VaKorose 3:5-10
VaKorose 3:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo. Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya. Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama. Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu. Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake.
VaKorose 3:5-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo. Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavana vokusateerera; nemiwo maifamba mazviri kare, maigara muzvinhu izvi. Asi zvino, imiwo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu. Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare namabasa ake, mukafuka munhu mutsva, anovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika
VaKorose 3:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo urayai zvenyika zviri mamuri izvi zvinoti: ufeve, zvisina kuchena, havi dzakaipa, nokudokwairira uipi nokukarira upfumi zvinongova zvimwechetezvo nokunamata zvifananidzo. Pamusana paizvozvi Mwari ari kuuya akashatirwa. Makambofamba mazviri pamaigara mazviri. Zvino chisiyanai nazvo zvose zvinoti: hasha, noukasha, nouipi nokureva vamwe nokutaura zvinonyadzisa. Musareverane nhema sezvamunongozvionawo kuti makabvisa upenyu hwenyu hwakare namaitiro ahwo mukapfeka upenyu hutsva huri kuvandudzwa noruzivo kuti hufanane nomusiki warwo.
VaKorose 3:5-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ʋurayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Ʋupombge, netȿina, nokushumba, nokuɗa ɀakaipa, nokuciʋa, ndiko kunamata ɀifananidzo. Nokuɗa kwaiɀoɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋana ʋokusaterera; nemi ʋo maifamba maɀiri kare, maigara muɀinhu iɀi. Asi ɀino, imi ʋo, bvisai iɀi ɀose, ɀinoti: Hasha, nokutsamŋa, nokuʋeŋga, nokutuka, nokutaura ɀinonyadzisa nomuromo wenyu. Regai kureʋerana nhema, ɀamakabvisa munhu wekare namaɓasa ake, mukafuka munhu mutȿa, unoʋandudzwa pakuziʋa, afanane nowakamusika
VaKorose 3:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)