Dhanieri 4:1-4
Dhanieri 4:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo Nebhukadhinezari: Kuvanhu, nokundudzi navanhu vemitauro yose, vagere munyika yose: Budirirai zvikuru! Ndafara kwazvo kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvinoshamisa zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro. Zviratidzo zvake zvikuru sei, zvishamiso zvake zvine simba sei! Umambo hwake umambo husingaperi; kubata kwake ushe kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa. Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndiri mumba mumuzinda wangu, ndakanyatsogutsikana uye ndichinyatsobudirira.
Dhanieri 4:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mambo Nebhukadhinezari kuvanhu vose, namarudzi ose, namarimi ose, vagere pasi pose, “Muvanzirwe rugare! Ndakati zvakanaka kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvishamiso, zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro‐soro. Zviratidzo zvake zvakakura sei! Zvishamiso zvake zvine simba guru sei! Ushe hwake ushe husingaperi, kubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi. “Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndigere norugare mumba mangu, ndinomufaro muimba yangu youshe.
Dhanieri 4:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ini mambo Nebhukadhineza ndinokunyorerai tsamba imi vanhu vamarudzi ose zvawo, nduzi nendudzi ndimi nendimi imi mugere munyika yose. Dai kwamuri runyararo rwaita muchechetere mvura yeguvi. “Ini ndakaona zviri zvakanaka kukuratidzai zviratidzo nezvishamiso zvandakaitirwa naMwari Wokumusorosoro. Kukura here ikoko kwakaita zviratidzo zvake. zvishamiso zvake, harisi simba iroro. Umambo hwake ipfirapo, haupere narini, kutonga kwake ndekwechizvarwa nechizvarwa. “Ini Nebhukadhineza ndakanga ndakagarikana zvangu ndiri mumba mangu, zvinhu zvichindifambirawo zvakanaka mumuzinda mangu.
Dhanieri 4:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mambo Nebukadnezari kuʋanhu ʋose, namarudzi ose, namarimi ose, ʋagere pasi pose: Muwanzirwe rugare! Ndakati ɀakanaka kuti ndikuziʋisei ɀiratidzo neɀishamiso, ɀandakaitirwa naMŋari Wokumsoro‐soro. Ɀiratidzo ɀake ɀakakura sei! Ɀishamiso ɀake ɀinesimba guru sei! Ʋushe bgake ʋushe ʋusiŋgaperi, kuɓata kwake ʋushe kunoȿikira kumarudzi namarudzi. Ini Nebukadnezari ndakaŋga ndigere norugare mumba maŋgu, ndinomufaro muimba yaŋgu yoʋushe.
Dhanieri 4:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)