VaKorose 2:16-23
VaKorose 2:16-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata. Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu. Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina. Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo namarunda, unokura sezvinoda Mwari. Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, muchizviisa pasi pemitemo yayo inoti: “Usabata! Usaravira! Usagunzva!”? Izvi zvose zvichaparadzwa nokubata kwazvo, nokuti zvakavakwa pamirayiro yavanhu nokudzidzisa kwavanhu. Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokurwadzisa kwavo muviri, asi zvisingagoni kudzivisa kuchiva kwomuviri.
VaKorose 2:16-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo anokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana paSabata; izvi mumvuri wezvichauya; asi muviri ndowaKristu. Munhu ngaarege kuvapo anokutorerai mubayiro wenyu namawune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakaona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama, asingabatisisi Musoro, uyo, maari muviri wose unosimbiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari. Zvino kana makafa pamwechete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirayiro, somugere munyika, mirayiro inoti, “Usabata,” “Usaravira,” “Usagunzva,” izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo; muchitevera mirayiro nedzidziso dzavanhu? Zvinhu zvakadai zvakaita sezvino uchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvina simba rokukunda kuchiva kwenyama.
VaKorose 2:16-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo musave nomunhu anokutongerai munezvokudya, kana zvokunwa, kana mune zvamazuva makuru, kana zvokugara kwomwedzi kana nezveSabata. Izvi zvinongova mubvuri zvawo wezvichauya asi zvinhu chaizvoizvo zvinhu zvina Kristu. Musabvumire munhu kuti akutii hamukodzeri pamusana pokuvavaridza panyaya dzokuzvirwadzisa kana kunamata vatumwa achiti anoona zviratidzo achinyunduma zvisina musoro nepfungwa dzamanyawi chete asingasimbi nokubatirira kumusoro unopa muviri wose chokudya uye unoubatanidza nenhengo namarunda unokura uchikuriswa naiye Mwari. Kana makafa pamwechete naKristu kunezvemweya yenyika munogarirei sokunge muri venyika, munozviisirei pasi pemitemo inoti, “Zvinoera kugunzwa ichi,” “Zvinoera kuravira ichi,” “Zvinoera kubata icho?” Izvozvo vachitaura nezvezvinhu zvinopera pazvinoshandiswa muchitevera mirau nezvidzidziso zvavanhu. Izvi zvinotarisika soungwaru mukuzviomesera kwavanoita pakunamata kwavo vachizvininipisa uye kuzvirwadzisa kwavanoita muviri asi zvisina chazvinobatsira pakudzora munhu pahavi dzomuviri wake.
VaKorose 2:16-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo munhu ŋgaarege kuʋa’po unokutoŋgai paɀokudya, kana ɀokunwa, kana nokuɗa kwomusi womutambo, kana pakugara kwomŋedzi, kana pasaɓata; iɀi mumvuri weɀicaʋuya; asi muʋiri ndowaKristu. Munhu ŋgaarege kuʋa’po unokutorerai muɓairo wenyu namaʋune, nokuɀininipisa nokunamata ʋatumŋa, aciʋimba neɀaakaʋona, aciɀikudza pasina nokufuŋga kwenyama, asiŋgaɓatisisi Musoro, uyo, maari muʋiri wose unosimbiswa nokusuŋganidzwa neɀisuŋgo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMŋari. Ɀino kana makafa pamŋe cete naKristu kuneɀokuʋamba ɀenyika, munoɀiisireiko pasi pemirairo, somugere munyika, mirairo inoti: usaɓata, usaraʋira, usagunɀa, (iɀi ɀose ɀinofanira kuparadzwa kana ɀoɓatwa naɀo); muciteʋera mirairo nedzidziso dzaʋanhu? Ɀinhu ɀakaɗai ɀakaita seɀinoʋucenjeri, pakunamata Mŋari nokuɗa kwaʋo, nokuɀininipisa, nokutambudza muʋiri; asi haɀinesimba rokukunda kuciʋa kwenyama.
VaKorose 2:16-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)