Dhanieri 2:29-45
Dhanieri 2:29-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakaenda kuzvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika. Asi ini chakavanzika ichi chakaziviswa kwandiri, kwete nokuda kwokuti ndine njere huru kupfuura vamwe vanhu vanorarama asi kuti imi mambo, mugoziva dudziro uye kuti mugonzwisisa zvakapinda mundangariro dzenyu. “Imi mambo, makatarira, uye ipapo pamberi penyu pakanga pamire chifananidzo, chakakura kwazvo, chaibwinya, chaityisa pakuonekwa kwacho. Musoro wechifananidzo ichi wakanga wakaitwa negoridhe rakanatswa, chipfuva chacho namaoko zvakanga zviri zvesirivha; dumbu racho nezvidyiro zvaiva zvendarira, makumbo acho akanga ari esimbi, tsoka dzacho dzaiti pamwe simbi pamwe ivhu. Muchakatarisa, makaona ibwe richivezwa, asi kwete namaoko omunhu. Rakarova chifananidzo patsoka dzacho dzesimbi nevhu ndokuzvipwanya. Ipapo simbi, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa nenguva imwe cheteyo zvikaita sehundi iri paburiro panguva yechirimo. Mhepo yakazvikukura pakasava nechinhu chakasara. Asi ibwe riya rakarova chifananidzo rakazova gomo guru rikazadza nyika yose. “Uku ndiko kwaiva kurota kwenyu, uye zvino tichakududzira kwamuri mambo. Imi mambo, muri mambo wamadzimambo. Mwari wokudenga akakupai ushe nesimba noukuru nokubwinya, akaisa marudzi avanhu mumaoko enyu nezvikara zvenyika neshiri dzedenga. Akakuitai mutongi pamusoro pazvo, pose pazvinogara. Ndimi musoro uya wegoridhe. “Shure kwenyu, humwe umambo huchamuka, hudiki kuno hwenyu. Umambo hwechitatu huchatevera, umambo hwendarira, huchatonga pamusoro penyika yose. Pakupedzisira kuchava noushe hwechina, hwakasimba sesimbi, nokuti simbi inopwanya uye inoputsanya zvinhu zvose, uye sokuputsanya kunoita simbi zvinhu, saizvozvo huchapwanya uye hugoputsanya humwe hwose. Sezvamakaona kuti tsoka nezvigunwe zvakanga zvakavhenganiswa ivhu nesimbi, saizvozvo umambo uhu huchava hwakaganhurwa, asi huchava nerimwe simba resimbi mahuri, sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu. Sezvo zvigunwe zvakanga zvakati pamwe simbi pamwe ivhu, saizvozvo umambo uhu huchava hwakasimba kuno rumwe rutivi uye husina kusimba kuno rumwe rutivi. Uye sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu, saizvozvo vanhu vachavhengana uye havangarambi vakabatana, sezvinoita ivhu nesimbi zvakavhengana. “Mumazuva amadzimambo ayo, Mwari wokudenga achagadza ushe husingazoparadzwi, uye hahungazombosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya ushe hwose hugohugumisa, asi ihwo huchagara nokusingaperi. Izvi ndizvo zvinoreva chiratidzo chedombo rakavezwa pagomo, asi kwete namaoko omunhu, dombo rakaputsa simbi, ndarira, ivhu, sirivha negoridhe zvikati mwarara. “Mwari mukuru akaratidza mambo zvichaitika pamazuva anouya. Kurota uku ndokwechokwadi uye nedudziro yacho ndeyechokwadi.”
