Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 4:25-34

Dhanieri 4:25-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Muchadzingwa pakati pavanhu uye muchagara nemhuka dzesango; muchadya bundo semombe uye muchanyoroveswa nedova redenga. Nguva nomwe dzichakupfuurai kusvikira maziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani zvake waanenge ada. Zvakarayirwa kuti hunde yomuti nemidzi yawo zvirambe zviripo zvinoreva kuti umambo hwenyu huchavandudzwa pamuchayeuka kuti denga rinotonga. Naizvozvo, imi mambo, farirai kugamuchira zvandinokurayirai: Siyai zvivi zvenyu nokuita zvakarurama, uye kuipa kwenyu nokuitira zvakanaka vanomanikidzwa. Zvimwe zvingaitika kuti ipapo kubudirira kwenyu kuchaenderera mberi.” Zvose izvi zvakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari. Shure kwemwedzi gumi nemiviri, mambo paakanga achifamba pamusoro pedenga romuzinda wamambo weBhabhironi, akati, “Ko, iri harizi Bhabhironi guru randakavaka sougaro hwoushe, nesimba rangu guru uye nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu here?” Mashoko akanga achiri mumuromo make pakauya inzwi richibva kudenga richiti, “Hezvino zvawatemerwa, iwe Mambo Nebhukadhinezari: Simba roumambo hwako rabviswa kwauri. Uchadzingwa pakati pavanhu uye uchagara nemhuka dzesango; uchadya uswa semombe. Nguva nomwe dzichakuperera kusvikira waziva kuti Wokumusoro-soro ndiye Ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anohupa kuna ani zvake waanenge ada.” Pakarepo, zvakanga zvarehwa pamusoro paNebhukadhinezari zvakazadzisika. Akadzingwa pakati pavanhu akafura uswa semombe. Muviri wake wakanyoroveswa nedova redenga kusvikira bvudzi rake rareba seminhenga yegondo uye nzara dzake dzafanana nedzeshiri. Nguva iyoyo yakati yapera, ini, Nebhukadhinezari, ndakasimudzira meso angu kudenga, uye pfungwa dzangu dzakadzoredzerwa. Ipapo ndakarumbidza Wokumusoro-soro; ndakamuremekedza uye ndikamukudza iye anogara nokusingaperi. Ushe hwake hahuperi; umambo hwake hunogara kubva kuchizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 4

Dhanieri 4:25-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Muchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwenyu huchava pakati pemhuka dzesango, muchadyiswa uswa senzombe, muchanyoroveswa nedova rokudenga, uye nguva nomwe dzichapera muripo, kusvikira maziva kuti Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, unoupa waanoda. Uye zvavakaraira kuti hunde yemidzi yomuti isiyiwe, ushe hwenyu huchakumutsirwaizve, kana matenda kuti Wokudenga ndiye unobata ushe. Naizvozvo imi mambo, tendai zvandinokurayirai, muparadzane nezvivi zvenyu muchiita zvakarurama, uye nezvakaipa zvenyu, muchiitira varombo nyasha; zvimwe nguva yenyu yorugare ingawedzerwa.” Izvozvi zvose zvakawira mambo Nebhukadhinezari. Mwedzi ine gumi nemiviri yakati yapera, akanga achifamba paimba youshe muBhabhironi. Mambo akataura, akati, “Ko iri harizi Bhabhironi guta guru, randakavaka ini nesimba rangu guru, ndikurise umambo hwangu, huve hugaro hwamadzimambo, here?” Shoko iri rakanga richiri mumuromo wamambo, izwi rikabva kudenga, richiti, “Iwe mambo Nebhukadhinezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti, ‘Ushe hwabva kwauri.’ Uchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwako huchava pakati pemhuka dzesango; uchadyiswa uswa senzombe; nguva nomwe dzichapera uripo, kusvikira watenda kuti Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda. Nenguva iyo chinhu ichi chakaitika pamusoro paNebhukadhinezari; wakadzingwa pakati pavanhu, akadya uswa senzombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira vhudzi rake rareba seminhenga yegondo, nenzara dzake dzafanana nedzeshiri. “Zvino mazuva iwayo akati apera, ini Nebhukadhinezari ndikatarira kudenga nameso angu, simba rangu rokufunga rikadzokerazve kwandiri, ndikatenda Wokumusoro‐soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye ari mupenyu nokusingaperi; nokuti ushe hwake hauperi, nokubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 4

