Dhanieri 2:1-23
Dhanieri 2:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugore rechipiri rokutonga kwake, Nebhukadhinezari akarota hope; pfungwa dzake dzikashushikana uye akashaya hope. Saka mambo akarayira nʼanga, navanofarira mazango, navaroyi, navafemberi vezvenyeredzi kuti vamuudze zvaakanga arota. Vakati vapinda vakamira pamberi pamambo, iye akati kwavari, “Ndakarota hope dzinonditambudza zvino ndinoda kuziva zvadzinoreva.” Ipapo vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo norurimi rwavaAramu vachiti, “Haiwa mambo, raramai nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigodudzira.” Mambo akapindura vachenjeri vezvenyeredzi achiti, “Izvi ndizvo zvandafunga chaizvoizvo: Kana imi mukasandiudza kuti kurota kwangu kwaiva kupi uye mukadudzira, ndichaita kuti mugurwe-gurwe uye dzimba dzenyu dziitwe mirwi yamarara. Asi kana mukandiudza zvandakarota mukazvidudzira, muchagamuchira zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru zvinobva kwandiri. Saka ndiudzei chiroto mugochidudzira kwandiri.” Ivo vakapindurazve vachiti, “Mambo ngaaudze varanda vake chiroto, uye isu tichachidudzira.” Ipapo mambo akapindura akati, “Ndinoziva kwazvo kuti imi munongoda kuwedzera nguva, nokuti munoziva kuti izvi ndizvo zvandatema: Kana musingandiudzi zvandarota, panongova nechirango chimwe chete. Imi makarangana kundiudza zvinhu zvinonyengera uye zvakaipa, muchifunga kuti zvinhu zvichashanduka. Saka zvino, ndiudzei zvandakarota, ndigoziva kuti muchagona kundidudzira chiroto.” Vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo vachiti, “Hakuna munhu panyika angagona kuita zvinodiwa namambo! Hakuna mambo, kunyange mukuru kana ane simba, akambotsvaka chinhu chakadai kunʼanga ipi zvayo kana vaya vanoita zvamazango kana vachenjeri vezvenyeredzi. Zvinhu zvinodikanwa namambo zvakaoma kwazvo. Hakuna munhu angazvizivisa kuna mambo izvozvo kunze kwavamwari, uye vasingagari pakati pavanhu.” Izvi zvakaita kuti mambo ashatirwe zvikuru uye akava nehasha zvokuti akarayira kuti vakachenjera vose veBhabhironi vaurayiwe. Saka chirevo chakapiwa kuti vachenjeri vaurayiwe, uye varume vakatumwa kundotsvaka Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurayiwewo. Arioki, mukuru wavarindi vamambo, akati abudisa kundouraya vachenjeri veBhabhironi, Dhanieri akataura kwaari nouchenjeri uye nokungwara. Akabvunza muchinda wamambo achiti, “Seiko mambo akatema chirevo chakadai?” Arioki akatsanangurira Dhanieri nyaya yacho. Nokudaro, Dhanieri akapinda kuna mambo akandokumbira nguva kwaari, kuitira kuti agomududzira chiroto chiya. Ipapo Dhanieri akadzokera kumba kwake akandotsanangurira nyaya yacho kushamwari dzake vanaHanania, Mishaeri naAzaria. Akavakurudzira kuti vakumbire nyasha kubva kuna Mwari wokudenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuitira kuti iye neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete navakachenjera veBhabhironi. Chakavanzika ichi chakazoratidzwa kuna Dhanieri usiku muchiratidzo. Ipapo Dhanieri akarumbidza Mwari wokudenga akati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperi-peri; uchenjeri nesimba ndezvake. Anoshandura nguva nemwaka; ndiye anogadza madzimambo uye ndiye anoabvisa. Anopa uchenjeri kuna vakachenjera nezivo kuna vanonzvera. Anozarura zvakadzika nezvakavanzika; anoziva zviri murima, uye chiedza chinogara maari. Ndinokuvongai uye ndinokurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu: Makandipa uchenjeri nesimba, makandizivisa zvatakakumbira kwamuri, makazivisa kwatiri kurota kwamambo.”
