Dhanieri 2:20-23
Dhanieri 2:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
akati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperi-peri; uchenjeri nesimba ndezvake. Anoshandura nguva nemwaka; ndiye anogadza madzimambo uye ndiye anoabvisa. Anopa uchenjeri kuna vakachenjera nezivo kuna vanonzvera. Anozarura zvakadzika nezvakavanzika; anoziva zviri murima, uye chiedza chinogara maari. Ndinokuvongai uye ndinokurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu: Makandipa uchenjeri nesimba, makandizivisa zvatakakumbira kwamuri, makazivisa kwatiri kurota kwamambo.”
Dhanieri 2:20-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Dhanieri akapindura, akati, “Zita raMwari ngaritendwe nokusingaperi‐peri, nokuti uchenjeri nesimba ndezvake. Ndiye anoshandura nguva nemisi; ndiye anobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye anopa vakachenjera uchenjeri, navane njere zivo; ndiye anozivisa zvinhu zvakadzama nezvakavanzika; ndiye anoziva zviri murima; chiedza chinogara kwaari. Ndinokutendai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu, makandipa uchenjeri nesimba, mukandizivisa zvino zvatakakumbira kwamuri; nokuti makatizivisa shoko ramambo.”
Dhanieri 2:20-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhanieri akati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe narini narini wose ndiye mwene woungwaru nesimba. “Anosandura nguva nemwaka; anobvisa madzimambo uye anogadzawo madzimambo; anopa uchenjeri kuna vangwaru noruzivo kuvanhu vanonzwisisa. “Anoisa pachena zvinhu zvakadzama, zvinhu zvakavanzika. Anozviziva zviri murima iye chiedza ndipo pamusha. “Ndinokutendai ndichikurumbidzai imi Mwari wamadzibaba angu nokuti makandipa ungwaru nesimba mukandizivisawo zvatakakukumbirai nokuti matizivisa imi nyaya iyi yamambo.”
Dhanieri 2:20-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Danieri akapindura, akati: Zita raMŋari ŋgariʋoŋgwe nokusiŋgaperi‐peri, nokuti ʋucenjeri nesimba ndeɀake. Ndiye unoshandura ŋguʋa nenhambo; ndiye unobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye unopa ʋakacenjera ʋucenjeri, naʋanenjere ziʋo; ndiye unoziʋisa ɀinhu ɀakadzika neɀakaʋanzika; ndiye unoziʋa ɀiri murima; ciedza cinogara kwaari. Ndinokuʋoŋgai nokukurumbidzai, imi Mŋari wamadziɓaɓa aŋgu, makandipa ʋucenjeri nesimba, mukandiziʋisa ɀino ɀatakakumbira kwamuri; nokuti makatiziʋisa shoko ramambo.
Dhanieri 2:20-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)