Dhanieri 5:22-31
Dhanieri 5:22-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi imi mwanakomana wake, imi Bherishazari, hamuna kuzvininipisa, kunyange maiziva henyu chinhu ichi. Pamusoro pezvo imi masarudza kurwa naIshe wokudenga. Maita kuti midziyo yegoridhe iuyiswe kwamuri ichibva kutemberi, uye imi namakurukota enyu, vakadzi venyu navarongo venyu manwira waini mairi. Marumbidza vamwari vesirivha, vegoridhe, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe, vasingagoni kuona, kunzwa kana kunzwisisa. Asi hamuna kukudza Mwari akabata muruoko rwake upenyu hwenyu nenzira dzenyu dzose. Naizvozvo akatumira ruoko rwakanyora zvakanyorwa. “Izvi ndizvo zvakanyorwa: mene, mene, tekere, ufasini. “Hezvino zvinoreva mashoko aya: “ Mene : Mwari akaverenga mazuva okutonga kwenyu akaagumisa. Tekere : Makayerwa pachiyero mukawanikwa makareruka. Peresi : Umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa vaMedhia navaPezhia.” Ipapo Bherishazari akarayira kuti Dhanieri ashongedzwe nguo dzepepuru, ketani yegoridhe ikaiswa pamutsipa wake, zvikaziviswa kuti akanga ava mutongi wapamusoro wechitatu muumambo. Usiku ihwohwo Bherishazari, mambo wavaBhabhironi akaurayiwa, Dhariasi muMedhia akatora umambo ane makore makumi matanhatu namaviri.
Dhanieri 5:22-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi imi Bheshazari mwanakomana wake, hamuna kuzvininipisa nomwoyo wenyu, kunyange makanga muchizviziva zvose, asi makazvikudza pamberi paIshe wokudenga; midziyo yeimba yake yakauyiswa pamberi penyu, imi namadzishe enyu navakadzi venyu navarongo venyu mukanwa waini nayo; mukarumbidza vamwari vesirivha nendarama nedare namatanda namabwe, vasingaoni kana kunzwa kana kuziva; asi iye Mwari, akabata mweya wenyu muruoko rwake, anoziva nzira dzenyu dzose, hamuna kumukudza iye. Naizvozvo chanza choruoko chakatumwa chichibva kwaari, zvakanyorwa izvi zvikanyorwa. “Zvino zvakanyorwa ndezvizvi: MENE, MENE, TEKERE, UFARISINI. Kududzirwa kwechinhu ichi, ndikoku: MENE, Mwari akaverenga mazuva oushe hwenyu, akaugumisa. TEKERE, iwe wayerwa pachiyero, ukawanikwa wakareruka. PERESI, ushe hwako hwakamurwa, hwapiwa Medhia navaPeresia.” Ipapo Bheshazari akarayira, vakafukidza Dhanieri nguo tsvuku vakamushongedza ngetani hwendarama pamutsipa wake, akaparidza pamusoro pake kuti ave mubati wechitatu paushe hwake. Nousiku uhwo mambo Bheshazari muKaradhea akaurawa. Dhariusi muMedhia akapiwa ushe, ana makore anenge makumi matanhatu namaviri.
Dhanieri 5:22-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino iwe mwanakomana wake, iwe Bherishaza hauna kuzvidukupisa kunyangwe, zvose izvozvi waizviziva hako. Asi iwe wakatozvitutumadza zvako uchikanganisira Tenzi Wedenga. Ukatoraka iwe midziyo yomumba make ikaunzwa pauri, iwewe namadzishe ako navakadzi vako navarongo vako ukanwira mairi uchitorumbidza hako vamwari vesirivha nevendarama nevendarira nevesimbi nevezvimiti navamabwe, vasina chavanoona kana kunzwa vasina nechavanoziva. Asi Mwari, iye akabata upenyu hwako mumaoko make, iye anoti kwaanenge ati unoenda ndiko kwaunoenda hauna kumuremekedza. Ndokusaka kwatumwa chanza chichibva kwaari chikabva chasvikonyora zvakanyorwa izvi. “Zvakanyorwa apa zvacho ndezvizvi izvi. MENE MENE TEKERI UYE PARISINI. Zvazvinoreva ndezvizvi: MENE, zvinoreva kuti; Mwari averenga mazuva oumambo hwenyu akahusvitsa kumagumo. TEKERI zvinoreva kuti imi pachenyu maerwa pachikero mukawanikwa musina kukwana, PERESI, zvichireva kuti umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa kuvaMidhi nevaPezhia.” Bherishaza akatema zvaifanira kuti zviitwe, Dhanieri akabva ashongedzwa hanzu dzoruvara rwehute necheni yendarama ikaiswa muhuro make, vanhu ndokuziviswa nezvake zvokunzi ndiye akanga atova mutongi wechitatu muumambo hwenyika iyoyo. Usiku hwakarehwo Bherishaza, mambo wavaKaridhea akaurayiwa. Dhariusi muMidhi akagara paumambo aina makore aikaroita makumi matanhatu namaviri okuberekwa.
Dhanieri 5:22-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi imi Bershazari mŋanakomana wake, hamuna‐kuɀininipisa nomŋoyo wenyu, kunyaŋge makaŋga muciɀiziʋa ɀose, asi makaɀikudza pamberi paShe wokuɗeŋga; midziyo yeimba yake yakaʋuyiswa pamberi penyu, imi namadzishe enyu naʋakadzi ʋenyu naʋaroŋgo ʋenyu mukanwa waini nayo; makarumbidza ʋamŋari ʋesirveri nendarama neɗare namatanda namabge, ɀisiŋgaʋoni kana kunzwa kana kuziʋa; asi iye Mŋari, wakaɓata mŋeya wenyu muruʋoko rwake, unoziʋa nzira dzenyu dzose, hamuna‐kumukudza iye. Naiɀoɀo canza coruʋoko cakatumŋa cicibva kwaari, ɀakanyorwa iɀi ɀikanyorwa. Ɀino ɀakanyorwa ndiɀeɀi: MENE, MENE, TEKERE, UFARSINI. Kuɗudzirwa kwecinhu ici, ndikoku: MENE, Mŋari wakaʋereŋga mazuʋa oʋushe bgenyu, akaʋugumisa. TEKERI, iwe wayerwa paciyero, ukawanikwa wakareruka. PERESI, ʋushe bgako bgakamurwa, bgapiwa ʋaMedia naʋaPersia. Ipapo Bershazari akaraira, ʋakafukidza Danieri ŋguʋo tȿuku ʋakamushoŋgedza ʋuketani bgendarama pamutsipa wake, akaparidza pamsoro pake kuti aʋe muɓati wecitatu paʋushe bgake. Noʋusiku ubgo mambo Bershazari muKardea wakaʋurawa. Dariusi muMedia akapiwa ʋushe, anamakore aneŋge makumi matanhatu namaʋiri.
Dhanieri 5:22-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)