Dhanieri 5:1-4
Dhanieri 5:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo Bherishazari akaitira makurukota chiuru mabiko makuru akanwa waini pamwe chete navo. Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa nababa vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye navarongo vake vanwiremo. Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakanwira mairi. Pavakanga vachinwa waini, vakarumbidza vamwari vegoridhe, vesirivha, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe.
Dhanieri 5:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mambo Bheshazari akaitira madzishe ake ane chiuru chezana mutambo mukuru, akanwa waini pamberi paivo vane chiuru chezana. Zvino Bheshazari, akati abatwa newaini, akarayira kuti vauye nemidziyo yendarama neyesirivha, yakanga yabviswa nababa vake Nebhukadhinezari patemberi yaiva muJerusaremu, kuti iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vanwe nayo. Ipapo vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakanwa nayo. Vakanwa waini, vakarumbidza vamwari vendarama nesirivha nendarira nedare namatanda namabwe.
Dhanieri 5:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo Bherishaza akaitira chiuru chamadzimambo ake mabiko makuru kwazvo akanwa waini pamberi pechuru ichocho. Bherishaza paakaravira waini, akatuma vanhu kuti vaunze midziyo yendarama neyesirivha iya yakanga yapambwa naNebhukadhineza baba wake muTemberi kuJerusaremu kuitira kuti iye mambo namadzishe ake nevakadzi vake navarongo vake vanwire mumidziyo iyoyo. Saizvozvo vakaunza midziyo yendarama neyesirivha yakanga yapambwa yacho muTemberi, mumba yaMwari kuJerusaremu. Mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake, vakanwira zvavo mairi. Vakanwa waini vachirumbidza vamwari vendarama nevesirivha nevendarira navamwari vesimbi nevezvimiti navamabwe.
Dhanieri 5:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mambo Bershazari wakaitira madzishe ake anecuru cezana mutambo mukuru, akanwa waini pamberi paiʋo ʋanecuru cezana. Ɀino Bershazari, wakati aɓatwa newaini, akaraira kuti ʋaʋuye nemidziyo yendarama nesirveri, yakaŋga yabviswa naɓaɓa ʋake Nebukadnezari patembere yaiʋa paJerusarema, kuti iye mambo namadzishe ake naʋakadzi ʋake naʋaroŋgo ʋake ʋanwe nayo. Ipapo ʋakaʋuya nemidziyo yendarama yakaŋga yabviswa patembere yeimba yaMŋari yaiʋa paJerusarema; iye mambo namadzishe ake naʋakadzi ʋake naʋaroŋgo ʋake ʋakanwa nayo. Ʋakanwa waini, ʋakarumbidza ʋamŋari ʋendarama nesirveri nendarira neɗare namatanda namabge.
Dhanieri 5:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)