Dhanieri 2:29-45 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kana murimi, mambo, pfungwa dzenyu dzakauya kwamuri muri panhoo dzenyu, mukarangarira zvichazoitwa pashure; zvino anozivisa zvakadzama, ndiye akakuzivisai zvichazoitwa. Asi kana ndirini, chinhu ichi chakavanzika hachina kundiziviswa nokuda kwenjere dzandinadzo dzinopfuura dzavamwe vapenyu vose, asi kuti mambo aziviswe kududzirwa kwazvo, uye kuti muziviswe pfungwa dziri mumwoyo wenyu. “Imi mambo makatarira, mukaona chifananidzo chikuru. Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokubwinya kwakaisvo‐naka, chakanga chimire pamberi penyu; chakanga chichityisa pakuonekwa kwacho. Kana chiri chifananidzo ichi, musoro wacho wakanga uri wendarama yakaisvo‐naka, chipfuva chacho namaoko acho zvakanga zviri zvesirivha, dumbu racho nechiuno chacho zvakanga zviri zvendarira, makumbo acho akanga ari edare, uye tsoka dzacho dzaiti pamwe dare pamwe ivhu. Makaramba muchitarira kusvikira muchiona ibwe richivezwa, asi zvisingaitwi namaoko omunhu, rikarova chifananidzo patsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu, rikadziputsa‐putsa. Ipapo dare nevhu nendarira nesirivha nendarama zvakaputsanyiwa pamwechete, zvikafanana nehundi iri paburiro nenguva yezhizha; zvikatorwa nemhepo, zvikasawanirwa nzvimbo; asi ibwe, rakanga rarova chifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose. “Ndizvo zvamakarota; zvino tichazvidudzira pamberi pamambo. Imi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMwari wokudenga ushe noumambo nesimba nokubwinya; pose panogara vana vavanhu, wakaisa paruoko rwenyu mhuka dzesango neshiri dzokudenga, akakuitai mubati wazvo zvose; imi ndimi musoro wendarama. Shure kwenyu umwe ushe uchamuka, uduku kwamuri; tevere ushe hwechitatu hwendarira; huchabata panyika yose. Ushe hwechina huchava nesimba sedare, sezvinoita dare rinoputsanya nokuparadza zvose; sezvinoita dare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo uchaputsanya nokupwanya. Zvamakaona tsoka nezvigunwe, zvakaitwa pamwe nevhu romuumbi wehari, pamwe nedare, uchava ushe hwakaganhurwa; asi simba redare richavamo, zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu rokuumba naro. Zvigunwe zvamakumbo zvazvakanga zvakaitwa pamwe nedare pamwe nevhu, saizvozvo ushe huchava pamwe nesimba, pamwe haungatani kuputsika. Uye zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu rokuumba naro, saizvozvo vachavengana namarudzi avanhu, asi havanganamatirani, sezvinoita dare risinganamatirani, nevhu. Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga achamutsa ushe, usingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo uchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi. Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo, zvisingaitwi namaoko avanhu rikaputsa‐putsa dare nendarira nevhu nesirivha nendarama, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa pashure; kurota uku ndokwechokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwechokwadi.”
