VaKorose 3:11-13
VaKorose 3:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose. Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu. Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.
VaKorose 3:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
apo hapana muGiriki nomuJudha, akadzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa nomuSitia, musungwa nowakasununguka; asi Kristu ndiye zvose uye uri muna vose. Naizvozvo, savatsanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.
VaKorose 3:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pano apa hapana zvokuti uyu muGiriki here kana kuti muJudha; kana kuti uyu akadzingiswa here kana kuti haana kudzingiswa; kana kuti uyu ndewechirudzi here kana kuti muSitia, kana kuti muranda here kana kuti munhu anorusununguko rwake asi kuti Kristu ndiye zvose uye kuti ari muna vose. Naizvozvo imi vasarudzwi vaMwari, vatsvene vapamwoyo, pfekai tsika yemwoyo wetsitsi, nomwoyo wokuzvirereka, nomwoyo munyoro nomwoyo murefu, nokutirirana uye kuti kana mumwe ane nhuna nomumwe vachiregererana, sokuregererwa kwamakaitwa naTenzi imiwo munofanira kuregererana.
VaKorose 3:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
apo hapana‐muGiriki nomuJuda, kudziŋgiswa nokusadziŋgiswa, mutorwa nomuSitia, musuŋgwa nowakasunuŋguka; asi Kristu ndiye ɀose, ʋuye uri munaʋose. Naiɀoɀo, saʋasanaŋgurwa ʋaMŋari, ʋatȿene naʋanoɗikanwa, fukai mŋoyo unetsitsi, nomŋoyo munyoro, nokusaɀikudza, noʋunyoro, nomŋoyo murefu; muitirane mŋoyo murefu, mucikaŋganwirana, kana munhu anemhoȿa nomumŋe; Ishe seɀaakakukaŋganwirai, muite saiɀoɀo nemi ʋo.
VaKorose 3:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)