Dhanieri 6:21-23
Dhanieri 6:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.” Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake.
Dhanieri 6:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Dhanieri akati kuna mambo, “Imi mambo, raramai nokusingaperi. Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakune chakaipa chandakaita.” Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanieri mugomba. Naizvozvo Dhanieri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake.
Dhanieri 6:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhanieri ndokudaira kuna mambo achiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Mwari wangu akatuma mutumwa wake akabva azarira shumba idzi muromo. Nezvo hadzina kundikuvadza nokuti zvakaonekwa kuti hapana chandakamutadzira kana chandakatadzira imimi mambo.” Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake.
Dhanieri 6:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Danieri akati kunamambo: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi. Mŋari waŋgu wakatuma mutumŋa wake, akadziʋira miromo yeshumba, dzikasandikuʋadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handinemhoȿa, napamberi penyu ʋo, imi mambo, hakune‐cakaipa candakaita. Ipapo mambo akafara ɀikuru kwaɀo, akaraira kuti ʋaɓuɗise Danieri mugomba. Naiɀoɀo Danieri wakaɓuɗiswa mugomba, ʋakashaiwa cose paakakuʋadzwa, nokuti wakaŋga aʋimba naMŋari wake.
Dhanieri 6:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)