VaKorose 3:17-24
VaKorose 3:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye. Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She. Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha. Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe. Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo. Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika muzvinhu zvose; uye muzviite, kwete kuti vakuonei chete uye kuti mudikanwe navo, asi nokutendeka kwomwoyo uye nokutya Ishe. Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu, sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira.
VaKorose 3:17-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
uye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raIshe Jesu, muchivonga Mwari baba naye. Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna Ishe. Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo. Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka muna Ishe. Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo. Varanda, teererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata basa pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomwoyo wakarurama muchitya Ishe. Zvose zvamunoita, muzviite nomwoyo wose, sokuna Ishe, musingaitiri vanhu; muchiziva kuti muchapiwa naIshe mubayiro wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu.
VaKorose 3:17-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chiri chose chamunoita, kungave kutaura kana kuita, zviitei muzita raTenzi Jesu, muchitsvitsirwa naye kutenda kwenyu kuna Baba. Madzimai zviisei pasi pavarume venyu sezvazviri izvo zvinokodzerana nomunhu muna Tenzi. Imi varume idai vakadzi venyu musave norushusho kwavari. Imi vana, teererai vabereki venyu muna zvose nokuti ndizvo zvinofadza Tenzi. Vanababa musashatirise vana venyu, vangadaro vakarasa mwoyo. Imi varanda teererai muna zvose vanhu vanenge vari vatenzi venyu pasi pano, kwete zvokubata vanhu kumeso savanhu vokungoda kufadza vanhu. Zviitei nomwoyo mumwechete mutye Tenzi. Chipi nechipi chamunoita chiitei nomwoyo wose sokunge munoshandira Tenzi, kwete vanhu, sezvamunoziva kuti muchagamuchira nhaka somubayiro wenyu, nokuti Tenzi Kristu ndiye wamuri kushandira.
VaKorose 3:17-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ʋuye ɀose ɀamunoita, kana ɀiri ɀeshoko kana ɓasa, itai ɀose nezita raShe Jesu, muciʋoŋga Mŋari Ƃaɓa naye. Ʋakadzi, muɀiise pasi paʋarume ʋenyu, seɀaɀakafanira munaShe. Ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, regai kuʋa nehasha naʋo. Ʋana, tererai ʋaɓereki ʋenyu paɀinhu ɀose, nokuti ndiɀo ɀakanaka munaShe. Madziɓaɓa, regai kunetsa ʋana ʋenyu, kuti ʋarege kuʋora mŋoyo. Ʋaranda, tererai paɀinhu ɀose ʋatenzi ʋenyu panyama; regai kuɓata pamberi pameso aʋo, saʋafadzi ʋaʋanhu, asi nomŋoyo wakarurama mucitya Ishe. Ɀose ɀamunoita, muɀiitei nomŋoyo wose, sokunaShe, musiŋgaitiri ʋanhu; muciziʋa kuti mucapiwa naShe muɓairo wenhaka; nokuti munoɓatira Ishe Kristu.
VaKorose 3:17-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)