VaKorose 1:1-8
VaKorose 1:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi. Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai, nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose, kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterwa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri rakasvika kwamuri. Munyika yose vhangeri iri riri kubereka zvibereko uye richikura sezvarakanga richiita pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa uye mukanzwisisa nyasha dzaMwari muzvokwadi yose. Makazvidzidza kubva kuna Epafrodhitasi, muranda pamwe chete nesu anodikanwa, mushumuri akatendeka waKristu nokuda kwedu, uye akatiudzawo nezvorudo rwenyu muMweya.
VaKorose 1:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti, hama yedu, kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu vari paKorose: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kuna Mwari; baba vedu. Tinovonga Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nguva dzose kana tichikunyengetererai, zvatakanzwa zvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu, norudo rwamunarwo kuvatsvene vose, pamusoro petariro yamakachengeterwa kudenga, yamakanzwa kare pashoko rechokwadi reVhangeri; iyo yakasvika kwamuri, sezvayakasvika panyika yosewo; ichibereka zvibereko, ichikura, sezvainoita kwamuriwo, kubvira pazuva ramakanzwa nokuziva kwazvo nyasha dzaMwari muchokwadi; sezvamakadzidza kuna Epafirasi, muranda pamwechete nesu, anodikanwa, mushumiri akatendeka waKristu nokuda kwenyu, iye akatiudzawo zvorudo rwenyu muMweya.
VaKorose 1:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro akaitwa mupositori waKristu Jesu nokuda kwaMwari naTimoti hama yedu takunyorerai imi vokuKorose, vatsvene uye hama dzakatendeka muna Kristu. Mwari Baba wedu ngavakuwanisei nyasha norugare. Tinotenda Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose dzatinokunamatirai. Tinodaro nokuti takanzwa nezvechitendero chenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose pamusana pechitarisiro chezvamakachengeterwa kudenga. Izvi makazvinzwa kare mushoko rechokwadi, Shoko Rakanaka rakasvika kwamuri. Sezvariri kungoitawo pasi pose kubereka muchero richipararira, ndozvariri kuitawo pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa mukanzwisisa nyasha dzaMwari nechokwadi chezvariri sokuzvidzidza kwamakaita kuna Epafurasi mushandipamwe nesu wapamwoyo. Mushandi akatendeka waKristu anomirira isu, iye akatizivisawo rudo rwamakawana muna Mweya.
VaKorose 1:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuɗa kwaMŋari, naTimotio, hama yeɗu, kuʋatȿene nehama dzakatendeka munaKristu ʋari paKorose: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu. Tinoʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, ŋguʋa dzose kana ticikunyeŋgetererai, ɀatakanzwa ɀokutenda kwenyu munaKristu Jesu, noruɗo rwamunarwo kuʋatȿene ʋose, pamsoro petariro yamakaceŋgeterwa kuɗeŋga, yamakanzwa kare pashoko reɀokwaɗi reEvaŋgeri; iyo yakaȿika kwamuri, seɀayakaȿika panyika yose ʋo; iciɓereka ɀiɓereko, icikura, seɀainoita kwamuri ʋo, kubvira pazuʋa ramakanzwa nokuziʋa kwaɀo nyasha dzaMŋari muɀokwaɗi; seɀamakadzidza kunaEpafrasi, muranda pamŋe cete nesu, unoɗikanwa, mushumiri wakatendeka waKristu nokuɗa kwenyu, iye wakatiʋudza ʋo ɀoruɗo rwenyu muMŋeya.
VaKorose 1:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)