Dhanieri 1:11-17
Dhanieri 1:11-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Dhanieri akati kumurindi akanga anzi nomubati mukuru achengete Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria, “Ndapota edzai henyu varanda venyu kwamazuva gumi. Regai henyu kutipa chimwe chinhu asi tipei muriwo tidye uye nemvura yokunwa chete. Ipapo mugoenzanisa zviso zvedu nezvamajaya anodya zvokudya zvamambo mugobata varanda venyu samaonero enyu.” Saka akatenda hake pane izvozvi ndokuvaedza kwamazuva gumi. Mazuva gumi akati apera, ivo vakaratidza kuva noutano hwakagwinya uye nemiviri yakanaka kupinda majaya akadya zvokudya zvamambo. Saka murindi akabvisa zvokudya zvakasarudzika newaini yavaifanira kunwa ndokuvapa muriwo pachinzvimbo chazvo. Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose.
Dhanieri 1:11-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Dhanieri akati kumutariri akanga arairwa nomuchinda wavaranda kuchengeta Dhanieri naHanania naMishaeri naAzari, “Doedzai henyu varanda venyu mazuva ane gumi; ngavatipe miriwo tidye, nemvura tinwe. Ipapo mungacherekedza zviso zvedu nezviso zvamajaya anodya zvokudya zvamambo, mugoita navaranda venyu sezvamunoona.” Naizvozvo akatenda shoko ravo pamusoro pechinhu ichi, akavaedza mazuva ane gumi. Mazuva ane gumi akati apera zviso zvavo zvikaonekwa kuti zvakanaka, nemiviri yavo yakakura, vachipfuura majaya ose aidya zvokudya zvamambo. Naizvozvo mutariri wakabvisa zvokudya zvavo zvamambo, newaini yavakanzi vanwe, akavapa mirivo. Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanieri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa.
Dhanieri 1:11-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhanieri akataura kuno mumwe mutariri akanga apiwa basa nomuyuniki uya mukuru rokuona zvavanaDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya kuti, “Dai mukambotiedza isu varanda venyu kwamazuva gumi, mombotirega tichipiwa miriwo yokudya nemvura yokunwa. Ipapo imi mugocherechedza muone kutarisika kwatichange tava kuita nokutarisika kuchange kuchiita majaya aya anodya chokudya chakanaka chokwamambo. Imimi mozoitawo nesu varanda venyu, somuonero wamunenge maita.” Saizvozvo iye akabvuma zvavakareva izvi ndokumbovaedza kwegumi remazuva. Mushure memazuva gumi iwayo, pakaonekwa kuti vakanga vava kutarisika zvakanaka uye vatoita muviri kudarika majaya mamwe ose aya akanga achidya chokudya chakanaka chokwamambo. Nokudaro mutariri uya akabva abvisa chokudya chiya chakanaka newaini yavaifanira kuti vanwe ndokubva avakuvapa miriwo. Majaya iwaya ari mana kudaro, Mwari, akaapa ruzivo nounyanzvi hwezvezvinyorwa zvose noungwaru uye Dhanieri ainzwisisa zvose zviratidzo nezviroto.
Dhanieri 1:11-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Danieri akati kumutariri wakaŋga arairwa nomucinda waʋaranda kuceŋgeta Danieri naHanania naMishaeri naAzaria: Ƌoidzai henyu ʋaranda ʋenyu mazuʋa anegumi; ŋgaʋatipei miriʋo tidye, nemvura tinwe. Ipapo muŋgacerekedza ɀiso ɀeɗu neɀiso ɀamajaya anodya ɀokudya ɀamambo, mugoita naʋaranda ʋenyu seɀamunoʋona. Naiɀoɀo wakatenda shoko raʋo pamsoro pecinhu ici, akaʋaidza mazuʋa anegumi. Mazuʋa anegumi akati apera ɀiso ɀaʋo ɀikaʋonekwa kuti ɀakanaka, nemiʋiri yaʋo yakakura, ʋacipfuʋura majaya ose aidya ɀokudya ɀamambo. Naiɀoɀo mutariri wakabvisa ɀokudya ɀaʋo ɀamambo, newaini yaʋakanzi ʋanwe, akaʋapa miriʋo. Ɀino kana ari majaya awa manna, Mŋari wakaʋapa ziʋo nokuŋgwara pamagwaro ose noʋucenjeri bgose; asi Danieri wakaŋga acigona kunzwisisa ɀose ɀairatidzwa naMŋari neɀairotwa.
Dhanieri 1:11-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)