Dhanieri 2:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Negore rechipiri rokubata ushe kwaNebhukadhinezari, Nebhukadhinezari akarota hope; mweya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza. Ipapo mambo akarayira kuti vachenjeri nen’anga navaroyi navaKaradhea vadanwe kuzodudzira mambo kurota kwake. Ipapo vakapinda vakamira pamberi pamambo. Mambo akati kwavari, “Ndarota hope, zvino mweya wangu unotambudzika ndichiti ndinzwisise kurota kwangu.” Ipapo vaKaradhea vakataura namambo norurimi rwavaSiria, vakati, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.” Mambo akapindura, akati kuna vaKaradhea, “Shoko ratemwa neni; kana mukasandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchagurwa‐gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa durunhuru. Asi kana mukandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchapiwa neni zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru; naizvozvo chindizivisai kurota nokududzirwa kwazvo.” Ivo vakapindura rwechipiri, vachiti, “Mambo ngaaudze varanda vake kurota kwake, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.” Mambo akapindura, akati, “Ndinoziva kwazvo kuti imi munongotsvaka kuwedzerwa nguva, nokuti munoona kuti shoko iri ratemwa neni. Asi kana mukasandizivisa kurota kwangu, mucharohwa nomurayiro mumwe chete, nokuti makazvigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi pangu, kusvikira nguva yashanduka; naizvozvo chindiudzai kurota kwangu, ipapo ndichaziva kuti mungandizivisa kududzirwa kwazvo.” VaKaradhea vakapindura pamberi pamambo, vakati, “Hakuna munhu pasi pose angagone kuzivisa shoko iri ramambo, nokuti hakuna mambo kana ishe, kana mubati akatongotsvaka chinhu chakadai kune wakachenjera kana n’anga, kana muKaradhea upi noupi. Chinhu chinobvunzwa namambo chikuru kwazvo, hakuna angachizivisa kuna mambo, asi vamwari vasingagari navanhu.” Nemhaka iyi mambo akatsamwa, akava nehasha kwazvo, akarayira kuti vachenjeri vose veBhabhironi vaurawe. Naizvozvo chirevo chakatemwa kuti vachenjeri vaurawe, vakatsvakawo Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurawe. Ipapo Dhanieri akapindura Arioki nenjere nokungwara, iye mukuru wachengeti vamambo, akanga abuda kundouraya vachenjeri veBhabhironi; akati kuna Arioki mukuru wavachengeti vamambo, “Chirevo ichi chamambo chine hasha neiko?” Ipapo Arioki akazivisa Dhanieri shoko iro. Zvino Dhanieri akapinda kuna mambo, akakumbira kwaari, kuti amutarire nguva, azivise mambo kududzirwa kwazvo. Ipapo Dhanieri akaenda kumba kwake, akandozivisa shamwari dzake Hanania naMishaeri naAzaria, shoko iro; kuti vakumbire nyasha kuna Mwari wokudenga pamusoro pechinhu ichi chakavanzika, kuti Dhanieri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vachenjeri veBhabhironi. Ipapo chinhu icho chakavanzika chakaziviswa Dhanieri pane chaakaratidzwa usiku. Dhanieri akatenda Mwari wokudenga. Dhanieri akapindura, akati, “Zita raMwari ngaritendwe nokusingaperi‐peri, nokuti uchenjeri nesimba ndezvake. Ndiye anoshandura nguva nemisi; ndiye anobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye anopa vakachenjera uchenjeri, navane njere zivo; ndiye anozivisa zvinhu zvakadzama nezvakavanzika; ndiye anoziva zviri murima; chiedza chinogara kwaari. Ndinokutendai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu, makandipa uchenjeri nesimba, mukandizivisa zvino zvatakakumbira kwamuri; nokuti makatizivisa shoko ramambo.”
