Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 8:1-10

Amosi 8:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva. Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.” Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa uye muchiparadza varombo venyika, muchiti, “Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko kuti tigotengesa zviyo, uye kupera kweSabata kuti tigotengesa gorosi?” muchitapudza chiero, muchikwidza mitengo uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera, muchitenga varombo nesirivha uye vanoshayiwa neshangu, muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi. Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita. “Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here uye vose vanogara mairi havangachemi? Nyika yose ichadira seNairi, ichabvongodzwa uye igoderera sorwizi rweIjipiti. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru uye ndichauyisa rima panyika masikati machena. Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema, nokuimba kwose kuti kuve mhere. Ndichaita kuti mose mupfeke masaga uye mugoveura misoro yenyu. Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Amosi 8

Amosi 8:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha, tarirai, tswanda inezvibereko zvezhizha. Akati, “Amosi, unooneiko?” Ini ndikati, “Tswanda inezvibereko zvezhizha.” Zvino Jehovha akati kwandiri, “Kuguma kwasvikira vanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve. Nziyo dzetemberi dzichashanduka kuungudza nezuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; zvitunha zvichavapo zvizhinji, vachazvikandira kunze kwose vanyerere. Inzwai chinhu ichi, iyemi, munoda kumedza vanoshaiwa, nokuparadza varombo venyika, muchiti, “Kugara kwomwedzi kuchapfuura riniko, kuti titengese zviyo? Uye Sabata, kuti tizarure matura ezviyo? Tichatapudza efa, nokukurisa shekeri, tichinyengera nezviyero zvinonyengera; kuti titenge varombo nesirivha, navanoshaiwa tichipiwa shangu mbiri, tichitengesa makoto ezviyo?” Jehovha akapika noukuru hwaJakobho, achiti, “Zvirokwazvo, handingatongokanganwi rimwe ramabasa avo nokusingaperi. Ko nyika haingadederi pamusoro pechinhu ichi, mumwe nomumwe agerepo haangachemi here? Zvirokwazvo, ichakwira yose soRwizi, ichatutuma ndokudererazve, soRwizi, rweIjipiti. Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichavirisa zuva masikati makuru, ndichaisa rima panyika achiri masikati. Ndichashandura mitambo yenyu kuve kuchema, nenziyo dzenyu dzose kuve kurira kwokuchema; ndichafukidza zviuno zvose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndichazviita sapanochemwa mwanakomana akazvarwa ari mumwechete, nokuguma kwazvo sezuva rakaipa kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Amosi 8

Amosi 8:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

TENZI Mwari akandionesazve izvi. Ndakaona tswanda yemichero yomuzhizha. Iye akati, “Amosi chauri kuona chii?” Ini ndikati, “Tswanda yemichero yomuzhizha.” TENZI akanditi, “Vanhu vangu vaIsiraeri, zvino pavo pazovaperera, rwendo runo zvokunge ndichavadarika hapasisina. Dzimbo dzeTemberi dzichava nziyo dzokuungudza nezuva iroro, Zvitunha zvavanhu richave gatakata, zvichiraswa kwose kwose zvako chinyararire.” Ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari. Chinzwai izvi, imi munotsokodzera vasina chavanacho, muchisvitsa varombo vomunyika muno pakugumirwa. Munotika imi, “Ko iro zuva guru roKugara Kwomwedzi, haraichipfuura zvaro, kuti tichitengesa zvedu mbesanwa dzedu? Uye muchiti Ko iro zuva reSabata iri harichisva rapera here kuti tichiburitsa zvedu koroni titengese tichidaro kudukupisa bhagidhi nokukwidza mutengo, tichiitawo zvokuziva nemwero yokubiridzira, kuti titenge varombo nemari tichitengawo neshangu mbiri varombo vasina chavanacho uye kuti titengese kunyange marara zvawo ekoroni.” Ini TENZI ndinopika neni pachangu wamunodada naye imi vokwaJakobho kuti, “Handimbofa ndakakanganwa kunyange chimwechete zvacho chezvakaipa zvamakaita. Nyika ingarege kundengendeka here pamusana paizvozvo uye mugari wose wemo agoungudza, nyika yose zvayo ichitutumuka kuzara serwizi rwaNairi ichazara igosererazve, seNairi rwokuIjipiti?” Zvanzi naTENZI Mwari, “Pazuva iroro, ndichadokesa zuva ari masikati machena, pasi pagoti svi-i kusviba masikati machena chaiwo. Mazuva enyu makuru ndichaasandura achiva okuchema, nziyo dzenyu dzose dzive kuungudza. Ndichaita kuti musungire mitikisha yamasaga muchiuno muveure misoro yenyu mose mugoita savanhu vanochema mwana wavo wechikomana mumwechete, zuva iroro richapera ichingova nhamo chete.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Amosi 8

Amosi 8:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Heɀi ɀandakaratidzwa naShe Jehova: Tarirai, tswanda ineɀiɓereko ɀezhezha. Akati: Amosi, unoʋoneiko? Ini ndikati: Tswanda ineɀiɓereko ɀezhezha. Ɀino Jehova akati kwandiri: Kuguma kwaȿikira ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, handicatoŋgoʋaɗariki ɀe. Nziyo dzetembere dzicashanduka kuwuŋgudza nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; ɀitunha ɀicaʋa’po ɀizhinji, ʋacaɀikandira kunze kwose ʋanyerere. Inzwai cinhu ici, iyemi, munoɗa kumedza ʋanoshaiwa, nokuparadza ʋarombo ʋenyika, muciti: Kugara kwomŋedzi kucapfuʋura riniko, kuti titeŋgese ɀiyo? ʋuye saɓata, kuti tizarure matura eɀiyo? ticitapudza efa, nokukurisa shekeri, ticinyeŋgera neɀiyero ɀinonyeŋgera; kuti titeŋge ʋarombo nesirveri, naʋanoshaiwa ticipiwa shaŋgu mbiri, ticiteŋgesa makoto eɀiyo? Jehova wakapika noʋukuru bgaJakobo, aciti: Ɀirokwaɀo, handiŋgatoŋgokaŋganwi rimŋe ramaɓasa aʋo nokusiŋgaperi. Ko nyika haiŋgaɗeɗeri pamsoro pecinhu ici, mumŋe nomumŋe ugere’po haaŋgacemi here? Ɀirokwaɀo, icakwira yose soRwizi, icatutuma ndokuɗerera ɀe, soRwizi rweEgipita. Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicaʋirisa zuʋa masikati makuru, ndicaisa rima panyika aciri masikati. Ndicashandura mitambo yenyu kuʋe kucema, nenziyo dzenyu dzose kuʋe kurira kwokucema; ndicafukidza ɀiʋuno ɀose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndicaɀiita sapanocemŋa mŋanakomana wakaɀarwa ari mumŋe cete, nokuguma kwaɀo sezuʋa rakaipa kwaɀo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Amosi 8

Amosi 8:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)