VaKorose 4:1-18
VaKorose 4:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vatenzi, ipai varanda venyu zvinhu zvakanaka uye zvakaenzana, nokuti munozviziva kuti nemiwo muna vaTenzi kudenga. Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga. Uye mutinyengetererewo kuti Mwari azarure mukova weshoko redu, kuitira kuti tigoparidza chakavanzika chaKristu, icho chandakasungirwa. Nyengeterai kuti ndigone kuparidza zvakajeka, sezvandinofanira. Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu. Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose. Tikikasi achakuudzai mashoko ose pamusoro pangu. Iye ihama inodikanwa kwazvo, mushumiri akatendeka nomushandi pamwe chete neni muna She. Ndiri kumutuma kwamuri nechinangwa ichi kuti muzive zvatiri uye kuti akurudzire mwoyo yenyu. Ari kuuya pamwe chete naOnesimasi, hama yedu yakatendeka uye inodikanwa, anova mumwe wenyu. Vachakuudzai zvose zviri kuitika kuno. Musungwa pamwe chete neni Aristakusi anokukwazisai, naMako, hama yaBhanabhasi anokukwazisaiwo. (Makarayirwa zvokuita naye; kana asvika kwamuri, mumugamuchire.) Jesu anonzi Jastasi, anokukwazisaiwo. Ava ndivo vaJudha bedzi pakati pavamwe vandinoshanda navo muumambo hwaMwari, uye vanondinyaradza. Epafurasi, mumwe wenyu nomuranda waKristu Jesu, anokukwazisai. Anogara achirwa muminyengetero nokuda kwenyu, kuti mumire makasimba mukuda kwose kwaMwari, makura uye muzere nokuziva. Ndinomupupurira kuti anokushandirai nesimba pamwe chete naavo vari paRaodhikea, napaHirapori. Shamwari yedu inodikanwa Ruka, chiremba, naDhemasi vanokukwazisai. Ndikwazisirei hama dziri paRaodhikea, naNimufa nekereke iri mumba make. Mushure mokuverengwa kwetsamba kwamuri, muone kuti yaverengwawo mukereke yeRaodhikea uye kuti nemiwo muverenge tsamba inobva kuRaodhikea. Muudze Akipasi kuti, “Ona kuti wapedza basa rawakagamuchira muna She.” Ini, Pauro ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu pachangu. Rangarirai ngetani dzangu. Nyasha ngadzive nemi.
VaKorose 4:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Madzishe, itirai varanda venyu zvakarurama, zvakaringana; muzive kuti nemiwo muna Ishe kudenga. Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nokuvonga; mutinyengeterere nesuo kamwe, kuti Mwari atizarurire musuo weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho; kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura. Fambai nokuchenjera kuna vari kunze, muchingwarira nguva yenyu. Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita. Muchaziviswa zvangu zvose naTikiko, hama inodikanwa, mushumiri akatendeka, nomuranda pamwechete neni muna Ishe. Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muzive zvedu, anyaradze mwoyo yenyu; pamwechete naOnesimo, hama yakatendeka, inodikanwa, mumwe wokwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zvapano. Arisitakusi, musungwa pamwechete neni, anokukwazisai, naMako, hama yaBhanabhasi, mumugamuchire; naJesu, anonzi Jusuto, vari vokudzingiswa; ndivava bedzi vanobata neni paushe hwaMwari, ivo vakandinyaradza. Epafirasi; mumwe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, anokukwazisai, achirwa nguva dzose pakunyengetera nokuda kwenyu, kuti mumire makakwana, muchiziva kwazvo kuda kwose kwaMwari. Nokuti ndinomupupurira, kuti anotambudzika zvikuru nokuda kwenyu, naveRaodhikia, naveHerapori. Ruka, n'anga inodikanwa, naDhemasi, vanokukwazisai. Ndikwazisirei hama dziri Raodhikia, naNimifa, nesangano riri mumba mavo. Kana tsamba iyi yarawa pakati penyu, ngairawewo musangano ravaRaodhikia; imiwo murave tsamba inobva Raodhikia. Udzai Arikipo muti, “Tarira basa rawakapiwa naIshe, kuti uripedzise kwazvo.” Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu. Rangarirai kusungwa kwangu. Nyasha ngadzive nemi.