Dhanieri 2:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore rechipiri rokutonga kwaNebhukadhineza, iye Nebhukadhineza akarota hope akashushikana mumwoyo zvikamushayisa hope. Mambo akabva ati vamapipi navamaminimini navanhu vamakona navaKaridhea vadaidzwe kuzodudzira mambo hope dzake. Saizvozvowo vakauya vakamira pana mambo. Mambo akavati, “Ndarota hope, zvino ndiri kutambura mumwoyo mangu kuti ndizive hope dzacho.” VaKaridhea vakabva vati kuna mambo muchiArameiki, “Mambo! Ngazvirambe zvakadaro muchitonga! Tirondedzerei henyu hope dzacho isu varanda venyu, tichadudzira zvadzinoreva.” Mambo akapindura vaKaridhea kuti, “Zvandinoreva ndezvechokwadi. Kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, nokudzidudzira kwacho muchabvamburwa kuitwa zvidimbu zvidimbu. Misha yenyu ichisara yava matongo. Asi mukandirondedzera hope dzacho nezvadzinoreva, ndichakupai zvipo nemibayiro noukuru hwakakura kwazvo. Naizvozvo chinditaurirai hope idzodzo nedudziro yadzo.” Vakapindurazve mambo kuti, “Mambo rondedzerai henyu hope dzacho isu varanda venyu, tikududzirei zvadzinoreva.” Mambo ndokuti, “Ndazonyatsoziva zvino kuti mava kungovemberedza nguva nokuti maona kuti zvandareva ndezvechokwadi zvokuti kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, chenyu chasara chirango, chimwechete chete. Heya matobvumirana kuzonditaurira zvokunyepa nenyaya dzakaora kusvikira mamiriro ezvinhu asanduka. Naizvozvo ndirondedzerei hope idzodzo ndibva ndazivawo kuti kana kudzidudzira munogona.” VaKaridhea vakapindura mambo vachiti, “Hakuna kana nomunhu pasi pano angagone kuita zviri kudiwa namambo izvi nokuti hakunawo changamire mambo chaiye ane simba ati ambobvunza zvakadai izvi kuna ani zvake wamapipi kana wamaminimini kunyange kumuKaridhea upi zvake. Izvi zvakumbirwa namambo, zvakaoma uye hakuna angagone kuzviisa pachena kuna mambo, asi kutoti vamwari chete vasingaiti musha mukati mavanhu.” Pamusana paizvozvi mambo akashatirwa akaviruka kwazvo nehasha akapa chirevo chokuti: Vachenjeri vose veBhabhironi ngavaurayiwe. Nokudaro chirevo ichochi chokuti: vachenjeri vanofanira kuti vaurayiwe, chakafamba. Vakatsvagawo Dhanieri neshamwari dzake kuti vavauraye. Ipapo Dhanieri akapa mhinduro yakanyatsofungwa ine uchenjeri chaihwo kuna Arioku mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo uyewo munhu akanga auya kuzouraya vachenjeri veBhabhironi. Dhanieri akati kuna Arioku mukuru mukuru wokwamambo, “Zvaita sei kuti chirevo chamambo chibva chaoma kudai?” Arioku ndokuzivisa Dhanieri nyaya yacho. Dhanieri akapinda akandoteterera kuna mambo kuti amutaurire nguva yaaizopa mambo dudziro yacho. Dhanieri akabva aenda kumba kwake akazivisawo nyaya iyoyo shamwari dzake dziya vanaHananiya naMishaeri naAzariya. Akavataurira kuti vakumbire Mwari Wedenga agovanzwirawo tsitsi nezvechinhu chakavanzika ichi, kuitira kuti Dhanieri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vangwaru vose veBhabhironi. Ndipo pakazoziviswa Dhanieri usiku chakavanzika chacho muchiratidzo, ndokubva Dhanieri arumbidza Mwari Wedenga. Dhanieri akati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe narini narini wose ndiye mwene woungwaru nesimba. “Anosandura nguva nemwaka; anobvisa madzimambo uye anogadzawo madzimambo; anopa uchenjeri kuna vangwaru noruzivo kuvanhu vanonzwisisa. “Anoisa pachena zvinhu zvakadzama, zvinhu zvakavanzika. Anozviziva zviri murima iye chiedza ndipo pamusha. “Ndinokutendai ndichikurumbidzai imi Mwari wamadzibaba angu nokuti makandipa ungwaru nesimba mukandizivisawo zvatakakukumbirai nokuti matizivisa imi nyaya iyi yamambo.”
