VaKorose 1:9-14
VaKorose 1:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya, uye nokunzwisisa. Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari, muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza. Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi.
VaKorose 1:9-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka nesuo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya; kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo; muchisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, muve nomwoyo murefu, nomufaro; muvonge baba, vakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yavatsvene muchiedza; vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muushe hwoMwanakomana worudo rwavo; watine dzikinuro maari, ndiko kukanganwirwa kwezvivi zvedu.
VaKorose 1:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo kubvira musi watakazvinzwa hatimborega kukunamatirai tichikumbira kuti muve noruzivo ruzere rwezvaanoda muungwaru nokunzwisisa kwezvomweya kuitira kuti mugare upenyu hunokodzerana naTenzi, hunomufadza zvizere huchibereka michero yakanaka mumabasa ose uyewo muchikurakura mukuziva kwenyu Mwari. Dai mukasimbaradzwa nesimba rose maererano nesimba rake rinomukurumbira kuti muve nokutirira nemwoyo murefu. Norufaro, tendai Baba, vakatikodzeresa kuva nomugove wavarurami, muchiedza. Vakatinunura kuumambo hwerima vakatiendesa muumambo hwomwanakomana wavo wapamwoyo. Maari ndimo matakawana ruponeso rwokuregererwa zvitadzo.
VaKorose 1:9-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka nesu ʋo, kubvira pazuʋa ratakanzwa, hatiregi kukunyeŋgetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziʋa kwaɀo kuɗa kwake, pakucenjera nokunzwisisa kwose kwomŋeya; kuti mufambe seɀinofanira Ishe, mucimufadza paɀose, muciɓereka ɀiɓereko pamaɓasa ose akanaka, mucikura pakuziʋa Mŋari kwaɀo; mucisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubginya kwake, muʋe nomŋoyo murefu, nomufaro; muʋoŋge Ƃaɓa, ʋakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yaʋatȿene muciedza; ʋakatisunuŋgura pasimba rerima, ʋakatiisa muʋushe bgoMŋanakomana woruɗo rwaʋo; watinedzikinuro maari, ndiko kukaŋganwirwa kweɀiʋi ɀeɗu.
VaKorose 1:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)