Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 4:1-37

Dhanieri 4:1-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mambo Nebhukadhinezari: Kuvanhu, nokundudzi navanhu vemitauro yose, vagere munyika yose: Budirirai zvikuru! Ndafara kwazvo kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvinoshamisa zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro. Zviratidzo zvake zvikuru sei, zvishamiso zvake zvine simba sei! Umambo hwake umambo husingaperi; kubata kwake ushe kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa. Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndiri mumba mumuzinda wangu, ndakanyatsogutsikana uye ndichinyatsobudirira. Ndakarota hope dzakandityisa. Pandakanga ndivete pamubhedha wangu, zvifananidzo nezviratidzo zvakapinda mupfungwa dzangu zvakandivhundutsa. Saka ndakarayira kuti varume vakachenjera veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu kuti vazondidudzira kurota uku. Nʼanga, navaya vanofarira mazango, navazivi vezvenyeredzi navafemberi vakati vauya, ndakavaudza kurota kwangu, asi havana kugona kundidudzira. Pakupedzisira, Dhanieri akauya pamberi pangu ndikamuudza kurota kwangu. (Ndiye anonzi Bheriteshazari, akapiwa zita ramwari wangu, uye mweya wavamwari vatsvene uri maari.) Ndakati, “Bheriteshazari, iwe mukuru wenʼanga, ndinoziva kuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri, uye hakuna chakavanzika chinokuomera. Hezvino zvandakarota; chindidudzira. Hezvino zvandakaratidzwa, zvandakaona ndivete pamubhedha wangu: Ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pamire muti, uri pakati penyika. Kureba kwawo kwakanga kuri kukuru kwazvo. Muti wakakura ukasimba uye manhengenya awo aisvika kudenga; wakanga uchioneka kusvika kumigumo yenyika. Mashizha awo akanga akanaka, uye michero yawo yakawanda chose, uye pamusoro pawo pakanga pane zvokudya zvazvose. Mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, uye shiri dzedenga dzaimhara pamatavi awo; zvipenyu zvose zvaidya pauri. “Ndakaona muzviratidzo, ndakavata pamubhedha wangu, ndikatarisa, ipapo pamberi pangu pakanga pano mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga. Akadanidzira nenzwi guru achiti, ‘Temai muti uyu mugokwanhura matavi awo; pururai mashizha awo mugoparadzira michero yawo. Mhuka ngadzitize pasi pawo, neshiri ngadzibve pamatavi awo. Asi hunde nemidzi yawo, yacho zvakasungwa nesimbi nendarira, ngazvisare muvhu, muuswa hwesango. “ ‘Ngaanyoroveswe nedova rokudenga, uye ngaagare nemhuka pakati pemiti yenyika. Pfungwa dzake ngadzishandurwe kubva pane dzomunhu uye ngaapiwe pfungwa dzemhuka, kusvikira nguva nomwe dzamuperera. “ ‘Kutonga uku kwaziviswa navatumwa, vatsvene ndivo vareva zvakatongwa, kuitira kuti vapenyu vagoziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanoda anogadza pamusoro pavo munhu wapasipasi.’ “Ndiko kurota kwandakaita, ini Mambo Nebhukadhinezari. Zvino chindiudza zvazvinoreva, iwe, Bheriteshazari, nokuti hakuna varume vakachenjera muushe hwangu vangagona kundidudzira. Asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri.” Ipapo Dhanieri (ndiyewo Bheriteshazari) akakatyamara zvikuru kwechinguva uye pfungwa dzake dzakamuvhundutsa. Saka mambo akati kwaari, “Bheriteshazari, kurota uku kana zvakunoreva ngakurege kukuvhundutsa.” Bheriteshazari akapindura achiti, “Ishe wangu, dai chete kurota uku kwareva vavengi venyu nedudziro yacho vadzivisi venyu! Muti wamakaona, wakakura uye ukasimba, una