VaKorose 1:24-25
VaKorose 1:24-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke. Ini ndava muranda wayo nokutumwa kwandakaitwa naMwari kuti ndiise kwamuri shoko raMwari nokuzara kwaro
VaKorose 1:24-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamadambudziko aKristu, nokuda kwomuviri wake, iro sangano; iro randakaitwa mushumiri waro sezvandakagoverwa naMwari pamusoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMwari
VaKorose 1:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino, ndinofara namatambudziko angu andinotambudzikira imi. Mumuviri wangu ndinozadzisa zvakasara pakutambudzika kwaKristu achitambudzikira muviri wake, sangano. Sangano iroro, ndiro randakava mushandiri waro maererano nomugove webasa randakapirwa imi naMwari kuti Shoko raMwari rizivikanwe zvizere.
VaKorose 1:24-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndinofara pakutambudzika kwaŋgu nokuɗa kwenyu, ndicizadzisa panyama yaŋgu ɀakasara pamaɗambudziko aKristu, nokuɗa kwomuʋiri wake, iyo kereke; iyo yandakaitwa mushumiri wayo seɀandakagoʋerwa naMŋari pamsoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMŋari
VaKorose 1:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)