VaKorose 1:26-27
VaKorose 1:26-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
chakavanzika chakanga chakavigwa kubvira kare uye kumarudzi namarudzi, asi zvino zvakazarurirwa vatsvene. Kwavari, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavaHedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya.
VaKorose 1:26-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake; kuna ivo Mwari waakada kuvazivisa upfumi hwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedheni, chokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubwinya
VaKorose 1:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndicho chakavandika chiya kubvira pasichigare kwezvizvarwa nezvizvarwa asi iye zvino chavakuburitswa pachena kuvatsvene vake. Mwari akada zvake kuzivisa vechirudzi kuwanda kwakaita upfumi hwembiri yechakavandika chiya. Chakavandika chacho ndiKristu ari mamuri iye chitarisiro chembiri.
VaKorose 1:26-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ndico cakaʋanzika, cakaŋga cakafukidzwa kubvira pakutaŋga kweŋguʋa nendudzi, asi ɀino cakaratidzwa ʋatȿene ʋake; kunaiʋo Mŋari waakaɗa kuʋaziʋisa ʋufumi bgokubginya kwecakaʋanzika icoci pakati paʋahedeni, cokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubginya
VaKorose 1:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)