VaKorose 2:1-3
VaKorose 2:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu nepaavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu. Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu, maari ndimo makachengetwa pfuma yose youchenjeri nokuziva.

VaKorose 2:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndinoda kuti muzive kurwa kukuru kwandinako pamusoro penyu, navari paRaodhikia, navose vasina kumboona chiso changu panyama; kuti mwoyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nepfuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu; maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwa.
VaKorose 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndingade ini kuti imi novokuRaodhesia navamwe vose vasati vandiona uso nouso, muzive kuti ndinokutamburirai zvakakura sei. Ndinoita izvi kuti vakurudzirwe mwoyo vari murudo kuti vawane upfumi hwose hwokunzwisisa hunogadzanisa mwoyo uye kuti vawane ruzivo rwechakavandika chaMwari zvichireva iye Kristu. Maari ndimo mune upfumi hwose hwoungwaru noruzivo zvakavandika.
VaKorose 2:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndinoɗa kuti muziʋe kurwa kukuru kwandinako pamsoro penyu, naʋari paRaodikia, naʋose ʋasina‐kumboʋona ciso caŋgu panyama; kuti mŋoyo yaʋo isimbiswe, ʋasuŋganidzwe muruɗo, ʋaʋe nefuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti ʋaziʋe kwaɀo cakaʋanzika caMŋari, iye Kristu; maari fuma yose yoʋucenjeri nokuziʋa yakaceŋgetwa.
VaKorose 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)