VaKorose 1:16-18
VaKorose 1:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari. Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kubva kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru.

VaKorose 1:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zvoushe, kana ushe, kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake. Ndiye anotangira zvose, zvose zvakabatana maari. Ndiye musoro womuviri, ndiyo sangano; ndiye wokutanga, dangwe ravakamuka kuvakafa; kuti iye ave mukuru pazvinhu zvose.
VaKorose 1:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti maari, Mwari ndomaakasika namo zvinhu zvose, zviri pasi nezviri kudenga, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kunyange vezvigaro zvokutonga kana voumambo kana kuti vane ukuru–ukuru kana madzishe. Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari uyewo ndiye wazvakasikirwa. Ndiye nyakutangira zvinhu zvose uye maari zvinhu zvose zvinobatanidzwa zviri mumaoko ake. Ndiye musoro womuviri, musoro wesangano. Ndiye wokutanga dangwerume revakabva kuvafi, kuti muna zvose ave ndiye wokutanga–tanga
VaKorose 1:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti maari ɀinhu ɀose ɀakasikwa, ɀiri kuɗeŋga napanyika, ɀinoʋonekwa neɀisiŋgaʋonekwi, kana ɀiri ɀigaro ɀoʋushe, kana ʋushe, kana ʋaɓati, kana masimba; ɀinhu ɀose ɀakasikwa naye, ɀiri’po nokuɗa kwake. Ndiye unotaŋgira ɀose, ɀose ɀakaɓatana maari. Ndiye musoro womuʋiri, ndiyo kereke; ndiye wokutaŋga, ɗaŋgwe raʋakamuka kuʋakafa; kuti iye aʋe mukuru paɀinhu ɀose.
VaKorose 1:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)