Dhanieri 4:30-32
Dhanieri 4:30-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
akati, “Ko, iri harizi Bhabhironi guru randakavaka sougaro hwoushe, nesimba rangu guru uye nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu here?” Mashoko akanga achiri mumuromo make pakauya inzwi richibva kudenga richiti, “Hezvino zvawatemerwa, iwe Mambo Nebhukadhinezari: Simba roumambo hwako rabviswa kwauri. Uchadzingwa pakati pavanhu uye uchagara nemhuka dzesango; uchadya uswa semombe. Nguva nomwe dzichakuperera kusvikira waziva kuti Wokumusoro-soro ndiye Ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anohupa kuna ani zvake waanenge ada.”
Dhanieri 4:30-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mambo akataura, akati, “Ko iri harizi Bhabhironi guta guru, randakavaka ini nesimba rangu guru, ndikurise umambo hwangu, huve hugaro hwamadzimambo, here?” Shoko iri rakanga richiri mumuromo wamambo, izwi rikabva kudenga, richiti, “Iwe mambo Nebhukadhinezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti, ‘Ushe hwabva kwauri.’ Uchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwako huchava pakati pemhuka dzesango; uchadyiswa uswa senzombe; nguva nomwe dzichapera uripo, kusvikira watenda kuti Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda.
Dhanieri 4:30-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
mambo akazvizuwidza achiti, “Handiti Bhabhironi iguta rakakura kwazvo here, iguta randakavaka ini noukuru hwangu nesimba rangu somuzinda wamambo kuitira kuti mbiri youmambo hwangu idhume.” Mashoko iwayo achiri pamuromo wamambo kudaro, kudenga kwakabva izwi rikati, “Iwe mambo Nebhukadhineza herino shoko ratinoreva kwauri: Iwewe wabviswa paumambo, uchabviswa mukati mavanhu wava kundogara pamwechete nemhuka dzesango kwauchafuriswa uswa semombe, uchasaruka kanomwe wakadaro udzidze kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga umambo hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake.”
Dhanieri 4:30-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mambo akataura, akati: Ko iri harizi Babironi, guta guru, randakaʋaka ini nesimba raŋgu guru, ndikurise ʋumambo bgaŋgu, ʋuʋe ʋugaro bgamadzimambo, here? Shoko iri rakaŋga riciri mumuromo wamambo, inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Iwe mambo Nebukadnezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti: Ʋushe bgabva kwauri. Ucadziŋgwa pakati paʋanhu, ʋugaro bgako ʋucaʋa pakati pemhuka dzesaŋgo; ucadyiswa ʋuswa senzombe; ŋguʋa nomŋe dzicapera uri’po, kuȿikira watenda kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa.
Dhanieri 4:30-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)