manhengenya awo anosvika kudenga, unoonekwa pasi pose, una mashizha akanaka nemichero mizhinji, uchipa zvokudya kuna vose, uchipa mumvuri kumhuka dzesango, uye nenzvimbo dzamatendere eshiri dzedenga pamatavi awo, imi, iyemi mambo, ndimi muti wacho! Mava mukuru uye mune simba; ukuru hwenyu hwakakura kusvika kudenga, uye ushe hwenyu hunosvika kumagumo enyika. “Imi, iyemi mambo, makaona mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga achiti, ‘Temai muti uyo muuparadze, asi musiye hunde, yakasungwa nesimbi nendarira, mukati mebundo resango, asi midzi yawo iri muvhu. Ngaanyoroveswe nedova redenga; ngaararame semhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzamuperera.’ “Uku ndiko kududzirwa kwazvo, imi mambo, ichi ndicho chirevo cheWokumusoro-soro chapiwa pamusoro penyu, ishe wangu mambo: Muchadzingwa pakati pavanhu uye muchagara nemhuka dzesango; muchadya bundo semombe uye muchanyoroveswa nedova redenga. Nguva nomwe dzichakupfuurai kusvikira maziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani zvake waanenge ada. Zvakarayirwa kuti hunde yomuti nemidzi yawo zvirambe zviripo zvinoreva kuti umambo hwenyu huchavandudzwa pamuchayeuka kuti denga rinotonga. Naizvozvo, imi mambo, farirai kugamuchira zvandinokurayirai: Siyai zvivi zvenyu nokuita zvakarurama, uye kuipa kwenyu nokuitira zvakanaka vanomanikidzwa. Zvimwe zvingaitika kuti ipapo kubudirira kwenyu kuchaenderera mberi.” Zvose izvi zvakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari. Shure kwemwedzi gumi nemiviri, mambo paakanga achifamba pamusoro pedenga romuzinda wamambo weBhabhironi, akati, “Ko, iri harizi Bhabhironi guru randakavaka sougaro hwoushe, nesimba rangu guru uye nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu here?” Mashoko akanga achiri mumuromo make pakauya inzwi richibva kudenga richiti, “Hezvino zvawatemerwa, iwe Mambo Nebhukadhinezari: Simba roumambo hwako rabviswa kwauri. Uchadzingwa pakati pavanhu uye uchagara nemhuka dzesango; uchadya uswa semombe. Nguva nomwe dzichakuperera kusvikira waziva kuti Wokumusoro-soro ndiye Ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anohupa kuna ani zvake waanenge ada.” Pakarepo, zvakanga zvarehwa pamusoro paNebhukadhinezari zvakazadzisika. Akadzingwa pakati pavanhu akafura uswa semombe. Muviri wake wakanyoroveswa nedova redenga kusvikira bvudzi rake rareba seminhenga yegondo uye nzara dzake dzafanana nedzeshiri. Nguva iyoyo yakati yapera, ini, Nebhukadhinezari, ndakasimudzira meso angu kudenga, uye pfungwa dzangu dzakadzoredzerwa. Ipapo ndakarumbidza Wokumusoro-soro; ndakamuremekedza uye ndikamukudza iye anogara nokusingaperi. Ushe hwake hahuperi; umambo hwake hunogara kubva kuchizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa. Vanhu vose venyika vanoonekwa sevasina maturo. Iye anoita sezvaanoda namasimba okudenga uye navanhu venyika. Hakuna munhu angakonesa ruoko rwake kana kuti kwaari, “Waiteiko?” Panguva yacho iyoyo yakavandudzwa pfungwa dzangu, kukudzwa kwangu nokubwinya kwangu kwakadzorerwa kwandiri nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu. Vanamupamazano vangu namakurukota vakanditsvaka, uye ndakadzorerwazve pachigaro changu choushe ndikava mukuru kunyange kupfuura kare. Zvino ini Nebhukadhinezari, ndinorumbidza, ndinosimudzira uye ndinokudza Mambo wokudenga, nokuti zvose zvaanoita zvakarurama uye nzira dzake dzose dzakarurama. Uye iye anogona kuninipisa vaya vanofamba mukuzvikudza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 4

