Amosi 9:11-12
Amosi 9:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Pazuva iro ndichamisazve tende raDhavhidhi rakawa. Ndichavakazve nzvimbo dzaro dzakaputsika, ndigovakazve matongo aro, uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita, kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu nendudzi dzose dzine zita rangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, iye achaita zvinhu izvi.
Amosi 9:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nezuva iro ndichamutsa tabherinakeri yaDhavhidhi yakawira pasi, nokudzivirapo pakakoromorwa; ndichamutsazve matongo ayo, ndichaivakazve sezvayakanga yakaita pamazuva akare; kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu, namarudzi ose akatumidzwa nezita rangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita izvozvi.
Amosi 9:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nezuva iroro, ndichamutsa imba yokwaDhavhidhi yakadai kuputsika ndiigadziridze pakapazika ndichimutsurudza matongo ayo, ndichiivaka patsva samazuva akare kuti vagotonga chitsama chakasara chokwaEdhomu nevechirudzi vose vanodaidzwa nezita rangu.” Ndizvo zvinotaura TENZI muiti waizvozvi.
Amosi 9:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nezuʋa iro ndicamutsa tabernakeri yaDavidi yakawira pasi, nokudziʋira’po pakakoromorwa; ndicamutsa ɀe matoŋgo ayo, ndicaiʋaka ɀe seɀayakaŋga yakaita pamazuʋa akare; kuti ʋaɀitorere ɀakasara ɀaEdomi, namarudzi ose akatumidzwa nezita raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova, unoita iɀoɀi.
Amosi 9:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)