ʋakanditsamŋisa neɀinhu ɀaʋo ɀisinamaturo; Neni ʋo ndicaʋagoɗoresa naʋasati ʋari ʋanhu; Ndicaʋatsamŋisa norudzi runopeŋga. Nokuti mŋoto wakaɓatidzwa pakutsamŋa kwaŋgu, Unopisa kuȿikira pasi kugomba raʋakafa, Unoparadza nyika neɀiɓereko ɀayo, Unotuŋgidza nheyo dzamakomo. Ndicatutira njodzi pamsoro paʋo, Ndicapedza miseʋe yaŋgu ndiciʋafura. Ʋacawonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaiȿo‐ipa; Ndicatuma meno eɀikara kwaʋari, Pamŋe cete nomuti unoʋuraya weɀinokambaira muguruʋa. Munondo ucaʋatorera kunze, Nokutyisa mudzimba dzomukati; Ɀicaparadza jaya nemhandara, Mŋana unomŋa pamŋe cete naʋarume, ʋacena vudzi. Ndakati, ndicaʋafuridzira kure, Ndicagumisa kuraŋgarirwa kwaʋo pakati paʋanhu; Ƌai ndisina‐kutya kutsamŋa kwaʋaʋeŋgi, Kuti ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋasanzwisisa, Ʋakati: Ruʋoko rweɗu ndirwo rwakakunda, Haazi Jehova wakaita iɀoɀo ɀose. Nokuti iʋo rudzi rusinamano, Hakuna‐kunzwisisa pakati paʋo. Ƌai ʋakaŋga ʋakacenjera, ʋaŋgaɗai ʋakaɀinzwisisa, Ʋaŋgaɗai ʋakaʋona kuguma kwaʋo! Munhu mumŋe uŋgadziŋga seiko ʋanhu ʋanecuru cezana, Naʋanhu ʋaʋiri ʋaŋgatizisa seiko ʋanhu ʋaneɀuru ɀinegumi, Kana ɗombo raʋo risina‐kuʋateŋgesa, NaJehova asina‐kuʋaisa mumaʋoko aʋo? Nokuti ɗombo raʋo harina‐kufanana neɗombo reɗu, Kunyaŋge ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋamene ʋacitoŋga. Nokuti muzambiriŋga waʋo wakabva pamuzambiriŋga weSodoma, Napaminda yeGomora; Mazambiriŋga aʋo mazambiriŋga enduru, Masumbu awo anoʋaʋa; Waini yaʋo ʋuturu bgenyoka, Noʋuturu bgunoʋuraya kwaɀo bgemhuŋgu. Ko iɀi haɀina‐kuʋuŋganidzwa kwandiri here? Haɀina‐kufunhurwa pakati pefuma yaŋgu here? Kutsiʋa ndokwaŋgu, nokutsiʋidza, Paŋguʋa yokutedzemuka kwetsoka dzaʋo; Nokuti zuʋa renjodzi yaʋo riri pedyo, Neɀinhu ɀicaʋawira ɀicakurumidza kuʋuya. Nokuti Jehova ucaruramisira ʋanhu ʋake, Nokunzwira ʋaranda ʋake tsitsi, Kana aciʋona kuti simba raʋo raenda, Ʋuye kuti ʋapera ʋose, Ɀino iye ucati: Ʋamŋari ʋaʋo ʋaripiko, Neɗombo raʋakaŋga ʋaciʋimba naro? Iʋo ʋaidya mafuta eɀiɓayiro ɀaʋo, Ʋainwa waini yeɀipiriso ɀaʋo ɀinoɗururwa. Ŋgaʋasimuke, ʋakuɓatsirei, Ŋgaʋaʋe ʋutiziro bgenyu. Tarirai ɀino, muʋone kuti ndini iye, Hakunomumŋe mŋari pamŋe cete neni; Ini ndinoʋuraya, ini ndinoraramisa; Ini ndakakuʋadza, ini ndinoporesa; Hakuna‐uŋgarwirwa paruʋoko rwaŋgu. Nokuti ndinosimudzira ruʋoko rwaŋgu kuɗeŋga, Ndiciti: Ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaŋgu bgusiŋgaperi, Kana ndarodza munondo waŋgu unobginya, Noruʋoko rwaŋgu rukaɓata kutoŋga, Ndicatsiʋa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Nokutsiʋidza ʋanondiʋeŋga. Ndicanyudza miseʋe yaŋgu muropa, Munondo waŋgu ucadya nyama; Neropa raʋakaʋurawa neraʋakatapxa, Neremisoro yaʋatuŋgamiri ʋaʋaʋeŋgi. Farai, imi ndudzi, pamŋe cete naʋanhu ʋake, Nokuti ucatsiʋa ropa raʋaranda ʋake, Nokutsiʋidza ʋaʋeŋgi ʋake, Nokudzikinura nyika yake naʋanhu ʋake.