Dhanieri 2:29-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakauya kwamuri imi mambo murere zvenyu pamubhedha pfungwa dzezvichauya mune ramangwana, iye anodudzira zvakavanzika achikuzivisai zvinhu zvichazovapo. Asi zvakavanzika izvozvi hazvina kuoneswa kwandiri pamusana pokuti ini ndini ndazova muchenjeri chaiye kupfuura vapenyu vose. Asi zvangoitirwa kuti mambo aziviswe dudziro yacho uye kuti mugonzwisisa pfungwa dzakasvika mumusoro menyu. “Mambo, imi makatarisa mukaona, hero zimufananidzo guru. Zimufananidzo iroro rakanga rakasimba chaizvo richipenya zvakanyanyisa kwazvo rimire mberi kwenyu richityisa kutarisa. Musoro wezimufananidzo irori wakanga uri wendarama chaiyo yakanakisisa, dundundu raro namaoko ari esirivha, dumbu racho nezvidya zvakanga zviri zvendarira, makumbo aro ari esimbi. Tsoka dzaro dzakanga dzakati pamwe ndepesimbi pamwe pomunyakwe. Makatarisa kudaro, pakapipfurwa dombo risina kudimurwa namaoko omunhu, rikatema zimufananidzo racho patsoka dzaro idzodzo dzaiti apa ndepesimbi apa ndepomunyakwe rikadzipwanyanisa. Ipapo simbi iya nomunyakwe wacho nendarira yacho nesirivha iya nendarama yacho zvakapwanyaniswa zvose pamwechete, zvikabva zvaita sehundi iri paburiro pachirimo zvikapupurutswa nemhepo zvikatsakatika. Asi dombo riya rakanga ratema mufananidzo uya rakava zigomo guru rikatozara pasi pose. “Idzodzi ndidzo hope dzacho idzi. Zvino tochikutaurirai, mambo, zvadzinoreva. Imimi mambo, mambo wamadzimambo, iyemi nyakupiwa naMwari Wedenga dzinyika dzoumambo hwenyu kudai nesimba noukuru nembiri, mumaoko menyu ndimo makaiswa, vanhu nomhuka dzesango neshiri dzedenga, kwose kwose ikoko kwazvigere, akakuitai kuti muve nohutongi hwazvo zvose izvozvo. Musoro wendarama uya, ndimi wacho. Mushure menyu, kuchamuka humwe umambo hwakati dererei pane hwenyu, tevere umambo hwechitatu, umambo hwendarira huchazotonga pasi pose zvapo. Kuchazovawo noumambo hwechina huchange hwakasimba sesimbi inopwanya nokutiwo simbi inopwanya ichinyatsoparadza zvinhu zvose. Uye sesimbi inopwanya, umambo ihwohwo huchipwanya huchiparadza zvose izvozvi. Sokuonawo kwamakaita tsoka dzacho nezvigunwe zvakati apa pesimbi apa pomunyakwe, umambo ihwohwo huchange huri umambo hune mazvakemazvake. Asi pamwe nepamwe muumambo ihwohwo, pachange pakasungwa noutare sokusimbawo kwesimbi sokuona kwamakaita simbi yakasanganiswa nomunyakwe womuumbi. Uye zvigunwe sezvazvakanga zvakati pamwe ndepesimbi pamwe ndepomunyakwe saizvozvo umambo hwacho huchange hwakati apa pakasungwa noutare apa zinyekenyeke. Sokuona kwamakaita simbi yakasanganiswa nomunyakwe, saizvozvo vachaita mawirirano okuroorerana. Asi kunyatsobatana chaikoiko havambobatani, sezvinongoita simbi nomunyakwe zvisingakwanisi kunyatsobatana. Zvino mumazuva amadzimambo iwayo Mwari Wedenga achagadza umambo husingazofa hwakaparadzwa kunyange kuti masimba ahwo ambokuurirwa kune rumwe rudzi rwavanhu. Huchapwanyanisa nyika dzose dzoumambo ihwohwo huchidzisvitsa kumugumo. Asi ihwo, huchazogara narini narini wose. Sokuona chaiko kwamakaita kuti dombo rakapipfurwa richibva pagomo risina kudimurwa noruoko rwomunhu, uye kuti rakandopwanyanisa simbi nendarira nomunyakwe nesirivha nendarama zviya, Mwari mukurukuru kwazvo ndiye azivisemi mambo zvinhu zvichazovako mune ramangwana. Hope idzodzi, ihope chaidzo, uye dudziro yacho ndeyechokwadi.”