VaKorose 4:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanatenzi batai varanda venyu zvino ruenzaniso uye zvakarurama muchizivawo kuti imi muna tenzi kudenga. Rambai muchinamata, mungwarire kunamata muchitenda. Mutinamatirewo kuti Mwari atizarurire musuo weshoko kuti tiparidze zvakavandika zvaKristu. Ndiri muno mujeri pamusana pazvo kuti ndiri tsanangure zviri pachena sezvandinofanira kuti ndiite. Fambidzanai noungwaru navasiri mubato renyu. Pane zvenguva, mototi chawawana batisa. Matauriro enyu ngaave matauriro akanaka kuti muzive kunyatsodavira anenge akubvunzai. Tikikusi achakuzivisai nezvangu zvese. Ihama yapamwoyo, mushandiri akatendeka mushandipamwechete muna Tenzi. Izvozvi ndizvo zvakaita kuti ndimutumire kwamuri kuti imi muzive kuti isu takadii uye kuti, agokukurudzirai Ndamutumira pamwechete naOnesimo hama yakatendeka yapamwoyo, mumwe wenyu. Vachakutaurirai zvose zvakaitika kuno. Muri kukwaziswa naAristakusi, musungwa pamwechete neni uye Mariko munun'una wamakarairirwa nezvake. Kana auya kwamuri mugamuchirei naJesu anonzi Jusutusi ivava ndivo chete vokudzingiswa pakati pavashandipamwe neni muumambo hwaMwari, ndivo vaindinyaradza. Epafurasi, mumwe wenyu, muranda waKristu Jesu, ari kukukwazisai. Anokuyeukai nguva dzose mumunamato kuti muve vanhu vabve zano uye muchinyatsoziva zvose zvinodiwa naMwari. Ini ndinomupupurira kuti akakushandirai zvakaoma imi nevokuRaodhesia nevokuHeraporisi. Ruka, chiremba wapamwoyo naDhemasi vanokukwazisai. Ndikwazisireiwo hama dziri muRaodhesia naNipfa nesangano riri pamusha pake. Kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, ngaiverengwewo musangano rovokuRaodhesia. Imiwo munofanira kuzoverenga yokuRaodhesia. Muti kuna Achipusi, “Unofanira kuita basa rawakagamuchira kuna Tenzi.” Ndini Pauro ndinonyora noruoko rwangu ndichikukwazisai. Yeukai ngetani dzangu. Nyasha ngadzive nemi.
VaKorose 4:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Madzishe, itirai ʋaranda ʋenyu ɀakarurama, ɀakariŋgana; muziʋe kuti nemi ʋo munaShe kuɗeŋga. Tsuŋgirirai pakunyeŋgetera, murinde pakuri nokuʋoŋga; mutinyeŋgeterere nesu ʋo kamŋe, kuti Mŋari atizarurire mukoʋa weshoko, titaure cakaʋanzika caKristu, candakasuŋgirwa ico; kuti ndiciratidze, seɀandinofanira kutaura. Fambai nokucenjera kunaʋari kunze, muciŋgwarira ŋguʋa yenyu. Kutaura kwenyu ŋgakuʋe nenyasha ŋguʋa dzose, kwakaruŋgwa nomunyu, kuti muziʋe kupindura mumŋe nomumŋe seɀamunofanira kuita. Mucaziʋiswa ɀaŋgu ɀose naTikiko, hama inoɗikanwa, mushumiri wakatendeka, nomuranda pamŋe cete neni munaShe. Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muziʋe ɀeɗu, anyaradze mŋoyo yenyu; pamŋe cete naOnesimo, hama yakatendeka, inoɗikanwa, mumŋe wokwenyu. Iʋo ʋacakuziʋisai ɀose ɀapano. Aristarko, musuŋgwa pamŋe cete neni, unokukwazisai, naMarko, hama yaBarnabasi, (makarairwa pamsoro pake; kana aciȿika, mumugamucirei); naJesu, unonzi Justo, ʋari ʋokudziŋgiswa; ndiʋaʋa ɓedzi ʋanoɓata neni paʋushe bgaMŋari, iʋo ʋakandinyaradza. Epafrasi, mumŋe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, unokukwazisai, acirwa ŋguʋa dzose pakunyeŋgetera nokuɗa kwenyu, kuti mumire makakwana, muciziʋa kwaɀo kuɗa kwose kwaMŋari. Nokuti ndinomupupurira, kuti unotambudzika ɀikuru nokuɗa kwenyu, naʋeRaodikia, naʋeHirapori. Ruka, ŋaŋga inoɗikanwa, naDemasi, ʋanokukwazisai. Ndikwazisirei hama dziri Raodikia, naNimfa, nekereke iri mumba maʋo. Kana ŋwadi iyi yarabga pakati penyu, ŋgairabge ʋo mukereke yaʋaRaodikia; imi ʋo muraʋe ŋwadi inobva Raodikia. Ʋudzai Arkipo, muti: Tarira ɓasa rawakapiwa naShe, kuti uripedzise kwaɀo. Ndiko kukwazisa kwaŋgu, ini Pauro, noruʋoko rwaŋgu. Raŋgarirai kusuŋgwa kwaŋgu. Nyasha ŋgadziʋe nemi.
VaKorose 4:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)