Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 1:1-8

Dhanieri 1:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimu mambo wokwaJudha, Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya kuguta reJerusaremu akarikomba, Tenzi akabva aita kuti Jehoyakimu mambo wokwaJudha akurirwe atorerwe mimwe midziyo yomuTemberi yaMwari. Nebhukadhineza akaenda nazvo kunyika yeShinari kuTemberi yake akarongedza midziyo iyoyo mumba maichengeterwa zvinhu zvamwari wake. Mambo akaudza mumwe muyuniki aiva muranda wake mukuru ainzi Ashipenazi kuti auye navamwe vanhu vechiIsiraeri asi vaifanira kuva vokumbahuru vane chiremera, uye vari majaya asina chinoshoreka ane chimiro chakarurama dziri nyanzvi chaidzo dzino ungwaru hwose zvahwo, uyewo vari vanhu vano ruzivo vanonzwisisa zvokudzidza, vanogona kushandawo mumuzinda wamambo. Akamuti avadzidzise zvinyorwa zvorurimi rwechiKaridhea. Mambo akarayira kuti zuva nezuva vapote vachipiwawo mugove wechokudya chakanaka chaidyiwa namambo newaini yaainwa. Vaizoita makore matatu vachidzidziswa, mushure menguva iyoyo, ndivo vaizenge vava vokushanda pana mambo. Pakati pamajaya iwaya paivawo naDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya vedzinza rokwaJudha. Mukuru wavayuniki, akavapa mamwe mazita. Akapa Dhanieri zita rokuti Bheriteshaza, Hananiya akamutumidza rokuti Shadhiraki. Akapawo Mishaeri zita rokuti Meshaki ndokutumidza Azariya zita rokuti Abhedhinego. Asi Dhanieri akazviti nechomumwoyo handimboda zvangu kuzvin'oresa nechokudya chamambo chakanakisisa kana newaini yaanonwa. Naizvozvo akakumbira muyuniki mukuru kuti amubvumire zvake kusazvin'oresa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 1

Dhanieri 1:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)