Dhanieri 6:10-11
Dhanieri 6:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Dhanieri akati anzwa kuti chirevo chakanga chaziviswa, akaenda muimba yake yapamusoro yaiva namawindo akanga akatarira kuJerusarema. Akapfugama namabvi ake akanyengetera katatu pazuva, achivonga kuna Mwari wake, sezvaaisiita. Ipapo varume ava vakaenda vose pamwe chete vakawana Dhanieri achinyengetera, achikumbira kubatsirwa naMwari.
Dhanieri 6:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Dhanieri akati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make zvino mawindo ekamuri yake akanga akazarurwa achitarira kurutivi rweJerusaremu; akapfugama namabvi ake katatu pazuva, akanyengetera nokurumbidza Mwari wake, sezvaaisiita. Ipapo varume avo vakaungana vari vazhinji, vakawana Dhanieri achikumbira nokunyengetera Mwari wake.
Dhanieri 6:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhanieri paakazviziva kuti gwaro rasainwa namambo zita ravo, akaenda kumba kwake mumba yake yapamusoro yaiva namahwindo akashama akatarisa kuJerusaremu, aipfugama pasi imomo katatu pazuva achinamata achitenda Mwari wake sezvaaingoita kare. Varume vaya vakawirirana ndiye unga unga kwaari wanei Dhanieri achinamata achinyengetera kuna Mwari wake.
Dhanieri 6:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Danieri wakati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make (ɀino mawindi ekamuri yake akaŋga akazarurwa acitarira kurutiʋi rweJerusarema); akafugama namabvi ake katatu nezuʋa, akanyeŋgetera nokuʋoŋga pamberi paMŋari wake, seɀaaisiita. Ipapo ʋarume aʋo ʋakaʋuŋgana ʋari ʋazhinji, ʋakawana Danieri acikumbira nokunyeŋgetera pamberi paMŋari wake.
Dhanieri 6:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)