Dhanieri 4:25-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

chokuti muchabviswa mukati mavanhu mugondogara pamwechete nemhuka dzesango. Muchafuriswa uswa semombe muchinyorova nedova redenga, muchapedza makore manomwe makadaro, kusvikira imi mazoziva kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwevanhu achihupa kuna ani naani waanenge ada zvake. Sokutemwa kwazvaitwa kuti chigutsa nemidzi yazvo zvisare zvakadaro, umambo hauzomborega kuva hwenyu kubvira panguva yamunozoziva kuti Wedenga ndiye anotonga. Naizvozvo imimi mambo dai waro mukandinzwawo zano rangu iri rokuti, kandai pasi zvitadzo zvenyu muite zvakarurama musiyane nouipi muitire tsiye nyoro vakadzvinyirirwa, ndipo pazvingangoitika kuti zvinhu zvikufambirei zvakanaka.” Zvose izvozvo zvakawira mambo Nebhukadhineza. Kwakati kwapera mwedzi gumi nemiviri, iye akati achifamba zvake ari padenga remba yomuzinda weBhabhironi, mambo akazvizuwidza achiti, “Handiti Bhabhironi iguta rakakura kwazvo here, iguta randakavaka ini noukuru hwangu nesimba rangu somuzinda wamambo kuitira kuti mbiri youmambo hwangu idhume.” Mashoko iwayo achiri pamuromo wamambo kudaro, kudenga kwakabva izwi rikati, “Iwe mambo Nebhukadhineza herino shoko ratinoreva kwauri: Iwewe wabviswa paumambo, uchabviswa mukati mavanhu wava kundogara pamwechete nemhuka dzesango kwauchafuriswa uswa semombe, uchasaruka kanomwe wakadaro udzidze kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga umambo hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake.” Pakarepo izvozvo zvakabva zvaitika kuna Nebhukadhineza. Akabviswa mukati mavanhu akabva ava kufura uswa semombe, muviri wake uchinyorova nedova redenga, dakara mvere dzake dzareba seminhenga yegondo, nzarawo dzake dzaita senzara dzeshiri. Kuzoti mazuva iwayo apera, ini Nebhukadhineza ndakatarisa nameso angu kudenga uku ndokubva pfungwa dzangu dzadzokera pamwechete. Ndipo pandakatenda iye Wokumusorosoro ndichirumbidza nokuremekedza iye Anogara narini wose: nokuti hutongi hwake hutongi hwokugara nokugara uye umambo hwake, umambo hunoramba huripo chizvarwa nechizvarwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 4

Dhanieri 4:25-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Mucadziŋgwa pakati paʋanhu, ʋugaro bgenyu ʋucaʋa pakati pemhuka dzesaŋgo, mucadyiswa ʋuswa senzombe, mucanyoroʋeswa neɗoʋa rokuɗeŋga, ʋuye ŋguʋa nomŋe dzicapera muri’po, kuȿikira maziʋa kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa. Ʋuye ɀaʋakaraira kuti hunde yemidzi yomuti isiyiwe, ʋushe bgenyu ʋucakumutsirwai ɀe, kana matenda kuti Wokuɗeŋga ndiye unoɓata ʋushe. Naiɀoɀo imi mambo, tendai ɀandinokurairai, muparadzane neɀiʋi ɀenyu muciita ɀakarurama, ʋuye neɀakaipa ɀenyu, muciitira ʋarombo nyasha; ɀimŋe ŋguʋa yenyu yorugare iŋgawedzerwa. Iɀeɀi ɀose ɀakawira mambo Nebukadnezari. Mŋedzi inegumi nemiʋiri yakati yapera, wakaŋga acifamba paimba yoʋushe paBabironi. Mambo akataura, akati: Ko iri harizi Babironi, guta guru, randakaʋaka ini nesimba raŋgu guru, ndikurise ʋumambo bgaŋgu, ʋuʋe ʋugaro bgamadzimambo, here? Shoko iri rakaŋga riciri mumuromo wamambo, inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Iwe mambo Nebukadnezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti: Ʋushe bgabva kwauri. Ucadziŋgwa pakati paʋanhu, ʋugaro bgako ʋucaʋa pakati pemhuka dzesaŋgo; ucadyiswa ʋuswa senzombe; ŋguʋa nomŋe dzicapera uri’po, kuȿikira watenda kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa. Neŋguʋa iyo cinhu ici cakaitika pamsoro paNebukadnezari; wakadziŋgwa pakati paʋanhu, akadya ʋuswa senzombe, muʋiri wake ukanyoroʋeswa neɗoʋa rokuɗeŋga, kuȿikira vudzi rake rareɓa seminheŋga yegondo, nenzara dzake dzafanana nedzeshiri. Ɀino mazuʋa iwayo akati apera, ini Nebukadnezari ndikatarira kuɗeŋga nameso aŋgu, simba raŋgu rokufuŋga rikadzokera ɀe kwandiri, ndikaʋoŋga Wokumsoro‐soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye uri mupenyu nokusiŋgaperi; nokuti ʋushe bgake haʋuperi, nokuɓata kwake ʋushe kunoȿikira kumarudzi namarudzi

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 4

Dhanieri 4:25-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)