Dhanieri 4:1-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Mambo Nebhukadhinezari kuvanhu vose, namarudzi ose, namarimi ose, vagere pasi pose, “Muvanzirwe rugare! Ndakati zvakanaka kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvishamiso, zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro‐soro. Zviratidzo zvake zvakakura sei! Zvishamiso zvake zvine simba guru sei! Ushe hwake ushe husingaperi, kubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi. “Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndigere norugare mumba mangu, ndinomufaro muimba yangu youshe. Ndikaona kurota kwakandityisa, pfungwa dzangu panhoo dzangu, nezvandakaratidzwa mumusoro mangu zvikanditambudza. Naizvozvo ndakatema chirevo kuti vachenjeri vose veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu, kuti vandizivise kududzirwa kwokurota. Ipapo vakachenjera nen’anga navaKaradhea navafemberi vakuya, ndikavaudza kurota kwangu, asi havana kundizivisa kududzirwa kwazvo. Asi pakupedzisira Dhanieri akauya pamberi pangu, iye ane zita rinonzi Bheteshazari, akatumidzwa zita ramwari wangu, anomweya wavamwari vatsvene mukati make; ini ndikamuudza kurota kwangu, ndichiti, ‘Iwe Bheteshazari, mukuru wavakachenjera, zvandinoziva kuti une mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako, uye kuti hakuna chakvanzika chinokutambudza, chindiudza zvandakaona pakurota kwangu nokududzirwa kwazvo.’ “Zvandakaona mumusoro mangu, ndiri panhoo dzangu, ndezvizvi: Ndakatarira, ndikaona muti pakati penyika, kureba kwawo kwakanga kuri kukuru. Muti ukakura, ukasimba, kureba kwawo kukasvika kudenga, uye wakanga uchionekwa kusvikira kumigumo yenyika yose. Mashizha awo akanga akanaka, nemichero yawo yakanga iri mizhinji, zvose zvaiwanapo zvokudya; mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokudenga dzaigara mumatavi awo, uye zvipenyu zvose zvaidyapo. “Ndikaona pane zvandakaona mumusoro mangu ndiri panhoo dzangu, ndikaona mutumwa, iye ari mutsvene, achiburuka kudenga. Akadanidzira, akati, ‘Temai muti, dimurai matavi awo, pururai mashizha awo, paradzirai michero yawo; mhuka ngadzibve pasi pawo, neshiri pamatavi awo. Asi siyai hunde nemidzi yawo muvhu, zvakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango; ngaanyoroveswe nedova rokudenga, apiwe mugove wake wouswa pamwechete nemhuka dzenyika; mwoyo wake ngaushandurwe, urege kuva womunhu, apiwe mwoyo wemhuka, nguva nomwe dzipere aripo.’ Kutonga uku kwauya nechirevo chavachengeti, chinhu ichi charehwa neshoko ravatsvene, kuti vapenyu vazive kuti Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda, nokugadza pauri vaduku pakati pavanhu. “Ndiko kurota kwandakaona, ini mambo Nebhukadhinezari; zvino iwe Bheteshaari, chindizivisa kududzirwa kwazvo, vakachenjera vose voushe hwangu zvavasingagoni kundizivisa kududzirwa kwazvo; asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako.” Zvino Dhanieri, akanga ane zita rinonzi Bheteshazari, akashayiwa shoko chinguva chiduku, pfungwa dzake dzikamuvhundusa. Mambo akapindura, akati, “Bheteshazari, kurota uku nokududzirwa kwazvo ngazvirege kukuvhundusa.” Bheteshazari akapindura, akati, “Ishe wangu, kurota uku ngakuitirwe vanokuvengai, nokududzirwa kwazvo vadzivisi venyu. Muti wamakaona, iwo wakakura ukasimba, wakasvika kudenga pakureba kwawo, wakanga uchionekwa kusvikira kumigumo yenyika yose; wakanga una mashizha akanaka, nemichero