VaKorose 3:18-21
VaKorose 3:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She. Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha. Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe. Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.
VaKorose 3:18-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna Ishe. Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo. Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka muna Ishe. Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.
VaKorose 3:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Madzimai zviisei pasi pavarume venyu sezvazviri izvo zvinokodzerana nomunhu muna Tenzi. Imi varume idai vakadzi venyu musave norushusho kwavari. Imi vana, teererai vabereki venyu muna zvose nokuti ndizvo zvinofadza Tenzi. Vanababa musashatirise vana venyu, vangadaro vakarasa mwoyo.
VaKorose 3:18-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakadzi, muɀiise pasi paʋarume ʋenyu, seɀaɀakafanira munaShe. Ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, regai kuʋa nehasha naʋo. Ʋana, tererai ʋaɓereki ʋenyu paɀinhu ɀose, nokuti ndiɀo ɀakanaka munaShe. Madziɓaɓa, regai kunetsa ʋana ʋenyu, kuti ʋarege kuʋora mŋoyo.
VaKorose 3:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)