Dhanieri 1:1-8
Dhanieri 1:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimi mambo weJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuJerusarema ndokurikomba. Uye Ishe akaisa Jehoyakimi mambo weJudha muruoko rwake, pamwe chete nemimwe midziyo yaibva mutemberi yaMwari. Akatakura izvi akaenda nazvo kutemberi yamwari wake kuBhabhironi ndokuzviisa muimba yepfuma yamwari wake. Ipapo mambo akarayira Ashipenazi, mukuru wavatariri veruvazhe, kuti apinze vamwe vavaIsraeri kubva mumhuri youshe nemhuri yemakurukota, majaya asina chinongo pamiviri yavo, vakanaka, vanoratidza njere padzidzo yose, vanokurumidza kunzwisisa, uye vakakodzera kushumira, mumuzinda wamambo. Aizovadzidzisa mutauro namagwaro avaBhabhironi. Mambo akarayira kuti vapiwe zvokudya zvezuva rimwe nerimwe newaini yaibva patafura yamambo. Vaifanira kudzidziswa kwamakore matatu, uye shure kwaizvozvo vaizopinda paushumiri hwamambo. Pakati pavo paiva navamwe vaibva kuJudha vaiti: Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria. Vakuru vamachinda vakavatumidza mazita matsva sezvinotevera: Dhanieri vakamupa zita rokuti Bheriteshazari; Hanania akanzi Shadhireki; Mishaeri akanzi Meshaki; uye Azaria akanzi Abhedhinego. Asi Dhanieri akazvisunga mumwoyo make kuti arege kuzvisvibisa nezvokudya zvamambo newaini yake, uye akakumbira mukuru wamachinda mvumo yokuti arege kuzvisvibisa nenzira iyi.
Dhanieri 1:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Negore rechitatu rokubata ushe kwaJehoyakimu mambo waJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, akasvika Jerusaremu, akarikomba. Ishe akaisa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwechete nedzimwe nhumbi dzeimba yaMwari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, akaisa nhumbi muimba yokuchengeta pfuma yamwari wake. Mambo akaudza Ashipenazi, mutariri wavaranda vake, kuti auye navamwe vana vaIsiraeri, vorudzi rwamambo norwamachinda; majaya akanga asina mhosva, asi akanga akanaka pameso, akachenjera panjere dzose, akangwara pakuziva, nokunzwisisa uchenjeri hwose, akanga akakwana kumira mumba mamambo; uye kuti avadzidzise magwaro norurimi rwavaKaradhea. Mambo akarayira kuti vapiwe mumwe mugove wezvokudya zvamambo zuva rimwe nerimwe, nowewaini yaainwa, uye kuti vachengetwe makore matatu, kuti kana apera vagomira pamberi pamambo. Zvino pakati pavo pakanga pana Dhanieri naHanania naMishaeri naAzaria, vari vana vaJudha. Muchinda wavaranda akavatumidza mazita, Dhanieri akamutumidza zita rinonzi Bheteshazari, naHanania rinonzi Shadhiraki, naMishaeri rinonzi Meshaki, naAzaria rinonzi Abhedhinego. Asi Dhanieri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvin’orese nezvokudya zvamambo kana newaini yaainwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvin’oresa.
Dhanieri 1:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimu mambo wokwaJudha, Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya kuguta reJerusaremu akarikomba, Tenzi akabva aita kuti Jehoyakimu mambo wokwaJudha akurirwe atorerwe mimwe midziyo yomuTemberi yaMwari. Nebhukadhineza akaenda nazvo kunyika yeShinari kuTemberi yake akarongedza midziyo iyoyo mumba maichengeterwa zvinhu zvamwari wake. Mambo akaudza mumwe muyuniki aiva muranda wake mukuru ainzi Ashipenazi kuti auye navamwe vanhu vechiIsiraeri asi vaifanira kuva vokumbahuru vane chiremera, uye vari majaya asina chinoshoreka ane chimiro chakarurama dziri nyanzvi chaidzo dzino ungwaru hwose zvahwo, uyewo vari vanhu vano ruzivo vanonzwisisa zvokudzidza, vanogona kushandawo mumuzinda wamambo. Akamuti avadzidzise zvinyorwa zvorurimi rwechiKaridhea. Mambo akarayira kuti zuva nezuva vapote vachipiwawo mugove wechokudya chakanaka chaidyiwa namambo newaini yaainwa. Vaizoita makore matatu vachidzidziswa, mushure menguva iyoyo, ndivo vaizenge vava vokushanda pana mambo. Pakati pamajaya iwaya paivawo naDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya vedzinza rokwaJudha. Mukuru wavayuniki, akavapa mamwe mazita. Akapa Dhanieri zita rokuti Bheriteshaza, Hananiya akamutumidza rokuti Shadhiraki. Akapawo Mishaeri zita rokuti Meshaki ndokutumidza Azariya zita rokuti Abhedhinego. Asi Dhanieri akazviti nechomumwoyo handimboda zvangu kuzvin'oresa nechokudya chamambo chakanakisisa kana newaini yaanonwa. Naizvozvo akakumbira muyuniki mukuru kuti amubvumire zvake kusazvin'oresa.
Dhanieri 1:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Negore recitatata ʋushe kwaJehoiakimo waJuda, Nebukadnezari mambo weBabironi, wakaȿika Jerusarema, akarikomba. Ishe akaisa Jehoiakimi mambo waJuda muruʋoko rwake, pamŋe cete nedzimŋe nhumbi dzeimba yaMŋari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamŋari wake, akaisa nhumbi muimba yokuceŋgeta fuma yamŋari wake. Mambo akaʋudza Ashpenazi, mutariri waʋaranda ʋake, kuti aʋuye naʋamŋe ʋana ʋaIsraeri, ʋorudzi rwamambo norwamacinda; majaya akaŋga asinemhoȿa, asi akaŋga akanaka pameso, akacenjera panjere dzose, akaŋgwara pakuziʋa, nokunzwisisa ʋucenjeri bgose, akaŋga akakwana kumira mumba mamambo; ʋuye kuti aʋadzidzise magwaro norurimi rwaʋaKardea. Mambo akaraira kuti ʋapiwe mumŋe mugoʋe weɀokudya ɀamambo zuʋa rimŋe nerimŋe, nowewaini yaainwa, ʋuye kuti ʋaceŋgetwe makore matatu, kuti kana apera ʋagomira pamberi pamambo. Ɀino pakati paʋo pakaŋga panaDanieri naHanania naMishaeri naAzaria, ʋari ʋana ʋaJuda. Mucinda waʋaranda akaʋatumidza mazita, Danieri akamutumidza zita rinonzi Berteshazari, naHanania rinonzi Shadraki, naMishaeri rinonzi Meshaki, naAzaria rinonzi Abedi‐nego. Asi Danieri wakaɀisuŋga mumŋoyo make kuti haaŋgaɀiȿiɓisi neɀokudya ɀamambo kana newaini yaainwa; saka wakakumbira kunomucinda waʋaranda kuti arege kuɀiȿiɓisa.
Dhanieri 1:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)