yawo zviri zvizhinji, paiwana zvose zvokudya, waigara mhuka dzesango pasi pawo, uye paigara shiri dzokudenga mumatavi awo, ndiyemi mambo; imi makakura, mukava nesimba, nokuti ukuru hwenyu hwakakura, hunosvikira kudenga, uye ushe hwenyu hunosvikira kumugumo wenyika. “Zvino mambo zvaakaona mutumwa, ari mutsvene, achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvhu, yakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, anyoroveswe nedova rokudenga, uye apiwe mugove wake pamwechete nemhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzapera aripo;’ uku ndiko kududzirwa kwazvo, imi mambo, ndicho chirevo choWokumusoro‐soro, chichauya pamusoro pashe wangu mambo. “Muchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwenyu huchava pakati pemhuka dzesango, muchadyiswa uswa senzombe, muchanyoroveswa nedova rokudenga, uye nguva nomwe dzichapera muripo, kusvikira maziva kuti Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, unoupa waanoda. Uye zvavakaraira kuti hunde yemidzi yomuti isiyiwe, ushe hwenyu huchakumutsirwaizve, kana matenda kuti Wokudenga ndiye unobata ushe. Naizvozvo imi mambo, tendai zvandinokurayirai, muparadzane nezvivi zvenyu muchiita zvakarurama, uye nezvakaipa zvenyu, muchiitira varombo nyasha; zvimwe nguva yenyu yorugare ingawedzerwa.” Izvozvi zvose zvakawira mambo Nebhukadhinezari. Mwedzi ine gumi nemiviri yakati yapera, akanga achifamba paimba youshe muBhabhironi. Mambo akataura, akati, “Ko iri harizi Bhabhironi guta guru, randakavaka ini nesimba rangu guru, ndikurise umambo hwangu, huve hugaro hwamadzimambo, here?” Shoko iri rakanga richiri mumuromo wamambo, izwi rikabva kudenga, richiti, “Iwe mambo Nebhukadhinezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti, ‘Ushe hwabva kwauri.’ Uchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwako huchava pakati pemhuka dzesango; uchadyiswa uswa senzombe; nguva nomwe dzichapera uripo, kusvikira watenda kuti Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda. Nenguva iyo chinhu ichi chakaitika pamusoro paNebhukadhinezari; wakadzingwa pakati pavanhu, akadya uswa senzombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira vhudzi rake rareba seminhenga yegondo, nenzara dzake dzafanana nedzeshiri. “Zvino mazuva iwayo akati apera, ini Nebhukadhinezari ndikatarira kudenga nameso angu, simba rangu rokufunga rikadzokerazve kwandiri, ndikatenda Wokumusoro‐soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye ari mupenyu nokusingaperi; nokuti ushe hwake hauperi, nokubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi; vose vagere panyika vakaita savasina maturo; iye anoita sezvaanoda pahondo yokudenga, napakati pavagere panyika; hakuna angadzora ruoko rwake, kana angati kwaari, ‘Unoiteiko?’ Nenguva iyeyo simba rangu rokufunga rakadzokera kwandiri; uye kana iri mbiri youshe hwangu, umambo hwangu nokubwinya kwangu zvakadzokera kwandiri; makurukota angu namadzishe angu akandishanyirazve, ndikagadzwazve paushe hwangu, ukuru hwakaisvonaka hukawedzerwa. “Zvino ini Nebhukadhinezari ndinorumbidza nokuombera nokukudza Mambo wokudenga; nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi, nzira dzake dzakarurama; iye anogona kuderedza vanofamba vachizvikudza.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 4