Dhanieri 2:29-45 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana muri’mi, mambo, pfuŋgwa dzenyu dzakaʋuya kwamuri muri panhoʋo dzenyu, mukaraŋgarira ɀicazoitwa pashure; ɀino unoziʋisa ɀakaʋanzika, ndiye wakakuziʋisai ɀicazoitwa. Asi kana ndiri’ni, cinhu ici cakaʋanzika hacina‐kundiziʋiswa nokuɗa kwenjere dzandinadzo dzinopfuʋura dzaʋamŋe ʋapenyu ʋose, asi kuti mambo aziʋiswe kuɗudzirwa kwaɀo, ʋuye kuti muziʋiswe pfuŋgwa dziri mumŋoyo wenyu. Imi mambo makatarira, mukaʋona cifananidzo cikuru. Cifananidzo ici, caiʋa cikuru kwaɀo, caiʋa nokubginya kwakaiȿo‐naka, cakaŋga cimire pamberi penyu; cakaŋga cicityisa pakuʋonekwa kwaco. Kana ciri cifananidzo ici, musoro waco wakaŋga uri wendarama yakaiȿo‐naka, cifuʋa caco namaʋoko aco ɀakaŋga ɀiri ɀesirveri, ɗumbu raco neciʋuno caco ɀakaŋga ɀiri ɀendarira, makumbo aco akaŋga ari eɗare, ʋuye tsoka dzaco dzaiti pamŋe ɗare pamŋe ivu. Makaramba mucitarira kuȿikira muciʋona ibge riciʋezwa, asi ɀisiŋgaitwi namaʋoko omunhu, rikaroʋa cifananidzo patsoka dzaco dzaiʋa dzeɗare nevu, rikadziputsa‐putsa. Ipapo ɗare nevu nendarira nesirveri nendarama ɀakaputsanyiwa pamŋe cete, ɀikafanana nehundi iri pamapuriro neŋguʋa yezhezha; ɀikatorwa nemhepo, ɀikasawanirwa nɀimbo; asi ibge, rakaŋga raroʋa cifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose. Ndiɀo ɀamakarota; ɀino ticaɀiɗudzira pamberi pamambo. Imi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMŋari wokuɗeŋga ʋushe noʋumambo nesimba nokubginya; pose panogara ʋana ʋaʋanhu, wakaisa paruʋoko rwenyu mhuka dzeɓundo neshiri dzokuɗeŋga, akakuitai muɓati waɀo ɀose; imi ndimi musoro wendarama. Shure kwenyu ʋumŋe ʋushe ʋucamuka, ʋuɗuku kwamuri; teʋere ʋushe bgecitatu bgendarira, ʋucaɓata panyika yose. Ʋushe bgecinna ʋucaʋa nesimba seɗare, seɀinoita ɗare rinoputsanya nokuparadza ɀose; seɀinoita ɗare rinopxanya iɀi ɀose, saiɀoɀo ʋucaputsanya nokupxanya. Ɀamakaʋona tsoka neɀigunwe, ɀakaitwa pamŋe nevu romuʋumbi wehari, pamŋe neɗare, ʋucaʋa ʋushe bgakaganhurwa; asi simba reɗare ricaʋa’mo, ɀamakaʋona ɗare rakaveŋganiswa nevu rokuʋumba naro. Ɀigunwe ɀamakumbo ɀaɀakaŋga ɀakaitwa pamŋe neɗare pamŋe nevu, saiɀoɀo ʋushe ʋucaʋa pamŋe nesimba, pamŋe haʋuŋgatani kuputsika. Ʋuye ɀamakaʋona ɗare rakaveŋganiswa nevu rokuʋumba naro, saiɀoɀo ʋacaveŋgana namarudzi aʋanhu, asi haʋaŋganamatirani, seɀinoita ɗare risiŋganamatirani nevu. Ɀino namazuʋa amadzimambo iwayo Mŋari wokuɗeŋga ucamutsa ʋushe, ʋusiŋgatoŋgozoparadzwi, ʋuye simba rabgo hariŋgapfuʋuri kunorumŋe rudzi rwaʋanhu; asi ibgo ʋucaputsanya nokuparadza ʋushe ubgo bgose, ibgo ʋucamira nokusiŋgaperi. Ɀamakaʋona ibge riciʋezwa mugomo, ɀisiŋgaitwi namaʋoko aʋanhu, rikaputsa‐putsa ɗare nendarira nevu nesirveri nendarama, Mŋari mukuru wakaziʋisa mambo ɀicazoitwa pashure; kurota uku ndokwaɀokwaɗi, nokuɗudzirwa kwaɀo ndokwaɀokwaɗi.
Dhanieri 2:29-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)