Dhanieri 2:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Negore recipiri rokuɓata ʋushe kwaNebukadnezari, Nebukadnezari wakarota hope; mŋeya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza. Ipapo mambo akaraira kuti ʋacenjeri neŋaŋga naʋaroyi naʋaKardea ʋaɗanwe kuzoɗudzira mambo kurota kwake. Ipapo ʋakapinda ʋakamira pamberi pamambo. Mambo akati kwaʋari: Ndarota hope, ɀino mŋeya waŋgu unotambudzika ndiciti ndinzwisise kurota kwaŋgu. Ipapo ʋaKardea ʋakataura namambo norurimi rwaʋaSiria, ʋakati: Mambo ŋgaararame nokusiŋgaperi! Ʋudzai ʋaranda ʋenyu kurota kwenyu, isu tigokuziʋisai kuɗudzirwa kwaɀo. Mambo akapindura, akati kunaʋaKardea: Shoko ratemŋa neni; kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo, mucagurwa‐gurwa, ʋuye dzimba dzenyu dzicaitwa ɗurunhuru. Asi kana mukandiziʋisa kurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo, mucapiwa neni ɀipo nemiɓairo nokukudzwa kukuru; naiɀoɀo cindiziʋisai kurota nokuɗudzirwa kwaɀo. Iʋo ʋakapindura rwecipiri, ʋaciti: Mambo ŋgaaʋudze ʋaranda ʋake kurota kwake, isu tigokuɀiʋisai kuɗudzirwa kwaɀo. Mambo akapindura, akati: Ndinoziʋa kwaɀo kuti imi munoŋgotȿaka kuwedzerwa ŋguʋa, nokuti munoʋona kuti shoko iri ratemŋa neni. Asi kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu, mucarobga nomurairo mumŋe cete, nokuti makaɀigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi paŋgu, kuȿikira ŋguʋa yashanduka; naiɀoɀo cindiʋudzai kurota kwaŋgu, ipapo ndicaziʋa kuti muŋgandiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. ƲaKardea ʋakapindura pamberi pamambo, ʋakati: Hakunomunhu pasi pose uŋgagona kuziʋisa shoko iri ramambo, nokuti hakunamambo kana ishe, kana muɓati, wakatoŋgotȿaka cinhu cakaɗai kunowakacenjera kana ŋaŋga, kana muKardea upi noupi. Cinhu cinobvunzwa namambo cikuru kwaɀo, hakuna‐uŋgaciziʋisa kunamambo, asi ʋamŋari ʋasiŋgagari naʋanhu. Nemhaka iyi mambo akatsamŋa, akaʋa nehasha kwaɀo, akaraira kuti ʋacenjeri ʋose ʋeBabironi ʋaʋurawe. Naiɀoɀo cireʋo cakatemŋa kuti ʋacenjeri ʋaʋurawe, ʋakatȿaka ʋo Danieri neshamŋari dzake kuti ʋaʋurawe. Ipapo Danieri akapindura Arioki nenjere nokuŋgwara, iye mukuru waʋarindi ʋamambo, wakaŋga aɓuɗa kundoʋuraya ʋacenjeri ʋeBabironi; wakapindura, akati kunaArioki mukuru wamambo: Cireʋo ici camambo cinehasha neiko? Ipapo Arioki akaziʋisa Danieri shoko iro. Ɀino Danieri akapinda kunamambo, akakumbira kwaari, kuti amutarire ŋguʋa, aziʋise mambo kuɗudzirwa kwaɀo. Ipapo Danieri akaenda kumba kwake, akandoziʋisa shamŋari dzake Hanania naMishaeri naAzaria, shoko iro; kuti ʋakumbire nyasha kunaMŋari wokuɗeŋga pamsoro pecinhu ici cakaʋanzika, kuti Danieri neshamŋari dzake ʋarege kuparadzwa pamŋe cete naʋamŋe ʋacenjeri ʋeBabironi. Ipapo cinhu ico cakaʋanzika cakaziʋiswa Danieri panecaakaratidzwa ʋusiku. Danieri akaʋoŋga Mŋari wokuɗeŋga. Danieri akapindura, akati: Zita raMŋari ŋgariʋoŋgwe nokusiŋgaperi‐peri, nokuti ʋucenjeri nesimba ndeɀake. Ndiye unoshandura ŋguʋa nenhambo; ndiye unobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye unopa ʋakacenjera ʋucenjeri, naʋanenjere ziʋo; ndiye unoziʋisa ɀinhu ɀakadzika neɀakaʋanzika; ndiye unoziʋa ɀiri murima; ciedza cinogara kwaari. Ndinokuʋoŋgai nokukurumbidzai, imi Mŋari wamadziɓaɓa aŋgu, makandipa ʋucenjeri nesimba, mukandiziʋisa ɀino ɀatakakumbira kwamuri; nokuti makatiziʋisa shoko ramambo.
Dhanieri 2:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)