Dhanieri 4:1-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Ini mambo Nebhukadhineza ndinokunyorerai tsamba imi vanhu vamarudzi ose zvawo, nduzi nendudzi ndimi nendimi imi mugere munyika yose. Dai kwamuri runyararo rwaita muchechetere mvura yeguvi. “Ini ndakaona zviri zvakanaka kukuratidzai zviratidzo nezvishamiso zvandakaitirwa naMwari Wokumusorosoro. Kukura here ikoko kwakaita zviratidzo zvake. zvishamiso zvake, harisi simba iroro. Umambo hwake ipfirapo, haupere narini, kutonga kwake ndekwechizvarwa nechizvarwa. “Ini Nebhukadhineza ndakanga ndakagarikana zvangu ndiri mumba mangu, zvinhu zvichindifambirawo zvakanaka mumuzinda mangu. Ndakarota hope dzakandityisa ndirere hangu pamubhedha. Kwakauya pfungwa nezvimwe zvandaioneswa mumusoro mangu zvikabva zvandibvundisa nokutya. Naizvozvo ini ndakatema chirevo chokuti vangwaru vose veBhabhironi vauyiwe navo kwandiri kuti vanditsanangurirewo zvinoreva hope idzodzo. Vamaminimini navamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzokufembera nenyenyedzi, vakapinda, ini ndikavarondedzera hope dzangu. Asi havana kugona kundizivisa zvadzinoreva. Pakupedzesera akapinda Dhanieri, uya akatumidzwa zita rokuti Bheriteshaza rinoenderanawo nezita ramwari wangu, akapinda mandaiva. Maari mune Mweya waMwari Anoera. Ndakamutaurira hope idzodzo ndichiti, ‘Iwe Bheriteshaza mukuru mukuru wavanhu vamaminimini, hedzino hope dzandakarota nditaurire zvadzinoreva nokuti ndinozviziva kuti mauri iwe mune Mweya waMwari Anoera uye kuti hakuna chakavandika chingakunetse.’ “Zvandakaoneswa mumusoro mangu ndirere pamubhedha ndezvizvi izvi. Ndakatarisa ndikaona muti pakati penyika wakanga wakareba zvikuru kwazvo. Muti iwoyo wakakura ukasimba ukaita nhungamakore chaiyo kureba uchitoonekwa kwose nekwakaperera nyika. Mashizha awo aiyevedza kwazvo, uye wakanga wakabereka michero zvokubereka zviya. Zvose zvaiwana zvokudya mauri: Mhuka dzesango dzaiwana mumvuri pasi pawo, shiri dzedenga dzichitogara zvadzo mumatavi awo. Zvipenyu zvose zvichitowana zvokudya mauri. “Ndichitarisa kudaro zvinhu zvandaioneswa mumusoro mangu ndirere saizvozvo pamubhedha ndakaona hoyo mutariri anoera achiburuka kudenga. Akadaidzira kwazvo achiti, ‘Temai muti uyu muusanzaure mapazi muukwazhure mashizha, michero yawo muiti mwarara. Regai zvenyu mhuka dziparamuke kutiza pasi pawo shiriwo dzidzvamuke mumapazi awo. Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu chakasungwa nengetani dzesimbi nendarira muuswiswi hwomusango. Muregei ambonyorova nedova redenga ambova weboka romhuka muuswa hwenyika. Regai ambosandurwa pfungwa apiwe pfungwa dzomhuka zvayo kumbopera makore manomwe akadaro. Chirango ichochi ichi, chatemwa navatariri; chisungo chacho ishoko revanoera. Izvozvi zvaitirwa kuti vapenyu vazivewo kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwavanhu, uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake, kunyange vapasi pasi zvavo.’ “Izvozvi izvi ndizvo zvandakarota ndichiona, ini mambo Nebhukadhineza. Saka zvino iwe Bheriteshaza dudzira zvadzinoreva nokuti vangwaru vose zvavo venyika youmambo hwangu havana kugona kundizivisa dudziro yacho. Asi iwe unozvikwanisa pamusana pokuti mauri mune Mweya waMwari Anoera.” Ipapo Dhanieri wokutumidzwa zita rokunzi Bheriteshaza uya akambodumbirwa nazvo kwekanguva; pfungwa dzikamunetsa mumwoyo. Mambo akabva ati, “Bheriteshaza rega kunetseka nehope idzodzi kana nedudziro yadzo. Bheriteshaza ndokuti, ‘Changamire wangu dai zvazvo hope idzi nedudziro yadzo zvananga vanhu vanokuvengai.’ Muti wamakaona wakakura ukasimba zvokuita nhungamakore chaiyo kureba uchitooneka kwose zvako nekwakaperera nyika, waiva namashizha anoyevedza kwazvo wakabereka michero, zviya zvokubereka zviya zvose zvichiwana zvokudya mauri pasi pawo paripo pamumvuri wemhuka dzesango shiri dzedenga dzichitogara zvadzo mumatavi awo, muti iwoyo, ndimi, iyemi imi mambo. Makava mukuru mukuru chaiye mukavawo nesimba. Ukuru hwenyu hwakakura zvokutosvika kudenga, umambo hwenyu hwakatosvika nekwakaperera nyika. “Zvino sokuona kwamakaita mumwe mutariri anoera achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti uyu muuparadze! Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu chaita zvokusungwa chaizvo nengetani dzesimbi nendarira nouswiswi hwomusango, mumurege ambonyorova nedova redenga ambova kuboka remhuka muuswa hwenyika ambosaruka kanomwe akadaro.’ “Changamire heinoi dudziro yazvo: Izvozvi chirevo chatemwa noWokumusorosoro chakanangana nemi changamire wangu, mambo, chokuti muchabviswa mukati mavanhu mugondogara pamwechete nemhuka dzesango. Muchafuriswa uswa semombe muchinyorova nedova redenga, muchapedza makore manomwe makadaro, kusvikira imi mazoziva kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwevanhu achihupa kuna ani naani waanenge ada zvake. Sokutemwa kwazvaitwa kuti chigutsa nemidzi yazvo zvisare zvakadaro, umambo hauzomborega kuva hwenyu kubvira panguva yamunozoziva kuti Wedenga ndiye anotonga. Naizvozvo imimi mambo dai waro mukandinzwawo zano rangu iri rokuti, kandai pasi zvitadzo zvenyu muite zvakarurama musiyane nouipi muitire tsiye nyoro vakadzvinyirirwa, ndipo pazvingangoitika kuti zvinhu zvikufambirei zvakanaka.” Zvose izvozvo zvakawira mambo Nebhukadhineza. Kwakati kwapera mwedzi gumi nemiviri, iye akati achifamba zvake ari padenga remba yomuzinda weBhabhironi, mambo akazvizuwidza achiti, “Handiti Bhabhironi iguta rakakura kwazvo here, iguta randakavaka ini noukuru hwangu nesimba rangu somuzinda wamambo kuitira kuti mbiri youmambo hwangu idhume.” Mashoko iwayo achiri pamuromo wamambo kudaro, kudenga kwakabva izwi rikati, “Iwe mambo Nebhukadhineza herino shoko ratinoreva kwauri: Iwewe wabviswa paumambo, uchabviswa mukati mavanhu wava kundogara pamwechete nemhuka dzesango kwauchafuriswa uswa semombe, uchasaruka kanomwe wakadaro udzidze kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga umambo hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake.” Pakarepo izvozvo zvakabva zvaitika kuna Nebhukadhineza. Akabviswa mukati mavanhu akabva ava kufura uswa semombe, muviri wake uchinyorova nedova redenga, dakara mvere dzake dzareba seminhenga yegondo, nzarawo dzake dzaita senzara dzeshiri. Kuzoti mazuva iwayo apera, ini Nebhukadhineza ndakatarisa nameso angu kudenga uku ndokubva pfungwa dzangu dzadzokera pamwechete. Ndipo pandakatenda iye Wokumusorosoro ndichirumbidza nokuremekedza iye Anogara narini wose: nokuti hutongi hwake hutongi hwokugara nokugara uye umambo hwake, umambo hunoramba huripo chizvarwa nechizvarwa. Vagari vapanyika vose zvavo havatomboverengwa sechinhu uye iye anoita zvinhu samadiro ake, mugurusvusvu rezvinhu zvomudenga napakatiwo pavagari vapanyika hapana angapikisane naye pasimba kana kumuti, “Ndicho chii chauri kuita.” Panguva yakareyo pfungwa dzangu dzakadzokera pamwechete uyewo mbiri youmambo hwangu noukuru hwangu nomukurumbira wangu zvakabva zvadzokera kwandiri. Makurukota angu namadzishe angu vakanditsvaga ndikazogarazve paumambo hwangu ndokubva ndatonyanya kuwedzerwa kupiwa humwe ukuru. Zvino ini, Nebhukadhineza ndinorumbidza, nokukudza nokumuremekedza iye Mambo Nyadenga nokuti mabasa ake ose akarurama, uye makwara ake ano ruenzaniso, vanhu vanozvikudza anogona kuvadukupisa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 4

Dhanieri 4:1-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Mambo Nebukadnezari kuʋanhu ʋose, namarudzi ose, namarimi ose, ʋagere pasi pose: Muwanzirwe rugare! Ndakati ɀakanaka kuti ndikuziʋisei ɀiratidzo neɀishamiso, ɀandakaitirwa naMŋari Wokumsoro‐soro. Ɀiratidzo ɀake ɀakakura sei! Ɀishamiso ɀake ɀinesimba guru sei! Ʋushe bgake ʋushe ʋusiŋgaperi, kuɓata kwake ʋushe kunoȿikira kumarudzi namarudzi. Ini Nebukadnezari ndakaŋga ndigere norugare mumba maŋgu, ndinomufaro muimba yaŋgu yoʋushe. Ndikaʋona kurota kwakandityisa, pfuŋgwa dzaŋgu panhoʋo dzaŋgu, neɀandakaratidzwa mumusoro maŋgu ɀikanditambudza. Naiɀoɀo ndakatema cireʋo kuti ʋacenjeri ʋose ʋeBabironi ʋaʋuyiswe pamberi paŋgu, kuti ʋandiziʋise kuɗudzirwa kwokurota. Ipapo ʋakacenjera neŋaŋga naʋaKardea naʋafemberi ʋakaʋuya, ndikaʋaʋudza kurota kwaŋgu, asi haʋana‐kundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. Asi pakupedzisira Danieri wakaʋuya pamberi paŋgu, iye unezita rinonzi Berteshazari, wakatumidzwa nezita ramŋari waŋgu, unomŋeya waʋamŋari ʋatȿene mukati make; ini ndikamuʋudza kurota kwaŋgu, ndiciti: Iwe Berteshazari, mukuru waʋakacenjera, ɀandinoziʋa kuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako, ʋuye kuti hakune‐cakaʋanzika cinokutambudza, cindiʋudza ɀandakaʋona pakurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo. Ɀandakaʋona mumusoro maŋgu, ndiri panhoʋo dzaŋgu, ndiɀeɀi: Ndakatarira, ndikaʋona muti pakati penyika, kureɓa kwawo kwakaŋga kuri kukuru. Muti ukakura, ukasimba, kureɓa kwawo kukaȿika kuɗeŋga, ʋuye wakaŋga uciʋonekwa kuȿikira kumigumo yenyika yose. Mashizha awo akaŋga akanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀakaŋga ɀiri ɀizhinji, ɀose ɀaiwana’po ɀokudya; mhuka dzesaŋgo dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokuɗeŋga dzaigara mumataʋi awo, ʋuye ɀipenyu ɀose ɀaidya’po. Ndikaʋona paneɀandakaʋona mumusoro maŋgu ndiri panhoʋo dzaŋgu, ndikaʋona murindi, iye ari mutȿene, aciɓuruka kuɗeŋga. Akaɗanidzira, akati: Temai muti, raŋgurai mataʋi awo, pururai mashizha awo, paradzirai ɀiɓereko ɀawo; mhuka ŋgadzibve pasi pawo, neshiri pamataʋi awo. Asi siyai hunde yemidzi yawo muvu, wakasuŋgwa necisuŋgo ceɗare nendarira pakati peɓumhudza resaŋgo; ŋgaanyoroʋeswe neɗoʋa rokuɗeŋga, apiwe mugoʋe wake woʋuswa pamŋe cete nemhuka dzenyika; mŋoyo wake ŋgaushandurwe, urege kuʋa womunhu, apiwe mŋoyo wemhuka, ŋguʋa nomŋe dzipere ari’po. Kutoŋga uku kwaʋuya necireʋo caʋarindi, cinhu ici carebga neshoko raʋatȿene, kuti ʋapenyu ʋaziʋe kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa, nokugadza paʋuri ʋaɗuku pakati paʋanhu. Ndiko kurota kwandakaʋona, ini mambo Nebukadnezari; ɀino iwe Berteshazari, cindiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ʋakacenjera ʋose ʋoʋushe bgaŋgu ɀaʋasiŋgagoni kundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo; asi iwe unogona, nokuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako. Ɀino Danieri, wakaŋga anezita rinonzi Berteshazari, wakashaiwa shoko ciŋguʋa ciɗuku, pfuŋgwa dzake dzikamuvundusa. Mambo akapindura, akati: Berteshazari, kurota uku nokuɗudzirwa kwaɀo ŋgaɀirege kukuvundusa. Berteshazari akapindura, akati: Ishe waŋgu, kurota uku ŋgakuitirwe ʋanokuʋeŋgai, nokuɗudzirwa kwaɀo ʋadziʋisi ʋenyu. Muti wamakaʋona, iwo wakakura ukasimba, wakaȿika kuɗeŋga pakureɓa kwawo, wakaŋga uciʋonekwa kuȿikira kumigumo yenyika yose; wakaŋga unamashizha akanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀiri ɀizhinji, paiwana ɀose ɀokudya, waigara mhuka dzesaŋgo pasi pawo, ʋuye paigara shiri dzokuɗeŋga mumataʋi awo, ndiyemi mambo; imi makakura, mukaʋa nesimba, nokuti ʋukuru bgenyu bgakakura, ʋunoȿikira kuɗeŋga, ʋuye ʋushe bgenyu ʋunoȿikira kumugumo wenyika. Ɀino mambo ɀaakaʋona murindi, ari mutȿene, aciɓuruka kuɗeŋga aciti: Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvu, wakasuŋgwa necisuŋgo ceɗare nendarira pakati peɓumhudza resaŋgo, anyoroʋeswe neɗoʋa rokuɗeŋga, ʋuye apiwe mugoʋe wake pamŋe cete nemhuka dzesaŋgo, kuȿikira ŋguʋa nomŋe dzapera ari’po; uku ndiko kuɗudzirwa kwaɀo, imi mambo, ndico cireʋo coWokumsoro‐soro, cicaʋuya pamsoro pashe waŋgu mambo: Mucadziŋgwa pakati paʋanhu, ʋugaro bgenyu ʋucaʋa pakati pemhuka dzesaŋgo, mucadyiswa ʋuswa senzombe, mucanyoroʋeswa neɗoʋa rokuɗeŋga, ʋuye ŋguʋa nomŋe dzicapera muri’po, kuȿikira maziʋa kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa. Ʋuye ɀaʋakaraira kuti hunde yemidzi yomuti isiyiwe, ʋushe bgenyu ʋucakumutsirwai ɀe, kana matenda kuti Wokuɗeŋga ndiye unoɓata ʋushe. Naiɀoɀo imi mambo, tendai ɀandinokurairai, muparadzane neɀiʋi ɀenyu muciita ɀakarurama, ʋuye neɀakaipa ɀenyu, muciitira ʋarombo nyasha; ɀimŋe ŋguʋa yenyu yorugare iŋgawedzerwa. Iɀeɀi ɀose ɀakawira mambo Nebukadnezari. Mŋedzi inegumi nemiʋiri yakati yapera, wakaŋga acifamba paimba yoʋushe paBabironi. Mambo akataura, akati: Ko iri harizi Babironi, guta guru, randakaʋaka ini nesimba raŋgu guru, ndikurise ʋumambo bgaŋgu, ʋuʋe ʋugaro bgamadzimambo, here? Shoko iri rakaŋga riciri mumuromo wamambo, inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Iwe mambo Nebukadnezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti: Ʋushe bgabva kwauri. Ucadziŋgwa pakati paʋanhu, ʋugaro bgako ʋucaʋa pakati pemhuka dzesaŋgo; ucadyiswa ʋuswa senzombe; ŋguʋa nomŋe dzicapera uri’po, kuȿikira watenda kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa. Neŋguʋa iyo cinhu ici cakaitika pamsoro paNebukadnezari; wakadziŋgwa pakati paʋanhu, akadya ʋuswa senzombe, muʋiri wake ukanyoroʋeswa neɗoʋa rokuɗeŋga, kuȿikira vudzi rake rareɓa seminheŋga yegondo, nenzara dzake dzafanana nedzeshiri. Ɀino mazuʋa iwayo akati apera, ini Nebukadnezari ndikatarira kuɗeŋga nameso aŋgu, simba raŋgu rokufuŋga rikadzokera ɀe kwandiri, ndikaʋoŋga Wokumsoro‐soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye uri mupenyu nokusiŋgaperi; nokuti ʋushe bgake haʋuperi, nokuɓata kwake ʋushe kunoȿikira kumarudzi namarudzi; ʋose ʋagere panyika ʋakaita saʋasinamaturo; iye unoita seɀaanoɗa pahondo yokuɗeŋga, napakati paʋagere panyika; hakunauŋgadzora ruʋoko rwake, kana uŋgati kwaari: Unoiteiko? Neŋguʋa iyeyo simba raŋgu rokufuŋga rakadzokera kwandiri; ʋuye kana iri mbiri yoʋushe bgaŋgu, ʋumambo bgaŋgu nokubginya kwaŋgu ɀakadzokera kwandiri; makurukota aŋgu namadzishe aŋgu akandishanyira ɀe, ndikagadzwa ɀe paʋushe bgaŋgu, ʋukuru bgakaiȿo‐naka ʋukandiwedzerwa. Ɀino ini Nebukadnezari ndinorumbidza nokuwombera nokukudza Mambo wokuɗeŋga; nokuti maɓasa ake ose ndeeɀokwaɗi, nzira dzake dzakarurama; iye unogona kuɗeredza ʋanofamba ʋaciɀikudza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 4

Dhanieri 4:1-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)